bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Judges 9
Judges 9
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 10 →
1
Ɀino Abimereki, mŋanakomana waJerubaari, wakaenda Shekemi, kunamadzisekuru ake, akataurirana naʋo ʋuye norudzi rwose rweimba yaɓaɓa ʋamai ʋake, akati:
2
Taurai henyu, ʋarume ʋose ʋeShekemi ʋanzwe, muti: Cinhu cakanaka ndecipiko, kuti muɓatwe ʋushe naʋanakomana ʋose ʋaJerubaari ʋanoȿika ʋanhu ʋanamakumi manomŋe, kana muɓatwe nomunhu mumŋe here? Raŋgarirai ʋo kuti ini ndiri fupa renyu nenyama yenyu.
3
Ɀino madzisekuru ake akataura mashoko awa ose pamsoro pake, ʋarume ʋeShekemi ʋaciɀinzwa; mŋoyo yaʋo ikaɗa kuteʋera Abimereki, nokuti ʋakati: Ihama yeɗu.
4
Ʋakamupa mari yesirveri yakaȿika mashekeri anamakum manomŋe, yaʋakatora paimba yaBaaribereti, Abimereki akaripira ʋarume ʋakaipa, ʋasinehanya, iʋo ʋakamuteʋera.
5
Akaenda kumba kwaɓaɓa ʋake paOfra, akaʋuraya pabge rimŋe ʋana ʋaɓaɓa ʋake, iʋo ʋanakomana ʋaJerubaari, ʋaiʋa ʋarume ʋanamakumi manomŋe; asi Jotami, mŋanakomana worugotwe waJerubaari wakapukunyuka, nokuti wakaŋga aʋanda.
6
Ɀino ʋarume ʋose ʋeShekemi ʋakaʋuŋgana pamŋe cete naʋose ʋeimba yaMiro, ʋakandoita Abimereki mambo pamuouki weshoŋgwe yakamiswa paShekemi.
7
Ʋakati ʋaʋudza Jotami iɀoɀo, iye akaenda, akandomira pamsoro pegomo reGerizimi, akaɗana nenzwi guru, akati kwaʋari: Mundinzwei, imi ʋarume ʋeShekemi, kuti Mŋari akunzwei ʋo imi.
8
Imŋe ŋguʋa miti yakandoɀizodzera mambo wayo; ikati kumuorivi: Iʋa mambo weɗu iwe.
9
Asi muorivi wakati kwairi: Ko ini ndiŋgarega mafuta aŋgu, anorumbidzwa naMŋari naʋanhu mandiri ndipepere uko nokoko pamsoro pemiti here?
10
Ɀino miti ikati kumuʋonde: Ʋuya iwe, uʋe mambo weɗu.
11
Asi muʋonde wakati kwairi: Ko ini ndiŋgarega kutapira kwaŋgu nemicero yaŋgu yakanaka, ndipepere uko nokoko pamsoro pemiti here?
12
Ɀino miti ikati kumuzambiriŋga: Ʋuya iwe, uʋe mambo weɗu.
13
Muzambiriŋga ukati kwairi: Ko ini ndiŋgarega waini yaŋgu, inofadza Mŋari naʋanhu, ndipepere uko nokoko pamsoro pemiti here?
14
Ipapo miti yose yakati kurukato: Ʋuya iwe, uʋe mambo weɗu.
15
Rukato rukati kumiti: Kana mukandizodza kuti ndiʋe mambo wenyu ɀirokwaɀo, ciʋuyai muʋande pamumvuri waŋgu; kana musiŋgaɗi, mŋoto ŋgauɓuɗe parukato, uparadze misidari yeRebanoni.
16
Saka ɀino kana makaita ɀakanaka neɀakarurama, ɀamakaita Abimereki mambo wenyu, ʋuye kana makaitira Jerubaari neimba yake ɀakanaka, nokumuitira seɀaakafanirwa pamsoro peɀaakakuitirai,
17
(nokuti ɓaɓa ʋaŋgu ʋakakurwirai, ʋasiŋgaraŋgariri ʋupenyu bgaʋo, ʋakakurwirai mumaʋoko aMidiani;
18
imi mukamukira nhasi imba yaɓaɓa ʋaŋgu, mukaʋuraya pabge rimŋe ʋanakomana ʋake, ʋanhu ʋanamakumi manomŋe, mukaita Abimereki, mŋanakomana womurandakadzi wake, mambo waʋarume ʋeShekemi, ɀairi hama yenyu;)
19
kana makaitira Jerubaari neimba yake ɀakanaka neɀakarurama nhasi, cifarirai henyu Abimereki, naiye akufarirei ʋo;
20
asi kana ɀisina‐kunaka, mŋoto ŋgauɓuɗe kunaAbimereki, uparadze ʋarume ʋeShekemi, naʋeimba yaMiro; ʋuye mŋoto ŋgauɓuɗe kuʋarume ʋeShekemi, naʋeimba yaMiro, uparadze Abimereki.
