bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Judges 6
Judges 6
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 7 →
1
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakaita ɀakaipa pamberi paJehova, Jehova akaʋaisa mumaʋoko aMidiani makore manomŋe.
2
Midiani akakunda Israeri; ʋana ʋaIsraeri ʋakaɀiitira pokuʋanda pamakomo, namapako, nenhare, nokuɗa kwaMidiani.
3
Nokuti ʋaIsraeri ʋakati kana ʋakusha, ʋaMidiani naʋaAmareki naʋana ʋamabvazuʋa ndokukwira kuzorwa naʋo.
4
Ʋakadzika matente aʋo pakatarisana naʋo, ndokuparadza ɀiɓereko ɀeminda kuȿikira paGaza; haʋana‐kusiyira ʋaIsraeri ɀokudya kana makwai kana ŋombe, kana mboŋgoro.
5
Nokuti ʋaikwira neɀipfuwo ɀaʋo, namatente aʋo; ʋaiʋuya ʋakawanda semhashu, ʋasiŋgagoni kuʋereŋgwa, iʋo namakamera aʋo; ʋaipinda munyika kuti ʋaiparadze.
6
ƲaIsraeri ʋakaʋa ʋarombo kwaɀo nokuɗa kwaMidiani; ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakacema kunaJehova.
7
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakati ʋacicema kunaJehova nokuɗa kwaMidiani,
8
Jehova akatuma muprofita kuʋana ʋaIsraeri; iye akati kwaʋari: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Ndakakukwidzai, ndicikuɓuɗisai paEgipita, nokukuɓuɗisai paimba yoʋuranda;
9
ndikakurwirai mumaʋoko aʋaEgipita, nomumaʋoko aʋose ʋaikumanikidzai, ndikaʋadziŋga pamberi penyu, ndikakupai nyika yaʋo;
10
ndikati kwamuri: Ndini Jehova Mŋari wenyu; hamufaniri kutya ʋamŋari ʋaʋaAmori, ʋamugere munyika yaʋo; asi hamuna‐kuterera inzwi raŋgu.
11
Ɀino mutumŋa waJehova wakaȿika, akagara pasi pomuouki wakaŋga uri paOfra, waiʋa waJoashi, muAbiezeri; Gideoni mŋanakomana wake, wakaŋga acipura ɀiyo paciȿiniro cewaini, kuti aɀiʋanze nokuɗa kwaʋaMidiani.
12
Ipapo mutumŋa waJehova akaɀiratidza kwaari, akati kwaari: Jehova unewe, iwe murume unesimba noʋumhare.
13
Gideoni akati kwaari: Haiwa, Ishe waŋgu, kana Jehova anesu, ko iɀi ɀose ɀakagotiwirireiko? Ɀiripiko ɀishamiso ɀake ɀose, ɀataiʋudzwa namadziɓaɓa eɗu, ʋaciti: Jehova haana‐kutikwidza here, acitiɓuɗisa paEgipita? Asi ɀino Jehova wakatirasha, akatiisa mumaʋoko aMidiani.
14
Ipapo Jehova akatendeʋukira kwaari, akati: Enda nesimba rako iri, undoponesa Israeri pamaʋoko aMidiani, handizi’ni ndakakutuma here?
15
Akati kwaari: Haiwa, Ishe, ndicagoponesa Israeri neiko? Tarirai rudzi rwaŋgu ruɗuku kunaʋose paManase, neni ndiri muɗuku kunaʋose paimba yaɓaɓa ʋaŋgu.
16
Jehova akati kwaari: Ɀirokwaɀo, ini ndicaʋa newe, iwe ucakunda ʋaMidiani somunhu mumŋe.
17
Akati kwaari: Kana ndawana nyasha pamberi penyu ɀino, ndiratidzei ciratidzo kuti ndimi munotaura neni.
18
Regai henyu kubva pano, kuȿikira ndadzokera kwamuri, ndikuʋigirei cipo caŋgu, ndiciise pamberi penyu. Iye akati: Ndicagara pano kuȿikira wadzoka ɀe.
19
Ipapo Gideoni akapinda, akandogadzira mbudzana neɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa ɀeefa imŋe yoʋupfu; akaisa nyama muɗeŋgu, nokuɗira muto muhari; akamuʋigira iɀoɀo pasi pomuouki, ndokumupa iɀoɀo.
20
Asi mutumŋa waJehova akati kwaari: Tora nyama neɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa, uɀiise paɗombo iri, ugoɗurura ʋo muto. Iye akaita saiɀoɀo.
21
Ɀino mutumŋa waJehova ndokutambanudza muromo wetȿimbo, yakaŋga iri muruʋoko rwake, akagunɀa nyama neɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa, mŋoto ukaɓuɗa paɗombo, ukapedza nyama neɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa. Mutumŋa waJehova ndokunyaŋgarika pamberi pake.
