bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Judges 19
Judges 19
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 20 →
1
Ɀino namazuʋa iwayo kusisinamambo pakati paIsraeri, mumŋe muRevi waigara mberi kwenyika yamakomo yaEfraimi, akaɀitorera mukadzi muroŋgo pa‐Beti‐rehemi‐juda.
2
Ɀino muroŋgo wake akafeʋa, akabva kwaari, akaenda kumba kwaɓaɓa ʋake paBeti‐rehemi‐juda, akagara’ko mŋedzi minna.
3
Ɀino murume wake akasimuka, akamuteʋera, anomuranda wake nemboŋgoro mbiri, akataura ɀakanaka naye, kuti amudzosere ɀe kwaari, iye mukadzi akamuisa kumba kwaɓaɓa ʋake; ɀino ɓaɓa ʋomusikana ʋakati ʋacimuʋona, ʋakafara kusoŋgana naye.
4
Mukarabga wake, iʋo ɓaɓa ʋomusikana, ʋakamudziʋisa kuenda, akagara naye mazuʋa matatu, ʋakadya, ʋakanwa, ʋakaʋata’po.
5
Ɀino nomusi wecinna ʋakamuka maŋgwanani, iye akasimuka aciɗa kuenda; ɓaɓa ʋomusikana ʋakati kumukuwasha waʋo: Simbisa mŋoyo wako necimeɗu ceciŋgwa, mugoenda henyu.
6
Ipapo ʋakagara pasi, ʋakadya, ʋakanwa ʋose; ɓaɓa ʋomusikana ʋakati kumurume: Tenda hako ugare ʋusiku bgose, mŋoyo wako ufare.
7
Asi murume wakasimuka, aciɗa kubva; mukarabga wake akamugombedzera, akaʋata’po ɀe.
8
Nomusi weshanu akamuka maŋgwanani, aciɗa kubva; ɓaɓa ʋomusikana ʋakati: Simbisa mŋoyo wako, ugare kuȿikira zuʋa roʋira; ʋakadya ʋose ʋari ʋaʋiri.
9
Ɀino murume wakati acisimuka, aciɗa kubva, iye nomuroŋgo wake, nomuranda wake, mukarabga wake, iʋo ɓaɓa ʋomusikana, akati kwaari: Tarira, zuʋa roʋira, aʋa maɗekwana, cigara hako ʋusiku bgose; tarira, zuʋa roɗa kupera, ʋata hako pano, mŋoyo wako ufare, mugofumira maŋgwana parwendo rwenyu kumusha kwenyu.
10
Asi murume wakaramba kuʋata’po ʋusiku ubgo, asi wakasimuka, akabva, ndokuȿika pakatarisana neJebusi (ndiro Jerusarema); wakaŋga anemboŋgoro mbiri dzakaŋga dzakaiswa ɀigaro; nomuroŋgo wake wakaŋga anaye.
11
Ɀino ʋakati ʋaȿika pedyo neJebusi, zuʋa rikaŋga roʋira; muranda akati kunatenzi wake: Ŋgatitsaukire heɗu kuguta iri raʋaJebusi, tiʋate’mo.
12
Tenzi wake akati kwaari: Hatiŋgatsaukiri kuguta raʋatorwa, kusinaʋana ʋaIsraeri; asi ticapfuʋura heɗu kuȿikira paGibea.
13
Akati kumuranda wake: Hendei, tisweɗere kuneimŋe yenɀimbo idzi, tiʋate paGibea kana paRama.
14
Ipapo ʋakapfuʋura parwendo rwaʋo, ʋakaʋirirwa pedyo neGibea, raiʋa guta raʋaBenjamini.
15
Ʋakatsaukira’ko, ʋaciɗa kuʋata paGibea; akapinda, akagara pasi munzira yomuguta; nokuti kwakaŋga kusinomunhu wakaʋaɗana kuzoʋata mumba make.
