bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Corinthians 10
2 Corinthians 10
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 11 →
1
Ini Pauro ndinokukumbirisai, nounyoro nokupfava kwaKristu. Iyeni ndakawota kana ndakatarisana nemi uso nouso asi munhu ane chivindi kwamuri kana ndisipo.
2
Ndinokukumbirai kuti kana ndauyako, ndirege kuita zvakaomarara sokufunga kwandinoita kune vamwe vanhu vanofunga kuti tinoita zvinhu tichitungamirirwa namafungiro ezvenyika.
3
Kunyange zvedu tichigara panyika, hatisi kurwa hondo yapanyika
4
nokuti zvombo zvatinorwisa nazvo, hazvisi zvapasi pano asi kuti zvine simba raMwari rinoparadza nhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo.
5
Isu tinoparadza nharo uye pfungwa dzokuzvikudza dzinopingidza vanhu kuziva Mwari uye tinotora vanhu pfungwa dzavo tichidziisa muutapwa, tichivaita kuti vateerere Kristu
6
takagadzirira kuranga kusateerera kose kana kuteerera kwenyu kwakwana.
7
Onai zvinhu sezvazviri. Kana pane anonyatsovimba kuti ndewaKristu, ngaayeukewo kuti sezvaari waKristu, nesuwo ndizvo zvatiri.
8
Kunyange ndingazvikudze zvinenge zvakati nyanyisei noukuru hwandinahwo, hwandakapiwa naTenzi, ndakahupiwa kuti ndikuvakei kwete kuti ndikuparadzei, saka handinyari nazvo.
9
Handingadi kuita sokunge ndinoda kukutyityidzirai namatsamba
10
nokuti zvinonzi, “Matsamba ake akaomarara kwazvo uye ane simba asi kana aripo imbwende yomunhu uye pakutaura idera chairo.”
11
Vanhu vakadaro ngavazive kuti zvatinotaura netsamba tisipo tinogonawo kuzvitaura tiripo.
12
Hatingazviisi zvedu mubato kana kuzvienzanisa navavo vanozviisa pamusoro, vanozvitora ivo vozviita mwero wokuzviera nawo vachizvienzanisawo nezvavari.
13
Isu hatidi kuzvirova dundundu zvinopfuuridza asi tichamirira pamiganhu yatakaisirwa naMwari. Imi muri mukati memiganhu iyoyo.
14
Pamusana pokuti imi muri mukati memiganhu yedu hatisi kupfuuridza miganhu yedu. Ndisu takatotanga kuuya neShoko Rakanaka raKristu kwamuri.
15
Naizvozvo, hatipindiridzi tichizvirovera dundundu mubasa ravamwe. Chitarisiro chedu ndechokuti chitendero chenyu pachinokura, munda wedu unobva wakurakurawo pakati penyu.
16
Pakadaro tinobva takwanisa kuparidza Shoko Rakanaka munyika dziri mberi kweyenyu kuti tirege kuzozvikudza nebasa rakaitwa kare muminda yavamwe.
17
Anozvirumbidza ngaazvirumbidze naTenzi
18
nokuti haasi munhu anozviti ndakanaka asi anonzi naTenzi akanaka.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13