22
Ipapo Gideoni akaʋona kuti mutumŋa waJehova. Gideoni akati: Haiwa, Jehova Mŋari! nokuti ndaʋona mutumŋa waJehova ɀiso ɀakatarisana.
23
Asi Jehova wakati kwaari: Rugare ŋgaruʋe newe, usatya, hauŋgafi.
24
Ipapo Gideoni akaʋakira’po Jehova artari, akaitumidza zita rinonzi Jehova‐sharomi; iciri’po paOfra raʋaAbiezeri kuȿikira nhasi.
25
Ɀino noʋusiku ibgobgo Jehova akati kwaari: Tora nzombe yaɓaɓa ʋako, iya yecipiri inamakore manomŋe, uputse artari yaBaari yaɓaɓa ʋako, uteme ʋo ɗanda rokunamata naro riri’po.
26
Uʋakire Jehova Mŋari wako artari pamsoro penhare iyi, nomutoʋo wakafanira, ugotora nzombe iyo yecipiri, uɓayire cipiriso cinopiswa nehuni dzeɗanda rokunamata naro raunofanira kutema.
27
Ipapo Gideoni akatora ʋarume ʋanegumi kuʋaranda ʋake, akaita seɀaakaʋudzwa naJehova; asi haana‐kuita iɀoɀo masikati, asi wakaɀiita ʋusiku, nokuti wakatya ʋeimba yaɓaɓa ʋake naʋarume ʋeguta.
28
Ɀino ʋarume ʋeguta ʋakati ʋacimuka maŋgwanani, ʋakaʋona artari yaBaari yaputswa, neɗanda rokunamata naro raiʋa’po ratemŋa, nenzombe yecipiri yaɓayirwa paartari yakaŋga yaʋakwa’po.
29
Ʋakataurirana, ʋakati: Ndianiko wakaita cinhu ici? Ʋakati ʋacinɀera nokubvunzisisa, ɀikanzi: Gideoni mŋanakomana waJoashi, ndiye wakaita cinhu ici.
30
Ɀino ʋarume ʋeguta ʋakati kunaJoashi: Ƃuɗisa mŋanakomana wako, afe, nokuti waputsa artari yaBaari, ʋuye watema ɗanda rokunamata naro raiʋa’po pairi.
31
Asi Joashi wakati kunaʋose ʋakaŋga ʋacimupopotera: Moɗa kurwira Baari kanhi? Moɗa kumuponesa? Unomurwira ucaʋurawa maŋgwanani ano; kana ari mŋari, ŋgaaɀirwire amene, ɀaakaputsirwa artari yake nomunhu.
32
Saka nomusi iwoyo akamutumidza zita rinonzi Jerubaari, aciti: Baari ŋgaarwe naye, ɀaakaputsa artari yake.
33
Ɀino ʋaMidiani ʋose naʋaAmareki naʋana ʋamabvazuʋa ʋakaʋuŋgana, ʋakayambuka, ʋakadzika matente aʋo pamupata weJezreeri.
34
Asi Mŋeya waJehova wakaȿika pamsoro paGideoni, akaridza hwamanda, ʋaAbiezeri ʋakaʋuŋgana ʋakamuteʋera.
35
Akatuma nhume pakati paʋaManase ʋose, naiʋo ʋakaʋuŋgana ʋakamuteʋera; akatuma ʋo nhume kunaAsheri, naZeburuni, naNaftari, naiʋo ʋakakwira kuzosoŋgana naʋo.
36
Ipapo Gideoni akati kunaMŋari: Kana muciɗa kuponesa Israeri noruʋoko rwaŋgu, seɀamakataura,
37
tarirai, ndicaisa ɗebge rinemvere paɓuriro; kana kukaʋa neɗoʋa paɗebge ɓedzi, pasi pose pakawoma, ndicaziʋa kuti munoɗa kuponesa Israeri noruʋoko rwaŋgu, seɀamakataura.
38
Ɀikaʋa saiɀoɀo; nokuti wakamuka maŋgwanani, akambundanidza ɗebge, akaȿina mvura paɗebge, ikazadza mbiya.
39
Ɀino Gideoni akati kunaMŋari: Regai henyu kunditsamŋira, kana ndikataura ɀe kamŋe cete; nditenderei ndiidze ɀe kamŋe cete neɗebge; ɀino paɗebge ɓedzi paʋe pakawoma, asi pasi pose paʋe neɗoʋa.
40
Mŋari akaita saiɀoɀo ʋusiku ubgo; nokuti paɗebge ɓedzi pakaŋga pakawoma, asi ɗoʋa rakaŋga riri pasi pose.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21