bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Judges 13
Judges 13
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 14 →
1
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakaita ɀe ɀakaipa pamberi paJehova, Jehova akaʋaisa mumaʋoko aʋaFiristia makore anamakumi manna.
2
Ɀino kwakaŋga kunomumŋe murume weZora, weimba yaDani, wainzi Manoa; mukadzi wake wakaŋga asinomŋanakomana, asiŋgaɓereki.
3
Mutumŋa waJehova akaɀiratidza kumukadzi uyu, akati kwaari: Tarira ɀino, iwe hauɓereki, haunomŋana; asi ucaʋa nemimba, nokuɓereka mŋanakomana.
4
Naiɀoɀo ɀino cicenjera hako kuti urege kunwa waini, kana ɀimŋe ɀinoɓata, kana kudya cinhu cisina‐kunaka;
5
nokuti tarira, ucaʋa nemimba, nokuɓereka mŋanakomana; musoro wake haufaniri kuʋeʋurwa neciȿo, nokuti mŋana uyu unofanira kuʋa muNaziri waMŋari kubva paɗumbu ramai ʋake; iye ucataŋga kuponesa Israeri pamaʋoko aʋaFiristia.
6
Ɀino mukadzi akandoʋudza murume wake, akati: Munhu waMŋari wakaʋuya kwandiri, ciso cake cakaŋga cakafanana neciso comutumŋa waMŋari, caityisa kwaɀo; handina‐kumubvunza kuti unobvepi, ʋuye iye haana‐kundiʋudza zita rake;
7
asi wakati kwandiri: Tarira, ucaʋa nemimba, nokuɓereka mŋanakomana; ɀino cirega kunwa waini, kana ɀimŋe ɀinoɓata, usadya cinhu cisina‐kunaka, nokuti mŋana uyu ucaʋa muNaziri waMŋari kubva paɗumbu ramai ʋake kuȿikira pazuʋa rokufa kwake.
8
Ipapo Manoa akakumbira kunaJehova, akati: Jehova, ndinokumbira kuti munhu waMŋari wamakatuma, aʋuye ɀe kwatiri, atidzidzise ɀatinofanira kuitira mŋana ucazoɀarwa.
9
Jehova akanzwa inzwi raManoa; mutumŋa waMŋari akaʋuya ɀe kumukadzi agere pamunda; asi Manoa, murume wake, wakaŋga asi’ko kwaari.
10
Mukadzi akakurumidza, akamhanya, akandoʋudza murume wake, akati kwaari: Tarira, murume uya waɀiratidza ɀe kwandiri, iye wakaɗeya kuʋuya kwandiri musi uya.
11
Manoa akasimuka, akateʋera mukadz, wake akaȿika kumurume, akati kwaari: Ndiwe murume wakataura nomukadzi here? Iye akati: Ndini.
12
Manoa akati: Ɀino kana mashoko enyu aciŋge aitika, tsika dzomŋana dzinofanira kuʋa dzipi, neɓasa rake rinofanira kuʋa reiko?
13
Mutumŋa waJehova akati kunaManoa: Mukadzi ŋgaacenjere pamsoro peɀose ɀandakamuʋudza.
14
Haafaniri kudya cinhu cipi necipi cinobva pamuti womuzambiriŋga; haafaniri kunwa waini, kana ɀimŋe ɀinoɓata, kana kudya cinhu cisina‐kunaka; ŋgaaceŋgete ɀose ɀandakamuraira.
15
Manoa akati kumutumŋa waJehova: Titenderei henyu tikunonosei, tikugadzirirei mbudzana.
16
Mutumŋa waJehova akati kunaManoa: Kunyaŋge ukandinonosa, handiŋgadyi ciŋgwa cako; kana ukaɗa kugadzira cipiriso cinopiswa, unofanira kucipa Jehova. Nokuti Manoa wakaŋga asiŋgaziʋi kuti mutumŋa waJehova.
17
Manoa akati kumutumŋa waJehova: Zita renyu ndianiko? Kuti tiziʋe kukukudzai kana mashoko enyu acizoitika?
18
Mutumŋa waJehova akati kwaari: Unondibvunzireiko zita raŋgu, ɀarinoshamisa?
19
Ipapo Manoa akatora mbudzana pamŋe cete necipiriso ceɀokudya, akaɀiɓayira Jehova paɗombo; mutumŋa akaita cinhu cinoshamisa, Manoa nomukadzi wake ʋakataririra.
20
Nokuti muraɀo womŋoto wakati ucikwira kuɗeŋga ucibva paartari, mutumŋa waJehova ndokukwira mumuraɀo weartari, Manoa nomukadzi wake ʋakataririra; ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo.
21
Asi mutumŋa waJehova haana‐kuzoɀiratidza ɀe kunaManoa, kana kumukadzi wake. Ipapo Manoa akaziʋa kuti mutumŋa waJehova.
22
Ɀino Manoa akati kumukadzi wake: Ticafa ɀirokwaɀo, nokuti takaʋona Mŋari.
23
Asi mukadzi wake wakati kwaari: Ƌai Jehova aiɗa kutiʋuraya, uŋgaɗai asina‐kugamucira cipiriso cinopiswa necipiriso ceɀokudya pamaʋoko eɗu; uŋgaɗai asina‐kutiratidza ɀinhu iɀi ɀose, kana kutiʋudza mashoko akaɗai paŋguʋa ino.
24
Ɀino mukadzi akapona mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Samsoni; mŋana akakura, Jehova akamuropafadza.
25
Mŋeya waJehova akataŋga kumumutsa paMahane‐dani, pakati peZora neEshtaori.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21