bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Judges 18
Judges 18
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 19 →
1
Ɀino namazuʋa iwayo kwakaŋga kusinamambo pakati paʋaIsraeri; namazuʋa iwayo ʋaDani ʋakaɀitȿakira nhaka yokugara’mo, nokuti kuȿikira paŋguʋa iyo ʋakaŋga ʋacigere kupiwa nhaka pakati pamarudzi aʋaIsraeri.
2
Ɀino pakati paʋo ʋose ʋana ʋaDani ʋakatuma ʋarume ʋashanu ʋeimba yaʋo, ʋarume ʋoʋumhare, ʋakabva Zora neEshtaori, kuzoshora nyika, nokuitarisisa; ʋakati kwaʋari: Endai, mundotarisisa nyika; iʋo ʋakaȿika kunyika yamakomo yaEfraimi, kuimba yaMika, ʋakaʋata’po.
3
Ɀino ʋakati ʋari paimba yaMika, ʋakaziʋa inzwi rejaya muRevi; ʋakatsaukira’ko, ʋakati kwaari: Ndianiko wakakuȿitsa pano? Unoɓatei pano? Unotȿakei pano?
4
Iye akati kwaʋari: Mika wakandiitira ɀokuti neɀokuti, akandiripira, ndikaʋa muprista wake.
5
Ʋakati kwaari: Ɀino citibvunzira hako Mŋari, tiziʋe kana ticafamba ɀakanaka panzira yeɗu yatinofamba nayo.
6
Muprista akati kwaʋari: Endai norugare, nzira yenyu yamunofamba nayo inofadza Jehova.
7
Ɀino ʋarume ʋashanu ʋakaenda, ʋakaȿika Raishi, ʋakaʋona ʋanhu ʋakaŋga ʋari’mo, kuti ʋagere pasinenjodzi nomutoʋo waʋaZidoni, ʋakagarika, ʋanorugare; kwakaŋga kusinomunhu waiʋa nesimba rokuraira, waimanikidza ʋanhu pacinhu cipi necipi; ʋakaŋga ʋagere kure naʋaZidoni, ʋasiŋgafambidzani naʋamŋe ʋanhu.
8
Ʋakaȿika kuhama dzaʋo paZora napaEshtaori; hama dzaʋo dzikati kwaʋari: Munoreʋeiko?
9
Ʋakati: Simukai, tikwire, tindorwa naʋo; nokuti takatarira nyika, tikaʋona kuti yakanaka kwaɀo; munogara seiko musiŋgaiti cinhu? Musaʋa noʋusimbe bgokupinda, kuti nyika iʋe yenyu.
10
Kana mucienda mucandoȿika kuʋanhu ʋagere pasinenjodzi, ʋuye nyika ihuru; nokuti Mŋari wakakupai iyo mumaʋoko enyu; apo hapashaikwi cinhu ciri panyika.
11
Ipapo ʋarume ʋanamazana matanhatu ʋeimba yaʋaDani ʋakaŋga ʋakashoŋga nhumbi dzokurwa, ʋakaenda’ko, ʋacibva Zora neEshtaori.
12
Ʋakakwira, ʋakandodzika matente aʋo paKiriati‐jearimi, paJuda; naiɀoɀo ʋakatumidza nɀimbo iyo Mahane‐dani kuȿikira zuʋa ranhasi; tarirai, riri shure kweKiriati‐jearimi.
13
Ʋakabva’po, ʋakapfuʋura kuȿikira panyika yamakomo yaEfraimi, ʋakaȿika paimba yaMika.
14
Ɀino ʋarume ʋashanu, ʋakaŋga ʋandoshora nyika yeRaishi, ʋakapindura, ʋakati kuhama dzaʋo: Munoziʋa here kuti mudzimba idzi muneefodi, neterafimi, nomufananidzo wakaʋezwa nomufananidzo wakaʋumbga? Saka ɀino fuŋgai ɀakanaka ɀamunofanira kuita.
15
Ipapo ʋakatsaukira’ko, ʋakaȿika paimba yejaya muRevi, iyo imba yaMika, ʋakabvunza mufaro.