21
Ipapo Jotami akamhanya, akatiza, akandogara paBeeri, nokuti wakatya Abimereki mukuru wake.
22
Abimereki akaɓata ʋushe paʋaIsraeri makore matatu.
23
Mŋari akazotuma mŋeya wakaipa pakati paAbimereki naʋarume ʋeShekemi; ʋarume ʋeShekemi ʋakanyeŋgera Abimereki;
24
kuti ɀakashata ɀakaitirwa ʋanakomana ʋaJerubaari ʋanamakumi manomŋe ɀitsibge, neropa raʋo ritsibge kunaAbimereki, munuŋuna waʋo wakaʋaʋuraya, nokuʋarume ʋeShekemi ʋakaŋga ʋasimbisa maʋoko ake kuti aʋuraye ʋana ʋaɓaɓa ʋake.
25
Ʋarume ʋeShekemi ʋakaisa ʋanhu ʋakamuʋandira pamsoro pamakomo, ʋakapamba ʋose ʋakaŋga ʋacipfuʋura kwaʋari nenzira iyo; Abimereki akaʋudzwa iɀoɀo.
26
Ɀino Gaari mŋanakomana waEbedi, wakaʋuya nehama dzake, ʋakaenda Shekemi; ʋarume ʋeShekemi ʋakaʋimba naye.
27
Ʋakaɓuɗira kuminda yaʋo, ʋakakohwa mazambiriŋga aʋo, ʋakatsika‐tsika mazambiriŋga, ʋakatamba mutambo, ndokupinda mumba mamŋari waʋo, ʋakadya, ʋakanwa, ʋakatuka Abimereki.
28
Ɀino Gaari mŋanakomana waEbedi, akati: Abimereki ndianiko, Shekemi ndianiko, kuti timushumire? Haazi mŋanakomana waJerubaari here? NaZeburi haazi munyai wake here? Imi shumirai henyu ʋarume ʋaHamori, ɓaɓa ʋaShekemi; asi isu ticamushumireiko?
29
Haiwa, ɗai ʋanhu aʋa ʋaiʋa muruʋoko rwaŋgu, ndaidziŋga Abimereki. Ɀino akati kunaAbimereki: Wedzera hondo yako, uɓuɗe kuzorwa.
30
Ɀino Zeburi muɓati weguta, wakati acinzwa mashoko aGaari mŋanakomana waEbedi, akatsamŋa kwaɀo.
31
Akatuma nhume kunaAbimereki nokunyeŋgera, akati: Tarira, Gaari, mŋanakomana waEbedi nehama dzake ʋaȿika paShekemi; tarira ʋanokurudzira guta kurwa newe.
32
Saka ɀino cimuka ʋusiku, iwe naʋanhu ʋaunaʋo, muʋande musaŋgo.
33
Ɀino maŋgwanani, zuʋa ricaŋgoɓuɗa, unofanira kufumira kundoʋamba guta; kana iye naʋanhu ʋaanaʋo ʋaciɓuɗa kuzorwa newe, iwe uŋgaita naʋo seɀaunoɗa.
34
Ipapo Abimereki akamuka ʋusiku, iye naʋanhu ʋose ʋaakaŋga anaʋo, ʋakandoʋandira Shekemi ʋakaita mapoka manna.
35
Ɀino Gaari, mŋanakomana waEbedi, akamira paʋanopinda napo pasuʋo reguta; Abimereki akasimuka, iye naʋanhu ʋaakaŋga anaʋo paʋakaŋga ʋakaʋandira.
36
Ɀino Gaari wakati aciʋona ʋanhu, akati kunaZeburi: Tarira, kunaʋanhu ʋanoɓuruka ʋacibva kumsoro kumakomo. Zeburi akati kwaari: Unoʋona hako mimvuri yamakomo, yakafanana naʋanhu.
37
Gaari akapamhidza ɀe, akati: Tarira, kunaʋanhu ʋanoɓuruka ʋacibva kurutiʋi rwokumsoro, nerimŋe ɓoka rinoʋuya ricibva nenzira yomuouki weMeonenimi.
