bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Corinthians 4
2 Corinthians 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 5 →
1
Naizvozvo, Mwari, nenyasha dzake, zvaakatipa basa iri hatirasi mwoyo.
2
Takasarudza kusamboita zvinhu zvinonyadzisa nezvomuchivandevande. Takaramba kuita zvoujarijari kana kushatisa shoko raMwari. Asi tinozviratidza zvatiri kuhana yomunhu wose zvake takamira pachokwadi chizere pamberi paMwari.
3
Kunyange zvazvo Shoko redu Rakanaka rakafukidzwa, rakafukidzwa chete kuna vari kuparara.
4
Pane zvaivava, mwari wapasi pano akapofomadza pfungwa dzavasingatendi kuti varege kuona mwenje weShoko Rakanaka rembiri yaKristu, iye akatodzana naMwari.
5
Isu hatizviparidzi asi watinoparidza ndiJesu Kristu saTenzi, isu tiri varanda venyu pamusana paJesu,
6
nokuti iye Mwari ndiye akati, “Chiedza ngachivheneke murima,” ndiye akavhenekawo mumwoyo yedu, kuti atipe mwenje woruzivo rwembiri yaMwari iri muuso hwaKristu.
7
Asi upfumi uhu tinaho huri muhari dzevhu, kuratidza kuti simba ramasimba ose nderaMwari, kwete redu.
8
Tinotambudzwa nenzira dzakasiyana — siyana asi hatishai pokupunyuka napo, tinoshaiswa mazano asi hatirasi mwoyo;
9
tinoshushwa asi hatisiiwi tiri toga; tinorigirwa pasi asi hatiparadzwi.
10
Tinogara takaberekana narwo rufu rwaJesu kuti upenyu hwaJesu huratidzwewo mumiviri yedu.
11
Paupenyu hwedu, tinogara takangotarisana narwo rufu pamusana paJesu kuti upenyu hwaJesu huratidzwe munyama yedu inofa.
12
Naizvozvo, isu tinogara takafudzwa narwo rufu asi imi muri muupenyu.
13
Zvino zvatino mweya mumwechetewo wechitendero wakanga uine uyo akanyora achiti, “Ndakatenda ndikataura, saizvozvo,” isuwo takatenda tinotaura saizvozvo
14
tichiziva kuti iye akamutsa Tenzi Jesu achatimutsawo naJesu achizotiunza pamwechete nemi paari.
15
Zvose izvi kuitira imi, kuti nyasha nokupararira kwadzinoita kuvanhu vakawanda kutendawo kuwande, kuti Mwari agorumbidzwa nazvo.
16
Nezvo hatirasi mwoyo. Kunyange tavakuchembera, umunhu hwedu hokunze; hwomukati huri kutovandudzwa zuva nezuva,
17
nokuti tunhamo tunopera utwu, twuri kutigadzirira mbiri isingaperi, inoremerera, isina chokuienzanisa nacho.
18
Chikonzero chacho ndechokuti ziso redu harisi pazvinhu zvinoonekwa asi kuzvinhu zvisingaonekwi nokuti zvinhu zvinoonekwa zvinopfuura asi zvinhu zvisingaonekwi zvinogara nokusingaperi.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13