bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Corinthians 8
2 Corinthians 8
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 9 →
1
Tingade kuti muzive, hama dzangu, nezvenyasha dzaMwari dzakaratidzwa mumasangano okuMasedhonia
2
nokuti vakayedzwa zvinorwadza kwazvo asi mufaro wavo wakafashukira vakava vanamupanegombe kunyange zvavo vakanga vava varombo vokupedzisira.
3
Vakapa vakasununguka sokugona kwavo zvandingatopupurawo uye zvaitopfuura zvavaikwanisa
4
vachititeterera kwazvo kuti vabatsire vatsvene.
5
Izvozvo zvakanga zviri zvinhu zvatakanga tisingambotarisira asi vakatanga vazvipira kuna Mwari, mushure maizvozvo nokuda kwaMwari, vakazvipirawo kwatiri.
6
Saizvozvo takakurudzira Titosi, somunhu akanga atanga basa iri rakanaka pakati penyu, kuti anofanira kuripedzisa.
7
Zvino sezvo makabudirira zvikuru muzvinhu zvose izvi zvinoti: chitendero, kwouya kutaura zvakanaka kwoti ruzivo kwozoti shungu dzenyu huru dzokuda kubatsira uyezve rudo rwenyu kwatiri, chibudiriraiwo zvakanyanya pabasa iri renyasha.
8
Handitauri izvi kwamuri somurau asi kuti neshungu dzavamwe ndizvionere kuti rudo rwenyu nderwe chokwadi here
9
nokuti imi munoziva nyasha dzaTenzi wedu Jesu Kristu kuti kunyange akanga akapfuma asi akazova murombo nokuda kwenyu kuti nourombo hwake imi mugova vapfumi.
10
Uye panezvizvi ndinokubairai zanhi ndichiti, zviri nani kwamuri kuti mupedzise zvamakatanga kuita gore rakapera, kusiri kungoita chete asi kuva nechido chokuzviita.
11
Zvino, chipedzisai basa iroro kuti kuripedzisa kwenyu kuenzane neshungu dzenyu dzokuda kuriita maererano nezvamunazvo.
12
Kana chido chokupa chiripo, chipo chomunhu chinogamuchirika maererano nezvaanazvo, kwete maererano nezvaasina.
13
Handisi kuti vamwe varerukirwe imi muchiremerwa
14
asi kuti pave nokuenzana, panguva ino zvamuine zvakawanda movabatsirawo pavasina chokubata kudai, kuti ivo kana vava nezvakawanda imi musina pokubata vagokubatsiraiwo kuti pave nokuenzana.
15
Sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi uyo akakohwa zvakawanda haana kuva nezvakapfurikidza, uyowo akakohwa zvishoma haana chaakashaiwa.
16
Mwari ngaatendwe akaita kuti Titosi ave nomwoyo wakaita sowangu pakuva nehanya nemi.
17
Hakusiri kuti akanzwa chete chikumbiro changu asi kuti iye pachake aiva neshungu zvokuti iye pachezvake akada kuuya kwamuri.
18
Tinomutuma nehama inozivikanwa pamasangano ose pamusoro pokuparidza kwake Shoko Rakanaka.
19
Hazvisiri izvo zvoga, asi kuti akatosarudzwa namasangano kuti atiperekedze mubasa iri romwoyochena ratiri kuitira mbiri yaTenzi uyewo kuratidza mwoyo unoda.
20
Taichenjererawo kuti pasave naanotipa mhosva kuti tinobata sei chipo chakakura kudai.
21
Chinangwa chacho chiri chokuti tiite zvinoremekedzwa kwete naTenzi chete asi kuti navanhuwo.
22
Pamwechete naivava tiri kutumira hama yedu yatakaedza kazhinji tikaona ari munhu ane chido chokuita zvinhu mune zvizhinji asi ava nechido chakatonyanya zvino kupfuura kare pamusana pokuvimba kukuru kwaanako nemi.
23
Kana zviri zvaTitosi, ndomumwe wangu, mushandipamwe neni mubasa ratinokuitirai, asi dzimwe hama idzi, inhumwa dzamasangano uye vanopa mbiri kuna Kristu.
24
Naizvozvo ratidzai masangano rudo rwenyu uye kuti isu tinodada nemi zvakadii kuvarume ava.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13