bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Corinthians 12
2 Corinthians 12
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 13 →
1
Hazvina zvazvo zvazvinobatsira asi ndinofanira kuenderera mberi nokuzvirumbidza. Ndava kuenda kune zvezvioneso nezviratidzo zvaTenzi.
2
Ndinoziva mumwe munhu muna Kristu akatututswa kuenda kudenga rechitatu makore gumi namana apfuura. Kuti akaendako nomuviri wake here kana kuti asina muviri wake, handizivi, Mwari ndiye anoziva.
3
Chandinoziva ndechokuti munhu uyu akatututswa kuenda kuParadhiso. Kuti akaendako nomuviri wake here kana kuti asina muviri wake, handizivi, asi Mwari ndiye anoziva.
4
Ikoko akanzwa zvinhu zvisingatauriki zvisingabvumirwi kuti munhu ataure.
5
Munhu iyeyo ndinodada naye asi ini pachangu handizvidadisi. Chandinodada nacho utera hwangu.
6
Dai kuri kuti ndinozvidadisa zvangu, handingavi benzi nokuti ndinenge ndichitaura chokwadi asi handizvidadisi kuti vanhu varege kundiona sowokumusoro kupinda zvavanoona mandiri kana zvavanonzwa kwandiri.
7
Asi kuti ndirege kuita zenze nezviratidzo zvakawanda ndakapiwa munzwa munyama, nhumwa yaSatani yokundishusha kuti ndirege kuva nezenze.
8
Ndakateterera Tenzi katatu kose nezvawo kuti ubviswe
9
asi akati, “Nyasha dzangu dzinokwana kwauri nokuti simba rangu rinoonekwa muutera kushanda kwaro kuzere.” Naizvozvo ndinotofara kudada noutera hwangu kuti simba raKristu rigare pandiri.
10
Nezvo pamusana paKristu, ndinofara noutera nokutukwa nezvinonetsa nokushushwa nenhamo nokuti kana ndiino utera ndipo pandine simba.
11
Ndaita benzi chairo asi ndimi maita kuti ndidaro. Imi ndimi maifanira kutozivisa vanhu zvandiri nokuti hapana chandinopfuurwa naivo vapositori vapamusoro vacho ivavo kunyange zvangu ndiri chinhu pasina.
12
Zviratidzo zvomupositori wechokwadi zvakaitwa pakati penyu nomwoyo murefu chaiwo nezviratidzo nezvishamiso namabasa makuru.
13
Ko chamusina kuitirwa chakaitirwa mamwe masangano ndechipi kusiya kuti hapana, ini pachangu, chandakakuremedzai nacho. Mundiregererewo kukukanganisirai kudai.
14
Ndakagadzirira kukushanyirai kechitatu, asi hapana chandichakuremedzai nacho nokuti handisikutsvaka zvinhu zvenyu asi imi nokuti vana havasiri ivo vanofanira kuriritira vabereki asi vabereki ndivo vanofanira kuriritira vana vavo.
15
Ndingafare kupedzera imi zvinhu zvangu kana kupera iyeni ndichiitira imi. Zvino kana ndichikudai zvakanyanya kudai, ndicho chingave chikonzero chokundida kwenyu zvishoma here?
16
Ngatitii ini handina kukuremedzai asi imi mungati kungwarisaka kwangu ikoko kwaita kuti ndikudyei nomunyati?
17
Ndakakunyengedzai here nokuno mumwe wavandakatumirai kwamuri?
18
Ndakakurudzira Titosi kuenda ndikamutumira neimwe hama yedu. Titosi akakunyengedzerai here? Hatina here kushanda nomweya mumwecheteyo tichitevera gwara rimwechete?
19
Manga muchifunga here, pose apa, kuti tanga tichizvidzivirira kwamuri? Takanga tichitaura muna Kristu pamberi paMwari tichida kukuvakai, hama dzangu.
20
Ndavakutotya kuti pamwe ndichauya ndikasvikokuwanai musiri zvandinoda kuti munge muri uye kuti muchandiwana ndisiri zvamunoda kuti ndinge ndiri. Zvichida pano kutukana kana shanje kana hasha kana kuzvifunga kana kurevana kana makuhwa kana kuzvikudza kana nyonganyonga.
21
Ndiri kuzeza kuti pandichauyazve, Mwari wangu achandininipisa pamberi penyu, ndavakuungudza ndichichema vazhinji vaya vakatadza vasati vapinduka kune zvakan'ora nounzenza noupombwe zvavakaita.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13