16
Ɀino ʋarume ʋanamazana matanhatu ʋakaŋga ʋakashoŋga nhumbi dzaʋo dzokurwa nadzo, ʋaiʋa ʋaʋana ʋaDani, ʋakamira panopindwa napo pasuʋo,
17
ʋarume ʋashanu ʋakaŋga ʋandoshora nyika ʋakakwira, ʋakapinda’mo, ʋakatora mufananidzo wakaʋezwa, neefodi, neterafimi, nomufananidzo wakaʋumbga; muprista akamira panopindwa napo pasuʋo kuʋarume ʋanamazana matanhatu ʋakaŋga ʋakashoŋga nhumbi dzokurwa nadzo.
18
Ɀino iʋo ʋakati ʋapinda mumba maMika, ʋakatora mufananidzo wakaʋezwa, neefodi, neterafimi, nomufananidzo wakaʋumbga, muprista akati kwaʋari: Munoiteiko?
19
Ʋakati kwaari: Nyarara, fumbira muromo wako, uende nesu, uʋe ɓaɓa ʋeɗu nomuprista weɗu; ɀirinani kwauri ndeɀipi, kuti uʋe muprista paimba yomunhu mumŋe cete, kana kuʋa muprista worudzi rwose neimba yose yaʋaIsraeri here?
20
Ɀino mŋoyo womuprista ukafara, akatora efodi, neterafimi, nomufananidzo wakaʋezwa, akapinda napakati paʋanhu.
21
Ʋakatsauka, ndokuenda, ʋakatuŋgamidza ʋana ʋaɗuku, neɀipfuwo nenhumbi.
22
Ɀino ʋakati ʋafamba runhambo kubva paimba yaMika, ʋarume ʋakaŋga ʋagere padzimba dzaiʋa pedyo neimba yaMika ʋakaʋuŋganidzwa, ʋakateʋera ʋaDani, ʋakaʋaɓata.
23
Ʋakaɗanidzira kuʋana ʋaDani. Iʋo ʋakaceuka, ʋakati kunaMika: Unotȿakeiko, ɀawaʋuya neɓoka rakaɗai?
24
Iye akati: Manditorera ʋamŋari ʋaŋgu ʋandakaŋga ndaita, nomuprista waŋgu, mukaenda naʋo, ɀino ini ndasarirwa neiko? Muŋgataura sei kwandiri, muciti: Unotȿakeiko?
25
Ʋana ʋaDani ʋakati kwaari: Inzwi rako ŋgarirege kunzwika pakati peɗu, kuti ʋarume ʋaneshuŋgu ʋarege kukuwira, ukarashikirwa noʋupenyu bgako pamŋe cete noʋupenyu bgaʋamŋe ʋeimba yako.
26
Ipapo ʋana ʋaDani ʋakaenda haʋo; ɀino Mika wakati aciʋona kuti simba raʋo rinokunda rake, akadzokera kumba kwake.
27
Iʋo ʋakatora ɀakaŋga ɀakaitwa naMika, nomuprista waakaŋga anaye, ʋakaȿika Raishi, kuʋanhu ʋakaŋga ʋakagarika, ʋagere pasinenjodzi, ʋakaʋaʋuraya neminondo inopinza, ʋakapisa guta raʋo nomŋoto.
28
Ʋakashaiwa unoʋarwira, nokuti ʋakaŋga ʋari kure neZidoni; ʋakaŋga ʋasiŋgafambidzani naʋamŋe ʋanhu; guta rakaŋga riri mumupata uri paBeti‐rehobi. Ʋakaʋaka guta, ʋakagara’mo.
29
Ʋakatumidza guta zita rinonzi Dani, nezita raɓaɓa ʋaʋo Dani, wakaŋga akaɓerekerwa Israeri; asi zita reguta raiʋa Raishi pakutaŋga.
30
Ʋana ʋaDani ʋakaɀimisira mufananidzo uyo wakaʋezwa; Jonatani, mŋanakomana waGershomi, mŋanakomana waMosesi, iye naʋana ʋake ʋakaʋa ʋaprista ʋorudzi rwaʋaDani, kuȿikira pazuʋa rokutapxa kwaʋanhu ʋenyika iyo.
31
Ʋakaɀimisira mufananidzo wakaʋezwa waMika, waakaŋga aita, ukaʋa’po ŋguʋa yose yokugara kweimba yaMŋari paShiro.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21