bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Corinthians 2
2 Corinthians 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 3 →
1
Ini ndakafunga pachangu kuti handifaniri kukushanyirai zvingaite kuti imi musuwe
2
nokuti ndikakurwadzisai ndiani achaita kuti ndifare, kusiya iyeyo mumwecheteyo wandinenge ndasuwisa.
3
Kunyora kwandakaita ndakakunyorerai kuti kana ndauya ndirege kurwadziswa navanhu vanofanira kuti vaite kuti ndifare. Ndinonyatsoziva kuti kana ini ndichifara nemiwo mose munofara.
4
Ndakakunyorerai ndakasuwa kwazvo ndichirwadziwa mumwoyo uye ndiine misodzi padama, kwete kuti ndikurwadzisei, asi kuti muzive rudo rukuru rwandinarwo nemi.
5
Kana pane akarwadzisa vamwe mwoyo handisini waakarwadzisa. Neimwe nzira, tisingadi zvedu kumuomesera, tingangoti akakurwadzisai mose.
6
Kumunhu akadai shamhu yamakamupa imi voruzhinji yakakwana
7
zvokuti dai machimuregerera zvenyu muchimunyaradza nokuti angadaro akasvika pakunyanyoodzwa mwoyo nokusuruvara kukuru.
8
Saka ndinokukumbirai kuti munyatsomuratidza kuti munomuda.
9
Ndokusaka ndakanyora kuti ndione ndingozivawo kuti imi munoteerera here muna zvose.
10
Ani zvake wamunoregerera, ndinomuregererawo. Kuregerera ikoko dai kuri kuti pane chandinofanira kuregerera ndakazviita pamusana penyu pamberi paKristu.
11
kuti tirege kudyiwa munyati naSatani nokuti tinoziva dzaanotamba.
12
Pandakasvika kuTiroasi kundoparidza Shoko Rakanaka raKristu, ndakazarurirwa musuo muna Tenzi
13
asi ndakanga ndisina zororo mumwoyo nokuti handina kuwana hama yangu Titosi ikoko. Saka ndakavaoneka ndikaenda kuMasedhonia.
14
Mwari ngaatendwe anoita kuti, muna Kristu tikurire nguva dzose uye nematiri anoparadzira kose vose kunhuwirira kwokuzivikanwa kwake.
15
Iyesu ndisu kunhuwirira kwaKristu kuna Mwari pakati pavari kuponeswa napakati pavari kuparadzwa.
16
Kune vamwewo, munhuwi unouraya, kune vamwewo munhuwi unopa upenyu. Ndiani angakwanisane nazvo izvi?
17
Hatina kufanana navamwe vanoita shawo neShoko raMwari, asi tinoita savanhu vakatumwa vanotendeka pamberi paMwari tichitaura muna Kristu.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13