bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Corinthians 6
2 Corinthians 6
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 7 →
1
Tinokukumbirisai tichishanda pamwechete naMwari kuti murege kungogamuchira nyasha dzaMwari pasina
2
nokuti anoti, “Nenguva yakafanira ndakakunzwa, nezuva reruponeso ndakakubatsira, chinzwa, ino ndiyo nguva yacho yakafanira, irori ndiro zuva roruponeso.”
3
Hatiisi chinopingidza munzira yaani nani zvake, kuti muushandiri hwedu musave nechakaipa,
4
asi isu savaranda vaMwari tinoratidza izvi nenzira dzose nokutirira kwakaomarara nomukutambudzika mune zvinonetsa nomupfumvu
5
mukurohwa nokuiswa mujeri nomunyonganyonga nomumabasa anorema nokuvata takasvinura nomunzara
6
uye tinoratidza izvi noutsvene noruzivo nokutirira nomutsa naMweya Mutsvene norudo rwechokwadi
7
nokutaura zviri pachokwadi nesimba raMwari nezvombo zvoururami kurudyi nokuruboshe,
8
mukuremekedzwa nomukusaremekedzwa, mukushorwa nomukukudzwa. Tinotorwa savanhu vanonyepera kuva zvavasiri asi tiri pachokwadi,
9
tichiitwa setisingazivikanwi asi tichinyatsozivikanwa. Tinoitwa setiri kufa asi tarisai muone tiri vapenyu. Tinoitwa setiri kurangwa asi hatisati tafa.
10
Tinonzi tinosuruvara asi isu tichifara nguva dzose. Tinonzi tiri varombo asi tichipfumisa vazhinji. Tinonzi hatina chinhu asi tiine zvose.
11
Vakorinde imi, takutaurirai zviri pachena uye nomwoyo wose.
12
Hatisisu tinoita kuti musungikane mwoyo asi imi ndimi muri kuita kuti musungikane zvenyu.
13
Sekandiro kanoenda kunobva kamwe, ndinotaura somunhu ari kutaura kuvana, sunungukaiwo mwoyo.
14
Musasungwe pajoko navanhu vasingatendi nokuti ururami hunei nouipi? Kana kuti chiedza chine ukama hwei nerima?
15
Kristu anganzwanane sei naBheriari? Kana kuti mutendi ane mugove wei naasingatendi.
16
Temberi yaMwari inowirirana papi nezvifananidzo zvinonamatwa saMwari. Zvino isu tiri Temberi yaMwari mupenyu sokutaura kwakaita Mwari achiti, “Ndichagara mavari ndichifamba pakati pavo uye ndichava Mwari wavo ivowo vachava vanhu vangu.”
17
Saka ibvai mukati mavo mupararane navo, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Musawane chakan'ora chamunobata. Pakadaro, ini ndichakugamuchirai.
18
Ini ndichava Baba kwamuri, imi muchiva vanakomana vangu navanasikana vangu. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Samasimbaose.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13