bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Judges 7
Judges 7
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 8 →
1
Ɀino Jerubaari, ndiye Gideoni, wakamuka maŋgwanani, iye naʋanhu ʋose ʋaiʋa naye, ʋakandodzika matente aʋo patsime reHarodi; misasa yaMidiani yakaŋga iri necokumsoro kwaʋo, pacikomo ceMore pamupata.
2
Jehova akati kunaGideoni: Ʋanhu ʋaunaʋo ʋakawandisa, kuti ndiise ʋaMidiani mumaʋoko aʋo; kuti ʋaIsraeri ʋarege kuɀikudza pamberi paŋgu, ʋaciti: Maʋoko eɗu ndiwo akatiponesa.
3
Naiɀoɀo ɀino, enda undoparidza ʋanhu ʋaɀinzwe, uti: Aninani unotya, unoɗeɗera, ŋgaadzoke hake, abve pagomo reGireadi. Ʋanhu ʋaneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀiʋiri ʋakadzoka, ʋakasara ʋaneɀuru ɀinegumi.
4
Ipapo Jehova akati kunaGideoni: Naɀino ʋanhu ʋaciri ʋazhinji; enda naʋo kumvura ndiʋaidze’po; ɀino kana ndikati kwauri: Uyu unofanira kuenda newe, ndiye ucaenda newe; asi kana ndikati kwauri: Uyu haafaniri kuenda newe, iye haaŋgaendi.
5
Ipapo akaenda naʋanhu kumvura; Jehova akati kunaGideoni: Mumŋe nomumŋe unokapa mvura norurimi seɀinokapa imbga, unofanira kumuisa kurutiʋi ari oga; saiɀoɀo ʋo mumŋe nomumŋe unofugama pamabvi ake pakunwa.
6
Ɀino ʋanhu ʋakaŋga ʋakapa, ʋaciisa maʋoko aʋo kumiromo, ʋakaȿika ʋarume ʋanamazana matatu; asi ʋamŋe ʋose ʋakafugama pamabvi aʋo pakunwa mvura.
7
Ipapo Jehova akati kunaGideoni: Ndicakuponesai naʋarume aʋa ʋanamazana matatu ʋakakapa mvura, nokuisa ʋaMidiani muruʋoko rwako; ʋanhu ʋose ŋgaʋaende haʋo, mumŋe nomumŋe kutente rake.
8
Naiɀoɀo ʋanhu ʋakatora mbuʋa yaʋo mumaʋoko aʋo, nehwamanda dzaʋo; akaendisa ʋamŋe ʋarume ʋose ʋaIsraeri, mumŋe nomumŋe kutente rake, asi wakasara naʋanamazana matatu; misasa yaMidiani yakaŋga iri pasi pake mumupata.
9
Ɀino noʋusiku ubgo Jehova akati kwaari: Simuka, uɓurukire kumisasa, nokuti ndakaʋaisa muruʋoko rwako.
10
Asi kana ucitya kuɓuruka, uɓuruke kumisasa unaPura muranda wako;
11
ugondonzwa ɀaʋanotaura; shure kwaiɀoɀo maʋoko ako acasimbiswa kuɓurukira kumisasa. Ipapo akaɓuruka anaPura muranda wake, kuȿikira kumudziʋo waʋarwi, ʋakaŋga ʋari pamisasa.
12
Ɀino ʋaMidiani naʋaAmareki naʋana ʋose ʋamabvazuʋa ʋakaŋga ʋari mumupata, ʋakawanda semhashu; namakamera aʋo akaŋga asiŋgagoni kuʋereŋgwa, akaŋga akawanda sejeca riri pamhenderekedzo dzeguŋgwa.
13
Ɀino Gideoni wakati aȿika, akanzwa munhu wakaŋga acirondedzera kurota kwake kushamŋari yake, akati: Tarira, ndarota hope, ndikaʋona ciŋgwa cakaɓikwa cebari cicikuŋgurukira kumisasa yaMidiani, cikaȿika patente, ndokuriroʋa rikawa; cikaritsindikira, tente rikaʋata pasi.
14
Shamŋari yake ikapindura, ikati: Hacizi cimŋe cinhu, asi ndiwo munondo waGideoni, mŋanakomana waJoashi, murume waIsraeri; Mŋari wakaisa Midiani nehondo yose muruʋoko rwake.
15
Ɀino Gideoni wakati acinzwa kurondedzerwa kwokurota uku nokuɗudzirwa kwako, akanamata; akadzokera kumisasa, akati: Simukai, nokuti Jehova wakaisa misasa yaMidiani mumaʋoko enyu.
16
Ɀino akakamura ʋarume aʋo ʋanamazana matatu, akaita mapoka matatu, akapa mumŋe nomumŋe hwamanda muruʋoko rwake, neɀiroŋgo ɀisineciro, nezhenje mukati meɀiroŋgo.
17
Akati kwaʋari: Mutarire kwandiri, mugoita seni; tarirai, kana ndiciȿika kumudziʋo wemisasa, seɀandinoita ini, nemi ʋo muite saiɀoɀo.
18
Kana ndoridza hwamanda ini naʋose ʋandinaʋo, nemi ʋo muridze hwamanda kunhiʋi dzose dzemisasa, muciti: Munondo waJehova nowaGideoni!
19
Naiɀoɀo Gideoni naʋarume ʋanezana ʋaakaŋga anaʋo, ʋakaȿika kumudziʋo wemisasa pakutaŋga kweŋguʋa yapakati yoʋusiku, ʋacaŋgoisa ʋarindi; ʋakaridza hwamanda, ʋakaputsa ɀiroŋgo ɀakaŋga ɀiri mumaʋoko aʋo.
20
Ipapo mapoka matatu akaridza hwamanda, ʋakaputsa ɀiroŋgo, ʋakaɓata zhenje mumaʋoko aʋo oruɓoshwe, nehwamanda dzokuridza mumaʋoko aʋo orudyi, ʋakaɗanidzira ʋaciti: Munondo waJehova nowaGideoni!
21
Ʋakamira mumŋe nomumŋe panɀimbo yake, ʋakakomba misasa; hondo yose ikamhanya, ʋakaridza mhere, ʋakatiza.
22
Ʋakaridza hwamanda dzinamazana matatu, Jehova akarwisa munondo womumŋe nomumŋe neshamŋari yake, ʋuye nehondo yose; hondo ikatiza kuȿikira paBeti‐shita kurutiʋi rweZerera, kuȿikira kumuganho weAberimehora, paTabati.
23
Ɀino ʋarume ʋaIsraeri ʋakaʋuŋgana, ʋacibva kwaNaftari, nokwaAsheri, nokwaManase, ʋakateʋera Midiani.
24
Gideoni akatuma nhume panyika yose yamakomo yaEfraimi, akati: Ƃurukai mundorwa naMidiani, muʋataŋgire kugarira nzizi dzemvura kuȿikira paBeti‐bara neJoridani ʋo.
25
Ʋakaɓata macinda maʋiri aMidiani, Orebi naZeebi, ʋakaʋuraya Orebi paɗombo raOrebi, naZeebi ʋakamuʋuraya paciȿiniro cewaini caZeebi, ʋakateʋera ʋaMidiani; ʋakaʋuya nemisoro yaOrebi naZeebi kunaGideoni mhiri kwaJoridani.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21