38
Ipapo Zeburi akati kwaari: Ɀino muromo wako uripi, ɀawakaŋga uciti: Abimereki ndianiko, kuti timushumire? Ko aʋa haʋazi ʋanhu aʋo ʋawakaɀidza here? Ɀino ciɓuruka hako undorwa naʋo.
39
Ipapo Gaari akaɓuɗa pamberi paʋarume ʋeShekemi, akandorwa naAbimereki.
40
Abimereki akadziŋgana naye, akatiza pamberi pake, ʋazhinji ʋakaʋurawa kuȿikira paʋanopinda napo pasuʋo.
41
Abimereki akagara paAruma, Zeburi akadziŋga Gaari nehama dzake, kuti ʋarege kuzogara paShekemi.
42
Ɀino fume maŋgwana ʋanhu ʋakaɓuɗa kusaŋgo; ʋakaʋudza Abimereki.
43
Iye akatora ʋanhu akaʋakamura, akaita mapoka matatu, akandoʋaʋandira kusaŋgo; akatarira, akaʋona ʋanhu ʋaciɓuɗa muguta, akasimuka, akandorwa naʋo, akaʋaʋuraya.
44
Abimereki namapoka akaŋga anaye, ʋakamhanya, ʋakandomira paʋanopinda napo pasuʋo reguta; namapoka maʋiri akamhanyira kunaʋose ʋakaŋga ʋari kusaŋgo, ʋakaʋaʋuraya.
45
Abimereki akarwa neguta musi iwoyo wose, akakunda guta, akaʋuraya ʋanhu ʋakaŋga ʋari’mo; akaputsa guta, ndokurikusha munyu.
46
Ɀino ʋarume ʋose ʋoruȿiŋgo rweShekemi ʋakati ʋaɀinzwa, ʋakapinda munhare, mumba maEri‐beriti.
47
Abimereki akaʋudzwa kuti ʋarume ʋose ʋoruȿiŋgo rweShekemi ʋaʋuŋgana pamŋe cete.
48
Abimereki akakwira pagomo reZarmoni, iye naʋanhu ʋose ʋaakaŋga anaʋo; Abimereki akatora masanhu muruʋoko rwake, akatema ɗaʋi romuti, akarisimudza, akariisa pafudzi rake; akati kuʋanhu ʋaakaŋga anaʋo: Kurumidzai, muite seɀamakaʋona ndiciita ini.
49
Ipapo ʋanhu ʋose ʋakatema mumŋe nomumŋe ɗaʋi rake, ʋakateʋera Abimereki; ʋakaaisa kunhare, ʋakapisa nhare nomŋoto, iʋo ʋari’mo, naiɀoɀo ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari muruȿiŋgo rweShekemi ʋakafa, ʋaneŋge curu cimŋe caʋarume naʋakadzi.
50
Ɀino Abimereki akaenda Tebezi, akamisa misasa yaʋo paTebezi, akarikunda.
51
Asi mukati meguta makaŋga munoruȿiŋgo rwakaŋga rwakasimba, ʋarume naʋakadzi ʋose ʋakatizira’mo, ʋose ʋakaŋga ʋari muguta ʋakaɀipfigira’mo, ʋakakwira kuɗeŋga roruȿiŋgo.
52
Abimereki akaȿika paruȿiŋgo, akarwa narwo, akasweɗera pedyo nomukoʋa woruȿiŋgo, kuti arupise nomŋoto.
53
Ipapo mumŋe mukadzi akakanda guyo pamusoro waAbimereki, akaputsa ɗehenya rake.
54
Ipapo akakurumidza kuɗana jaya raitakura nhumbi dzake dzokurwa nadzo, akati kwariri: Vomora munondo wako, undiʋuraye, kuti ʋanhu ʋarege kuzoti: Wakaʋurawa nomukadzi. Jaya rake rikamuɓaya, akafa.
55
Ɀino ʋarume ʋaIsraeri ʋakati ʋaciʋona kuti Abimereki wafa, ʋakaenda mumŋe nomumŋe kumba kwake.
56
Saiɀoɀo Mŋari akatsiʋa ɀakashata ɀaAbimereki ɀaakaitira ɓaɓa ʋake, ɀaakaʋuraya ʋana ʋaɓaɓa ʋake ʋanamakumi manomŋe,
57
neɀakashata ɀose ɀaʋarume ʋeShekemi ɀakatsibga naMŋari kwaʋari; kutuka kwaJotami mŋanakomana waJerubaari, kukaitika kwaʋari.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21