bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Corinthians 9
2 Corinthians 9
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 10 →
1
Kungangova kupedza nguva kuti ndikunyorerei nezvechipo chokupa kuvatsvene,
2
nokuti ndinoziva kuzvigadzirira kwenyu kwandinozvizuwidza nako kuvanhu vokuMasedhonia ndichiti, “VokuAkaya vakagadzirira kubvira gore rakapera.” Shungu dzenyu dzakamutsa mwoyo yavazhinji vavo.
3
Asi ndiri kutumira hama idzi kuti kudada nemi kwedu kurege kuva kusina maturo kuitirawo kuti, sokutaura kwandakaita, kuti munge makagadzirira.
4
Zvingadaro zvikaitika kuti ndinouya navamwe vokuMasedhonia tichizoona kuti hamuna kugadzirira tikazonyara nazvo, tisingatauri zvedu kuti imi muchanyara sei, isu tichivimba nemi kudai.
5
Ndokusaka ndakafunga kuti ndikurudzire hama idzi, kuti dzifanotungamira ndisati ndauya, kuti dzifanogadzirira chipo chiya, chamakavimbisa, kuti chinge chakagadzirirwa, kwete zvokumanikidzira asi chinopiwa nechido.
6
Chiripo ndechokuti munhu anodyara zvishoma achakohwawo zvishoma; anodyarawo zvakawanda achakohwawo zvakawanda.
7
Mumwe nomumwe anofanira kuita sokuzvisarudzira kwaakaita mumwoyo make, kwete seasingadi kana seanomanikidzwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa achifara.
8
Mwari anogona kukupai makomborero ose akawanda kwazvo kuti nguva dzose muve nezvinokwana muchikwanisawo kuwana zvinhu zvinodiwa pamabasa ose akanaka.
9
Sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Kuvarombo ndimupanegombe ururami hwake hunogara nokusingaperi.”
10
Iye Mwari anopa mbeu kumudyari nechingwa chokudya ndiye achakupa mbeu dzose dzaunoda uye achaitawo kuti dzikure dzibereke zvokukohwa zvakawanda zvichibva muururami hwako.
11
Muchapfuma muna zvose kuti mukwanise kuita mabasa makuru omwoyochena anoita kuti Mwari atendwe pamusana pezvatinenge taita.
12
Kuita basa irori, hakungagutsi zvinodiwa navatsvene chete asi kuti kunowanziridza kutendwa kwaMwari.
13
Nezvinobuda mukuita basa iri, mucharumbidza Mwari nokuteerera kwenyu Shoko Rakanaka raKristu nemwoyochena mukudyidzana kwenyu navo uye navamwe vose.
14
Ivo vachikusuwai nokukunamatirai pamusana penyasha dzinoshamisa dzaMwari mamuri
15
Mwari ngaatendwe pamusana pechipo chake chisingatauriki.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13