bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Judges 20
Judges 20
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 21 →
1
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋose ʋakaɓuɗa, ʋuŋgano yose ikaʋuŋgana nomŋoyo mumŋe kubva paDani kuȿikira paBeeri‐sheba, pamŋe cete nenyika yeGireadi, kunaJehova paMizpa.
2
Madzishe aʋanhu ʋose, iʋo ʋamarudzi ose aʋaIsraeri, ʋakandomira paʋuŋgano yaʋanhu ʋaMŋari, ʋakaŋga ʋaneɀuru ɀinamazana manna ɀaʋanhu ʋaifamba namakumbo, ʋaigona kurwa nomunondo.
3
(Ɀino ʋana ʋaBenjamini ʋakaŋga ʋanzwa kuti ʋana ʋaIsraeri ʋakwira Mizpa.) Ʋana ʋaIsraeri ʋakati: Tiʋudzei kuti ɀakashata iɀi ɀakaitwa sei.
4
Ɀino muRevi, murume womukadzi wakaŋga aʋurawa, akapindura, akati: Ndakaŋga ndaȿika paGibea raʋaBenjamini ndinomuroŋgo waŋgu, kuti tiʋate’po.
5
Ʋarume ʋeGibea ʋakandimukira, ʋakakomba imba ʋusiku kuzorwa neni; ʋakaŋga ʋaciɗa kundiʋuraya ini, ʋuye muroŋgo waŋgu ʋakamucinya, akafa.
6
Ipapo ndikatora muroŋgo waŋgu, ndikamuɗimuranya, ndikamutuma kunyika yose yenhaka yaIsraeri, nokuti ʋakaita ɀinonyaŋgadza neɀoʋupenzi pakati paIsraeri.
7
Tarirai, imi ʋana ʋaIsraeri, imi mose, mutipei zano nomuraŋgariro wenyu pano.
8
Ipapo ʋanhu ʋose ʋakasimuka nomŋoyo mumŋe, ʋakati: Hakunomumŋe weɗu uŋgaenda kutente rake, hakunomumŋe weɗu uŋgadzokera kumba kwake.
9
Asi ticaitira ʋanhu ʋeGibea cinhu ici: Ticandorwa naʋo, seɀatinoratidzwa nemijenya.
10
Ticatora ʋarume ʋanegumi pazana rimŋe nerimŋe ramarudzi ose aʋaIsraeri, naʋanezana pacuru cimŋe necimŋe, naʋanecuru paɀuru ɀinegumi ɀimŋe neɀimŋe, ʋandotorera ʋanhu mbuʋa, kuti kana ʋaciȿika paGibea raʋaBenjamini ʋaʋaitire ɀakaenzana noʋupenzi bgaʋakaita pakati paIsraeri.
11
Naiɀoɀo ʋarume ʋose ʋaIsraeri ʋakaʋuŋgana paguta ʋanomŋoyo mumŋe.
12
Ɀino marudzi aʋaIsraeri akatuma ʋarume kurudzi kwose rwaBenjamini, ʋakati: Iɀi ɀakashata ɀakaitwa pakati penyu ndeɀeiko?
13
Saka ɀino tipei ʋarume aʋo, ʋanhu ʋakaiȿo‐ipa, ʋari paGibea, tiʋaʋuraye, tibvise ɀakaipa pakati paIsraeri; asi ʋana ʋaBenjamini ʋakaramba kuterera inzwi rehama dzaʋo, iʋo ʋana ʋaIsraeri.
14
Ʋana ʋaBenjamini ʋakabva kumaguta ʋakaʋuŋgana paGibea, kuti ʋarwe naʋana ʋaIsraeri.
15
Ʋana ʋaBenjamini ʋakaŋga ʋabva kumaguta ʋakaʋereŋgwa musi uyo ʋakaȿika ʋarume ʋaneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀitanhatu, ʋaigona kurwa nomunondo; ɀino ʋakaŋga ʋagere Gibea haʋana‐kuʋereŋgwa, iʋo ʋakaȿika ʋarume ʋanamazana manomŋe ʋakasanaŋgurwa.
16
Pakati paʋanhu aʋa ʋose kwakaŋga kunaʋarume ʋanamazana manomŋe ʋakasanaŋgurwa, ʋakaŋga ʋaneziɓoshwe; mumŋe nomumŋe waʋo waigona kuroʋa ruvudzi nebge asiŋgaposhi.
