bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Judges 15
Judges 15
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 16 →
1
Asi ŋguʋa ɗuku yakati yapera, paŋguʋa yokukohwa ɀiyo, Samsoni akandoshanyira mukadzi wake, akaɓata mbudzana; akati: Ndinoɗa kupinda kumukadzi waŋgu mumba. Asi ɓaɓa ʋake ʋakaramba kumutendera kupinda.
2
Ƃaɓa ʋake ʋakati: Ɀirokwaɀo, ndakati wamuʋeŋga kwaɀo; saka ndakamupa shamŋari yako. Ko munuŋuna wake haamupfuʋuri nokunaka here? Mutore hake iye panɀimbo yake.
3
Samsoni akati kwaʋari: ŋguʋa ino handiŋgaʋi nemhoȿa kuʋaFiristia, kana ndikaʋaitira ɀakaipa.
4
Ipapo Samsoni akandoɓata makaʋa anamazana matatu, akatora mazhenje, akaɓatanidza miswe miʋiri‐miʋiri, ndokuisa zhenje pakati pemiswe miʋiri.
5
Ɀino akatuŋgidza mazhenje, ndokuaregedza, akapinda muɀiyo ɀaʋaFiristia ɀakaŋga ɀigere kukohiwa, akapisa ɀiyo ɀakaŋga ɀaʋuŋganidzwa neɀakaŋga ɀigere kukohiwa, neminda yemizambiriŋga neyemiorivi.
6
Ipapo ʋaFiristia ʋakati: Ndianiko waita iɀoɀo? Ʋakati: NdiSamsoni, mukuwasha womuTimna, nokuti wakatora mukadzi wake, akamupa shamŋari yake. Ɀino ʋaFiristia ʋakakwira, ʋakamupisa iye mukadzi naɓaɓa ʋake nomŋoto.
7
Samsoni akati kwaʋari: Kana mukaita saiɀoɀo, ɀirokwaɀo ndicakutsiʋai, pashure ndigorega.
8
Akaʋaroʋa paɀidɀa neɀiʋuno, akaʋaʋuraya nokuʋuraya kukuru; akaɓuruka, akandogara paɓako reɗombo reEtami.
9
Ɀino ʋaFiristia ʋakakwira, ʋakandodzika matente aʋo paJuda, ʋakapararira muRehi.
10
Ʋarume ʋaJuda ʋakati: Makwirireiko kuzorwa nesu: Iʋo ʋakati: Takwira kuzosuŋga Samsoni, timuitire seɀaakatiitira isu.
11
Ipapo ʋarume ʋaJuda ʋakaŋga ʋaneɀuru ɀitatu ʋakaɓurukira kuɓako reɗombo reEtami, ʋakati kunaSamsoni: Hauziʋi kuti ʋaFiristia ʋaɓati ʋeɗu here? Cinyiko ici cawatiitira? Akati kwaʋari: Seɀaʋakandiitira ini, ndiɀo ɀandakaʋaitira ʋo.
12
Ʋakati kwaari: Isu taɓurukira ʋuno kuzokusuŋga, kuti tikuise mumaʋoko aʋaFiristia. Samsoni akati kwaʋari: Pikai kwandiri, kuti imi hamuŋgandiʋambi mumene.
13
Ʋakataura naye, ʋakati: Kwete; asi ticakusuŋga, nokukuisa mumaʋoko aʋo; asi ɀirokwaɀo hatiŋgakuʋurayi. Ʋakamusuŋga netambo mbiri itȿa, ʋakakwira naye ʋacibva paɗombo.
14
Ɀino wakati aciȿika Rehi, ʋaFiristia ʋakamupurudzira. Ipapo Mŋeya waJehova akaʋuya pamsoro pake nesimba guru; tambo dzakaŋga dzakasuŋga maʋoko ake dzikafanana norucinda rwakatȿa nomŋoto, ɀisuŋgo ɀake ɀikanyauka pamaʋoko ake.
15
Akawana rushaya rwemboŋgoro, akatambanudza ruʋoko rwake, akarutora, ndokuʋuraya ʋarume ʋanamazana anegumi narwo.
16
Ipapo Samsoni akati: Norushaya rwemboŋgoro ndakaʋuraya ɓoka namapoka, Norushaya rwemboŋgoro ndakaʋuraya ʋanamazana anegumi.
17
Ɀino wakati apedza kutaura, akakanda kure rushaya rwakaŋga ruri muruʋoko rwake; nɀimbo iyo ikanzi: Ramati‐rehi.
18
Ipapo akanzwa nyota kwaɀo, akacema kunaJehova, akati: Matirwira kwaɀo noruʋoko rwomuranda wenyu; ɀino ndicafa nenyota, ndikawira mumaʋoko aʋasina‐kudziŋgiswa.
19
Asi Mŋari wakapamura mukaha paRehi, mvura ikaɓuɗa’po; ɀino wakati anwa, mŋeya wake ukadzokera maari, akapona ɀe; naiɀoɀo ipapo pakatumidzwa Enihakori, tsime riri paRehi kuȿikira nhasi.
20
Iye akatoŋga ʋaIsraeri makore makumi maʋiri pamazuʋa aʋaFiristia.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21