bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Judges 14
Judges 14
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 15 →
1
Ɀino Samsoni wakaɓurukira Timna, akaʋona paTimna mukadzi pakati paʋakunda ʋaʋaFiristia.
2
Akakwira akandoʋudza ɓaɓa ʋake namai ʋake, akati: Ndaʋona mukadzi paTimna pakati paʋakunda ʋaʋaFiristia; naiɀoɀo ɀino nditorerei iye, aʋe mukadzi waŋgu.
3
Ipapo ɓaɓa ʋake namai ʋake ʋakati kwaari: Ko pakati paʋakunda ʋehama dzako, kana pakati paʋanhu ʋaŋgu ʋose, hapanomukadzi here, ɀowoɗa‐kundoɀitorera mukadzi pakati paʋaFiristia ʋasina‐kudziŋgiswa? Samsoni akati kunaɓaɓa ʋake: Nditorerei iye, nokuti unondifadza kwaɀo.
4
Asi ɓaɓa ʋake namai ʋake haʋana‐kuziʋa kuti ɀakaŋga ɀicibva kunaJehova, nokuti wakaŋga acitȿaka mhaka yokurwa naʋaFiristia. Ɀino neŋguʋa iyo ʋaFiristia ʋakaŋga ʋakaɓata Israeri.
5
Ɀino Samsoni wakaɓurukira Timna naɓaɓa ʋake namai ʋake, ʋakaȿika paminda yemizambiriŋga paTimna; ʋonei mŋana weshumba ukamuʋombera.
6
Ipapo Mŋeya waJehova wakaʋuya pamsoro pake nesimba guru, akaibvambura sembudzana; ɀino wakaŋga asinecinhu muruʋoko rwake; asi haana‐kuʋudza ɓaɓa ʋake kana mai ʋake ɀaakaŋga aita.
7
Akaɓuruka, akandotaura nomukadzi, iye akafadza Samsoni kwaɀo.
8
Ɀino ŋguʋa yakati yapfuʋura, akadzoka kuzomutora, akatsauka kuzoʋona citunha ceshumba, ndokuʋona ɓumha renyuci mucitunha ceshumba, noʋuci.
9
Akabgutora namaʋoko ake, akaenda acidya; akaȿika kunaɓaɓa ʋake namai ʋake, akaʋapa ʋakadya ʋo; asi haana‐kuʋaʋudza kuti wakaŋga aɓura ʋuci mucitunha ceshumba.
10
Ƃaɓa ʋake ʋakaɓurukira kumukadzi, Samsoni akagadzira’po mutambo, nokuti majaya aisiita saiɀoɀo.
11
Ɀino ʋakati ʋacimuʋona, ʋakaʋuya neshamŋari dzinamakumi matatu kuzoʋa naye.
12
Samsoni akati kwaʋari: Ndikutaurirei cirabge ɀino; kana mukagona kundiɗudzira ico pamazuʋa manomŋe omutambo, mukawana ɗudziro yaco, ini ndicakupai ŋguʋo dzomuceka dzinamakumi matatu, nehanzu dzakanaka dzinamakumi matatu.
13
Asi kana musiŋgagoni kundiɗudzira ico, imi mucafanira kundipa ŋguʋo dzomuceka dzinamakumi matatu, nehanzu dzakanaka dzinamakumi matatu. Iʋo ʋakati kwaari: Citaura hako cirabge cako, ticinzwe.
14
Akati kwaʋari: Cokudya cakaɓuɗa kumudyi, Ʋuye ɀinotapira ɀakaɓuɗa kunounesimba. Asi ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kuɗudzira cirabge ico namazuʋa matatu.
15
Ɀino nezuʋa recinomŋe ʋakati kumukadzi waSamsoni: Nyeŋgetedza murume wako, atiɗudzire cirabge, tirege kukupisa nomŋoto, iwe naʋeimba yaɓaɓa ʋako; makatiɗana kuti mutitorere ɀatinaɀo kanhi? Ndiɀo here?
16
Ipapo mukadzi waSamsoni wakacema kumurume wake, akati: Unondiʋeŋga hako, haundiɗi; wakataurira ʋana ʋaʋanhu ʋangu cirabge, asi hauna‐kundiʋudza ico ini. Akati kwaari: Tarira, handina‐kuciʋudza ɓaɓa ʋaŋgu kana mai ʋaŋgu; ɀino ndiŋgakuʋudza ico iwe here?
17
Akaramba acicema kwaari mazuʋa manomŋe paŋguʋa yomutambo; ɀino nezuʋa recinomŋe akamuʋudza, nokuti wakamutambudza kwaɀo; ipapo akandoʋudza ʋana ʋaʋanhu ʋake cirabge ico.
18
Nezuʋa recinomŋe zuʋa ricigere kuʋira, ʋarume ʋeguta ʋakati kwaari: Ko cinotapira kukunda ʋuci cinyi? Ʋuye cinesimba kukunda shumba cinyiko? Iye akati kwaʋari: Ƌai musina‐kurima netsiru raŋgu, Hamuzaiwana cirabge caŋgu.
19
Mŋeya waJehova akaʋuya pamsoro pake nesimba guru, akaɓurukira Ashkeroni, akaʋuraya ʋarume ʋanamakumi matatu kwaʋari, akatora ŋguʋo dzaʋo, akandopa ʋakaɗudzira cirabge hanzu dzaʋo dzakanaka. Asi kutsamŋa kwake kwakaŋga kwamutswa kwaɀo, akadzokera kumba kwaɓaɓa ʋake.
20
Asi mukadzi waSamsoni akapiwa shamŋari yake, wakaŋga amuperekedza.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21