bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Corinthians 3
2 Corinthians 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 4 →
1
Totangazve here kuzvizuwidza nezvatiri? Tingade here sezvingadiwe navamwe, matsamba okukutaurirai zvatiri kana matsamba akadaro anobva kwamuri?
2
Iyemi ndimi tsamba yedu inotaura zvatiri, yakanyorwa pamwoyo yenyu kuti izivikanwe nokuverengwa navanhu vose.
3
Imi pachenyu munotoratidza kuti muri tsamba inobva kuna Kristu, muchero webasa redu, isina kunyorwa neingi asi naMweya waMwari mupenyu. Haina kunyorwa pamafendefa amatombo asi pamafendefa emwoyo yavanhu.
4
Ndicho chivimbo chatinacho naMwari nokuna Kristu.
5
Hazvirevi kuti tinokwanisana nazvo pachedu kuti titi isu zvinobva kwatiri. Kukwanisa kwedu kunobva kuna Mwari akatiita kuti tikwanise kuva vashandiri vechitenderano chitsva chisina kunyorwa asi chomweya.
6
Nokuti chakaitwa zvokunyorwa chiya chinouraya asi Mweya anopa upenyu.
7
Zvino kana zvinounza rufu zvakanyorwa zvichiitwa zvokutemerwa pamabwe, zvakauya nokupenya kwakadaro zvokuti vaIsiraeri vakatadza kutarisa uso hwaMosesi pamusana pokubwinya kwahwo kunopera,
8
ko kutozoti zvaMweya zvinopenya zvakadii?
9
Zvino kana zviya zvinopa mhosva zvaiva nokupenya, zvinopa ururami zvinofanira kuzvikunda kure kure.
10
Saizvozvo apa chaimbova nokupenya kukuru hachichambopenya zvacho pamusana pokupenya kunochikunda.
11
Kana chino kupenya kunopera chakauya nokupenya kukuru, chinokupenya kusingaperi chinofanira kuva nokupenya kwakatokurisisa.
12
Zvatiine chitarisiro chakadaro, tine chivindi.
13
Hatiiti saMosesi aizvifukidza uso nejira kuti vaIsiraeri varege kuona magumo okupenya kukuru kwakanga kwava kupera.
14
Mwoyo yavo yakabva yaomarara nokuti nanhasi wose pavanoverenga chitenderano chakare, jira rimwechetero rinoramba rakafukidza nokuti rinobviswa chete muna Kristu.
15
Kunyange nanhasi, pose panoverengwa Mosesi, jira rinenge rakafukidza pfungwa dzavo,
16
asi kana munhu akapindukira kuna Tenzi, jira riya rinobva rabviswa.
17
Zvino Tenzi wacho ndiMweya. Pana Mweya waTenzi pano rusununguko.
18
Isu tose takabviswa jira riya, mbiri yaTenzi inopenya matiri uye tiri kusandurwa tichitodzana naye, kupenya kwedu kuchingoramba kuchikurakura nokuti izvi zvinobva kuna Tenzi, Mweya.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13