17
Ɀino ʋarume ʋaIsraeri, kunze kwaʋaBenjamini, ʋakaʋereŋgwa, ʋakaȿika ʋarume ʋaneɀuru ɀinamazana manna, ʋaigona kurwa nomunondo; aʋa ʋose ʋaiʋa ʋarwi.
18
Ʋana ʋaIsraeri ʋakasimuka, ʋakaenda Beti‐eri, ʋakandobvunza zano kunaMŋari, ʋakati: Ndianiko kwatiri unofanira kutaŋga kundoʋamba ʋana ʋaBenjamini? Jehova akati: Juda ndiye unofanira kutaŋga.
19
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakamuka maŋgwanani, ʋakandodzika matente aʋo kuzorwa naʋeGibea.
20
Ʋarume ʋaIsraeri ʋakaɓuɗa kundorwa naʋaBenjamini; ʋarume ʋaIsraeri ʋakaroŋgedza hondo kuzorwa naʋo paGibea.
21
Ʋana ʋaBenjamini ʋakaɓuɗa paGibea, ʋakaʋurayira pasi nomusi iwoyo ʋarume ʋaIsraeri ʋaneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀiʋiri.
22
Ipapo ʋanhu, ʋarume ʋaIsraeri, ʋakaɀisimbisa, ʋakaroŋgedza ɀe hondo paʋakaŋga ʋairoŋgedza nezuʋa rokutaŋga.
23
(Ʋana ʋaIsraeri ʋakakwira, ʋakandocema kunaJehova kuȿikira maɗekwana; ʋakabvunza Jehova, ʋakati: Tinofanira kusweɗera ɀe kundorwa nehama dzeɗu, ʋana ʋaBenjamini, here? Jehova akati kwaʋari: Kwirai, mundorwa naʋo.)
24
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakasweɗera kuzorwa naʋana ʋaBenjamini nezuʋa repiri.
25
ƲaBenjamini ʋakaɓuɗa paGibea kuzorwa naʋo nezuʋa repiri, ʋakaʋurayira pasi ʋarume ʋaʋana ʋaIsraeri ʋaneɀuru ɀinegumi neɀisere; aʋa ʋose ʋaigona kurwa nomunondo.
26
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋose naʋanhu ʋose ʋakakwira ʋakaȿika paBeti‐eri, ʋakacema, ʋakagara’po pamberi paJehova, ʋakaɀinyima ɀokudya zuʋa iro kuȿikira maɗekwana; ʋakaʋuya neɀipiriso ɀinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa kunaJehova.
27
Ʋana ʋaIsraeri ʋakabvunza Jehova, (nokuti areka yesuŋgano yaMŋari yakaŋga iri’po pamazuʋa iwayo.
28
NaPinehasi, mŋanakomana waEreazari, mŋanakomana waAroni, wakamira pamberi payo namazuʋa iwayo), ʋakati: Tinofanira kuɓuɗa ɀe kundorwa nehama dzeɗu, iʋo ʋana ʋaBenjamini, kana tirege here? Jehova akati: Kwirai, nokuti maŋgwana ndicaʋaisa mumaʋoko enyu.
29
ƲaIsraeri ʋakaisa ʋanhu kuʋandira Gibea kunhiʋi dzose.
30
Ʋana ʋaIsraeri ʋakandorwa naʋana ʋaBenjamini nezuʋa retatu, ʋakaɀiroŋgedza kundorwa neGibea sapanedzimŋe ŋguʋa.
31
Ʋana ʋaBenjamini ʋakaɓuɗa kuzorwa naʋanhu, ʋakanyeŋgerwa ndokuɓuɗa kure neguta; ʋakataŋga sapanedzimŋe ŋguʋa kuɓaya nokuʋuraya ʋamŋe ʋanhu panzira huru mbiri, imŋe yaikwira icienda Beti‐eri, neimŋe Gibea, kusaŋgo, ʋakaʋuraya ʋarume ʋaIsraeri ʋaneŋge makumi matatu.
32
Ɀino ʋana ʋaBenjamini ʋakati: Ʋakundwa nesu sapakutaŋga. Asi ʋaIsraeri ʋakati: Ŋgatitize, tiʋanyeŋgere ʋaɓuɗe kunzira huru dziri kure neguta.
