bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Judges 5
Judges 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 6 →
1
Ɀino Debora naBaraki, mŋanakomana waAbinoami, ʋakaimba nomusi iwoyo, ʋakati:
2
Kudzai Jehova, Nokuti ʋatuŋgamiriri ʋakatuŋgamirira ʋaIsraeri, Nokuti ʋanhu ʋakaʋuya nokuɗa kwaʋo.
3
Inzwai, imi madzimambo, tererai, imi macinda; Ini, iyeni, ndicaimbira Jehova; Ndicarumbidza Jehova, Mŋari waIsraeri nenziyo.
4
Jehova, pakuɓuɗa kwenyu paSeiri, Pakufamba kwenyu mucibva kusaŋgo reEdomi, Nyika yakaɗeɗera, ʋuye ɗeŋga rakaɗonha, Ɀirokwaɀo makore akaɗonha mvura.
5
Makomo akayerera pamberi paJehova, Nairo Sinai pamberi paJehova Mŋari waIsraeri.
6
Pamazuʋa aShamgari, mŋanakomana waAnati, Pamazuʋa aJaeri, nzira huru dzakaŋga dzisiŋgafambgi, Ʋafambi ʋaifamba nenzira dzinopota‐pota.
7
Misha yakaŋga isinaʋanhu munaIsraeri, yakaŋga isinaʋanhu, Kuȿikira ini Debora ndicisimuka, Ndicisimuka ini, mai pakati paIsraeri.
8
Ʋakaɀitsaurira ʋamŋari ʋatȿa; Kurwa kukaʋa’po pamasuʋo. Kwakaŋga kuciʋonekwa here nhoʋo kana pfumo Pakati paʋaIsraeri ʋaneɀuru ɀinamakumi manna here?
9
Mŋoyo waŋgu unorumbidza ʋaɓati ʋaIsraeri, Aʋo ʋakaʋuya nokuɗa kwaʋo pakati paʋanhu; Kudzai Jehova!
10
Paridzai iɀoɀo, imi makataȿa mboŋgoro cena, Imi, mugere pamhasa dzinokosha, Nemi, munofamba nenzira.
11
Kure namanzwi aʋanofura noʋuta, paʋanoteka mvura, Ndipo paʋacarumbidza maɓasa akarurama aJehova, Maɓasa akarurama oʋushe bgake munaIsraeri. Ipapo ʋanhu ʋaJehova ʋakaɓurukira kumasuʋo.
12
Muka, muka, Debora; Muka, muka, uimbe rwiyo! Simuka Baraki, utape ʋatapxa ʋako, iwe mŋanakomana waAbinoami.
13
Ipapo ʋakaŋga ʋakasara ʋaʋakuru naʋanhu ʋakaɓuruka, Jehova wakaɓuruka nokuɗa kwaŋgu kuzorwa naʋanesimba.
14
KunaEfraimi ndokwakabva ʋanomudzi waʋo paAmareki, Ʋacikuteʋera iwe Benjamini pakati paʋanhu ʋako. PaMakiri ndipo pakaɓurukira ʋarairi, NokunaZeburuni aʋo ʋakaɓata tȿimbo yokukunda.
15
Macinda aIsakari akaŋga anaDebora; SaIsakari, ndiɀo ɀakaŋga ɀakaita ʋo Baraki; Ʋakamhanyira kumupata ʋaciteʋera tsoka dzake. Pahoʋa dzaRubeni Pakaŋga panemiraŋgariro mikuru yomŋoyo.
16
Wakagarireiko pasi pakati pamataŋga eɀipfuwo, Uciterera kurira kwenyere dzinoridzirwa makwai? Pahoʋa dzaRubeni Pakaŋga panokunɀera kukuru kwomŋoyo.
17
Gireadi wakagara mhiri kwaJoridani; Newe Dani, wakagarireiko paɀikepe? Asheri wakagara ɀake pamhenderekedzo dzeguŋgwa, Wakarambira apo panopinda mvura panyika.
18
Zeburuni ndiʋanhu ʋakaŋga ʋasiŋgatyi kuȿikira parufu, NaNaftari panɀimbo dzenyika dzakakwirira.
19
Madzimambo akaʋuya akarwa, Ipapo madzimambo eKanani akarwa ʋo PaTaanaki, pamvura zhinji yeMegido; Haʋana‐kuwana fuma yemari.
20
Nyeredzi dzakarwa dziri kuɗeŋga, Dzakarwa naSisera dziri panzira dzadzo.
21
Rwizi Kishoni rwakaʋakukura, Irwo rwizi rwekare, rwizi Kishoni. Mŋeya waŋgu, pfuʋura nesimba.
22
Ŋguʋa iyo makumbo amabiza akaroʋera pasi Nokumhanya, kuri kumhanya kwaʋakasimba.
23
Tuka Merozi, ndiɀo ɀinotaura mutumŋa waJehova, Tuka ɀakaipa aʋo ʋagere’mo; Nokuti haʋana‐kuʋuya kuzoɓatsira Jehova, Kuzoɓatsira Jehova pakurwa kwake naʋanesimba.
24
Pakati paʋakadzi Jaeri ŋgaarumbidzwe, Iye mukadzi waHeberi muKeni, Ŋgaarumbidzwe pakati paʋakadzi patente.
25
Wakakumbira mvura, iye akamupa mukaka; Wakamuʋigira mukaka wakafa pandiro yamambo.
26
Wakaɓata mbambo noruʋoko rwake, Nenyundo yomuɓati norudyi rwake, Akaroʋa Sisera nenyundo, akabvoʋora musoro wake; Wakaroʋa, akabvoʋora ɀaʋoʋo ɀake.
27
Wakakotama patsoka dzake, akawa, ndokutandaʋara; Wakakotama patsoka dzake, akawa; Ipapo paakakotama, ndipo paakawira pasi, afa.
28
Wakatarira pawindi, akaɗana, Mai ʋaSisera ʋakaɗana paʋutanda bgaro; Ŋgoro yake inononokireiko kuȿika? Makumbo eŋgoro dzake anononokireiko?
29
Ʋakadzi ʋake, ʋakakudzwa, ʋakacenjera, ʋakamupindura, Naiye amene wakaɀipindura, aciti:
30
Haʋana‐kuwana here ɀaʋakapamba, haʋana‐kuɀigoʋana here? Ɀimŋe murume mumŋe nomumŋe unopiwa musikana mumŋe, kana ʋasikana ʋaʋiri; Ɀimŋe Sisera ucapiwa ŋguʋo dzakapambga dzamaʋara‐ʋara, Ŋguʋo dzakapambga dzemiceka yakarukwa yamaʋara‐ʋara, Ŋguʋo dzamaʋara‐ʋara dzakarukwa kunhiʋi dzose, dzakafanira mitsipa yaʋakapamba?
31
Saiɀoɀo ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋose ŋgaʋaparadzwe, Jehova; Asi iʋo ʋanokuɗai ŋgaʋaʋe sezuʋa, kana riciɓuɗa nesimba raro! Nyika ikazorora makore anamakumi manna.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21