16
Ɀino mumŋe mutana akaȿika, acibva kuɓasa rake kumunda maɗekwana; ɀino murume uyo wakaŋga ari wenyika yamakomo yaEfraimi, asi wakagara hake paGibea; asi ʋarume ʋenɀimbo iyo ʋakaŋga ʋari ʋaBenjamini.
17
Iye akatarira, akaʋona murume uyu mufambi ari munzira yomuguta; mutana akati: Ko unoendepi? ʋuye, Unobvepiko?
18
Iye akati kwaari: Tinobva Beti‐rehemi‐juda, tinopfuʋurira kurutiʋi rwemberi rwenyika yamakomo yaEfraimi; ndiko kwandakabva, ndikaenda Beti‐rehemi‐juda, ɀino ndinoenda kumba kwaJehova, asi hakunomunhu wakandiɗana kugara mumba make.
19
Kunyaŋge ɀakaɗaro tinabgo ʋuswa neɀokudya ɀemboŋgoro dzeɗu, neciŋgwa newaini ɀinondiriŋgana ini nomurandakadzi wenyu nejaya rinaʋaranda ʋenyu; hakunecinhu cinoshaikwa.
20
Ɀino mutana akati: Faro hako, ɀose ɀaunoshaiwa, ini ndicakupa; asi usaʋata munzira yomuguta.
21
Ipapo akaʋaisa mumba make, akapa mboŋgoro ɀokudya; ʋakashambidza tsoka dzaʋo, ʋakadya nokunwa.
22
Ɀino ʋakati ʋofara pamŋoyo yaʋo, tarirai ʋarume ʋeguta, ʋamŋe ʋanhu ʋakaiȿo‐ipa, ʋakakomba imba kunhiʋi dzose, ʋakagogodza pamukoʋa; ʋakataura nomŋene weimba, iye mutana, ʋakati: Ƃuɗisa murume wakaȿika paimba yako, timuziʋe.
23
Ɀino murume uyo, mŋene weimba, akaɓuɗa kwaʋari, akati kwaʋari: Kwete, hama dzaŋgu, regai kuita ɀakaipa ɀakaɗai; musaita samapenzi, nokuti murume uyu wakapinda mumba maŋgu.
24
Tarirai, hoyu mukunda waŋgu mhandara, nomuroŋgo wake; ndicaʋaɓuɗisa ɀino, muʋaɀidze, muʋaitire seɀamunoɗa; asi regai kuitira murume uyu cakaipa cakaɗai.
25
Asi ʋarume ʋakaramba kumuterera; ipapo murume akaɓata muroŋgo wake, akamuɓuɗisira kwaʋari; ʋakamuziʋa, ʋakamucinya ʋusiku bgose kuȿikira maŋgwana; ʋakamurega kwoedza.
26
Ɀino mukadzi akaʋuya kwoedza, akawira pasi pamukoʋa weimba yomunhu, makaŋga munashe wake, akaʋa’po kuȿikira kwaedza kwaɀo.
27
Ɀino ishe wake wakamuka maŋgwanani, akazarura mikoʋa yeimba, akaɓuɗa, aciɗa kupfuʋura parwendo rwake; akawana mukadzi, iye muroŋgo wake, akawira pasi pamukoʋa weimba, maʋoko ake ari pacikumbaridzo.
28
Akati kwaari: Simuka, tiende; asi hakuna‐wakapindura; ipapo akamuisa pamboŋgoro yake, murume akasimuka, akaenda kumba kwake.
29
Wakati aȿika kumba kwake, akatora ɓaŋga, akaɓata muroŋgo wake, akaɗimuranya mitezo yake, akaita nhindi dzinegumi nembiri, akadzituma munyika yose yaʋaIsraeri.
30
Ɀino ʋose ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakati: Ciŋguʋa ʋana ʋaIsraeri ʋakakwira ʋacibva panyika yeEgipita, kuȿikira zuʋa ranhasi, hakunecinhu cakaɗai cakaitwa kana cakaʋonekwa; raŋgarirai iɀoɀo, muraŋgane, mutaure.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21