33
Ʋarume ʋose ʋaIsraeri ʋakasimuka kwaʋakaŋga ʋari, ʋakaɀiroŋgedza paBaari‐tamari; ʋuye ʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋakaʋandira, ʋakakurumidza kuɓuɗa kwaʋakaŋga ʋari, paMaaregeba;
34
ʋakaɓuɗa pakatarisana neGibea ʋaiʋa ʋarume ʋaneɀuru ɀinegumi ʋakaŋga ʋakasanaŋgurwa pakati paʋaIsraeri ʋose, kurwa kukanyanya kwaɀo; asi ʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi kuti njodzi yaʋa pedyo.
35
Ɀino Jehova akaparadza Benjamini pamberi paIsraeri, ʋana ʋaIsraeri ʋakaparadza nomusi iwoyo ʋarume ʋaBenjamini ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu nezana rimŋe; aʋa ʋose ʋaigona kurwa nomunondo.
36
Ipapo ʋana ʋaBenjamini ʋakaʋona kuti ʋakundwa; nokuti ʋarume ʋaIsraeri ʋakatiza pamberi paBenjamini, nokuti ʋakaŋga ʋaciʋimba naʋanhu ʋakaŋga ʋaiswa kuʋandira paGibea.
37
Ɀino ʋaʋandiri ʋakakurumidza, ʋakamhanyira Gibea; ʋaʋandiri ʋakapfuʋura, ʋakaparadza guta rose neminondo inopinza.
38
Ɀino ʋarume ʋaIsraeri naʋaʋandiri ʋakaŋga ʋatenderana pamsoro peciratidzo, kuti ʋacamutsa gore guru roʋutsi rinobva muguta.
39
Ʋarume ʋaIsraeri ʋakatendeʋuka pakurwa kwaʋo, ʋaBenjamini ʋakataŋga kuɓaya nokuʋuraya ʋarume ʋaIsraeri ʋaneŋge makumi matatu; nokuti ʋakati: Ɀirokwaɀo, ʋakundwa nesu sapakurwa kwokutaŋga.
40
Asi gore rakati rotaŋga kukwira ricibva muguta, seshoŋgwe yoʋutsi, ʋaBenjamini ʋakaceuka, ʋakaʋona guta rose ricipfuŋgairira kuɗeŋga.
41
Ʋarume ʋaIsraeri ʋakadzoka, ʋarume ʋaBenjamini ʋakavunduswa, nokuti ʋakaʋona kuti ʋawirwa nenjodzi.
42
Ipapo ʋakatiza pamberi paʋarume ʋaIsraeri, ʋakamhanya nenzira inoenda kurenje; asi hondo yakaʋateʋera, ʋuye ʋakaŋga ʋacibva mumaguta ʋakaʋaʋuraya pakati pawo.
43
Ʋakakomba ʋaBenjamini kunhiʋi dzose, ʋakaʋadziŋga ndokuʋaɓata paʋakazorora kuȿikira pakatarisana neGibea kumabvazuʋa.
44
Ʋaneɀuru ɀinegumi neɀisere ʋaBenjamini ʋakaʋurawa; aʋo ʋose ʋakaŋga ʋari ʋarume ʋoʋumhare.
45
Ʋakatendeʋuka, ndokutizira kurenje kuɗombo reRimoni; ʋakaʋuraya ʋamŋe ʋaʋo panzira huru ʋarume ʋaneɀuru ɀishanu; ʋakaʋateʋera kuȿikira paGidomi, ʋakaʋuraya pakati paʋo ʋarume ʋaneɀuru ɀiʋiri.
46
Naiɀoɀo ʋarume ʋaBenjamini, ʋakaʋurawa nezuʋa iro, ʋakaŋga ʋaneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu, ʋarume ʋaigona kurwa nomunondo; aʋa ʋose ʋaiʋa ʋarume ʋoʋumhare.
47
Asi ʋarume ʋanamazana matanhatu ʋakatendeʋuka, ʋakatizira kurenje kuɗombo reRimoni, ʋakagara paɗombo reRimoni mŋedzi minna.
48
Ʋarume ʋaIsraeri ʋakadzokera ɀe kuʋana ʋaBenjamini, ʋakaʋaʋuraya neminondo inopinza, guta rose, neŋombe, neɀose ɀaʋakawana’po; ʋakapisa ʋo maguta ose aʋakawana.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21