bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Corinthians 1
2 Corinthians 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 2 →
1
Ndini Pauro mupositori waKristu Jesu, ndakasarudzwa naMwari, ndinokunyorerai ini nehama yedu Timoti, imi vesangano raMwari riri kuKorinde pamwechete navatsvene vose vari muAkaya yose ndichiti
2
Mwari Baba wedu naTenzi Jesu Kristu ngavakuitirei nyasha nokukupai rugare.
3
Ngaarumbidzwe Mwari Baba vaTenzi wedu Jesu Kristu, Baba vetsitsi, Mwari anonyaradza muna zvose,
4
anotinyaradza mumatambudziko edu ose, kuti tikwanisewo kunyaradza vamwe vanenge vari mumatambudziko api naapi zvawo nokunyaradzwa ikoko kwatinenge taitwa naMwari.
5
Nokuti sokubatana zvakanyanya kwazvo kwatinoita naKristu mumatambudziko ake saizvozvowo nokuna Kristu tinonyaradzwawo zvikuru kwazvo.
6
Kana isu tichitambudzika, ndimi vatinotambudzikira kuti munyaradzwe nokuponeswa. Kana tikanyaradzwa imi munobva mawana kunyaradzwawo kwamunonzwa kana muchitirira nemwoyo murefu matambudziko mamwechetewo atinotambudzika.
7
Chivimbo chedu mamuri hachizunguzuki nokuti tinoziva kuti sokubatana kwatinoita nemi mumatambudziko edu, muchanyaradzwawo pamwechete nesu.
8
Hatidi kuti munge musingazivi, hama dzangu, nezvamatambudziko atakawana kuAsia nokuti takarwadziwa zvokurwadziwa zviya, zvokuti takanga tongoti kwatova kufa uku.
9
Zvaitovapo ndezvokuti takatenge tavakuzviona savanhu vakatongerwa rufu, asi izvi zvakaitika kuti tirege kuvimba nezvatiri asi kuvimba naMwari anomutsa vakafa.
10
Akatinunura munyatwa yorufu uye achatinunura. Chivimbo chedu chiri maari chokuti achatinunurazve.
11
Imi mukatibatsirawo neminamato yenyu, vazhinji vachatenda nezvikomborero zvatinenge tapiwa pamusana peminamato yavazhinji yatinenge taitirwa.
12
Chatinodada nacho uye chinopupurwawo nehana yedu ndechichi chokuti takagarisana navamwe zvakanaka panyika asi zvikuru nemi, tiri vatsvene nokuva pachokwadi chaMwari. Hatina kuzviita noungwaru hwapasi pano asi nenyasha dzaMwari.
13
Hatikunyorerei zvamusingakwanisi kuverenga nokunzwisisa. Ndinotarisira kuti muchanyatsonzwisisa,
14
sokutinzwisisa kwamunoita zvishoma kuti munogonawo kudada nesu sokudadawo kwatinoita nemi pazuva raTenzi Jesu.
15
Ndaiva nechokwadi chaicho nazvo zvokuti ndakanga ndatoronga kuti nditange kuuya kwamuri kuti muve norufaro rwakapetwa kaviri.
16
Ndaida kukushanyirai ndiri parwendo rwangu rwokuenda kuMasedhonia uye pakudzoka kwangu kuMasedhonia kuti mundibatsire parwendo rwangu kuJudhea.
17
Pandaironga izvozvi ndaisandukasanduka here? Ndinoronga zvinhu zvangu mukungozvifunga somunhu, ndichigona kuti, “Hungu” “Nakwete” panguva imwecheteyo here?
18
NaMwari chaiye akatendeka, shoko redu kwamuri harina kunge riri hungu nakwete,
19
nokuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari watakaparidza pakati penyu, ini naSirivhanusi naTimoti, akanga asiri hungu nakwete. Maari maingova nahungu.
20
Ndinodaro nokuti zvitsidzo zvose zvaMwari zvinowana hungu wazvo maari. Ndokusaka tichitaura kuti, “Ameni” nemaari kuti Mwari arumbidzwe.
21
Mwari ndiye anoita kuti isu nemi tive nechokwadi muupenyu hwedu muna Kristu akatiita vaKristu.
22
Akaisa rupawo rwake patiri akatipa Mweya wake mumwoyo medu sorubatso.
23
Mwari ngaandipupurire kuti chandakaregerera kuuya kuKorinde kwaiva kuti ndirege kukunetsai.
24
Hatisi kukuudzai zvamunofanira kutenda asi tinoshanda pamwechete kuti muve norufaro nokuda kokuti mumire makasimba muchitendero chenyu.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13