bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Corinthians 11
2 Corinthians 11
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 12 →
1
Dai mukambondiregererawo ndichimboti pengerekei zvangu zvishomanana, mundiitirewo mwoyo murefu.
2
Ndine shanje yaMwari nemi nokuti ndakakuroodzai kuna Kristu, ndichida kukuperekai semhandara tsvene kumurume wayo mumwechete oga.
3
Zvino ndavakutotya kuti sokunyengedza kwakaita nyoka Eva nokusvinuka kwayo pfungwa dzenyu dzingadaro dzatsautswa pautsvene hwenyu nokutendeseka kwenyu kuna Kristu.
4
Ndinodaro nokuti kana mumwe munhu akauya achiparidza mumwe Jesu akasiyana newatakaparidza muchigamuchira mumwe mweya wakasiyana newamakagamuchira kana kuti mukagachira Shoko Rakanaka rakasiyana neremakagamuchira muri kutomugamuchira namaoko maviri.
5
Sokuona kwangu hapana chandinopfuurwa naivo vapositori vapamusoro vacho ivavo.
6
Kunyange zvangu ndisingakwanisi kunyatsotaura asi ruzivo ndinarwo. Izvi akanyatsokujekeserai nenzira dzose muna zvose.
7
Ndakatadza here nokuzvidukupisa kwandakaita kuti imi mukudzwe zvandakaparidza Shoko Rakanaka raMwari pasina chamakaripa?
8
Ndaiita sokubira mamwe masangano ndichitambira rutsigiro rwavo kuti ndikushandirei.
9
Pandakanga ndiinemi ndisina chokubata, hapana wandakaremedza. Zvandaida ndakapiwa nehama dzedu dzakabva kuMasedhonia. Saizvozvo ndakaramba uye ndichangoramba ndichiramba kukuremedzai nenzira ipi zvayo.
10
Sokuti nechokwadi chaicho chaKristu chiri mandiri, kuzvizuwidza kwangu uku hakumbofa kwakanyaradzwa mudunhu reAkaya.
11
Nemhosva yeiko? Pamusana pokuti handikudei here? Mwari ndiye anoziva kuti ndinokudai.
12
Ndichangoramba ndichiita zvandiri kuita, kuti nditadzise kubudirira avo vanoda kuzvizuwidza vachiti vanongoshandawo sezvatinongoita.
13
Vanhu vakadaro vapositori venhema, vashandi vanonyengedza, vanobata vanhu kumeso vachizviti vapositori vaKristu.
14
Hazvishamisi izvozvo nokuti kunyange Satani anonyengedza achizviita somutumwa wechiedza.
15
Naizvozvo hazvishamisi kana varanda vake vachinyengedza sokunge varanda voururami. Mugumo wavo uchaenderana nezviito zvavo.
16
Ndinodzokororazve kuti ngaparege kuva nomunhu anofunga kuti ndiri benzi romunhu; asi kunyange mukafunga zvenyu kudaro, nditorei zvenyu sebenzi kuti ndiwanewo mazvikudziro zvishomanene.
17
Zvandiri kutaura hazvina Tenzi mukati, asi sebenzi, mukuzvirova dundundu kwangu uku kune chivindi,
18
sezvo vazhinji vachizvikudza nezvinhu zvenyika, neniwo ndichazvirumbidza,
19
nokuti munoitira mwoyo murefu mapenzi muchifara asi imi muri vanhu vakangwara.
20
Munoitiraka imi mwoyo murefu munhu akakuitai varanda kana akakudyai nomunyati achikushandisai kana kuzvikudza kana kutokurovai nembama kumeso.
21
Ndinonyara kutaura kuti hwaiva humbwende kuita izvozvo. Asi kana pane munhu angade kuzvikudza nechii zvacho, ndava kutaura zvangu sebenzi, ndingatoitawo chivindi chokuzvikudza saizvozvo.
22
Ivo vaHebheru here? Kana neniwo ndiri muHebheru. Ivo vaIsiraeri here kana neniwo. Ivo zvizvarwa zvaAbhurahamu here? Kana neniwo.
23
Ivo vashandi vaKristu here? Ini ndinotova mushandi wake ari nani. Zvino ndava kutaura zvangu somunhu anopenga. Ndakashanda zvakaomarara kupinda ivo. Ndakaiswa mujeri kakatowanda kutovapfuura. Ndakarohwa kakawanda, ndikatarisana norufu kakawanda.
24
Ndakarohwa ndiri mumaoko avaJudha shamhu dzinosvika makumi matatu nepfumbamwe kanosvika kashanu.
25
Ndakarohwa nemibhadha kanosvika katatu. Ndakatakwa namatombo kamwechete. Ndakakudubuka nechikepe katatu. Ndakaita siku nesikati ndakayangarara mugungwa.
26
Panzendo dzangu dzakawanda ndakapinda njodzi dzenzizi nenjodzi dzamakororo, uye njodzi dzaibva kuvanhu vokwangu uyewo nenjodzi dzaibva kunevechirudzi kwozoti njodzi muguta, kwoti njodzi musango, kwouya njodzi mugungwa nenjodzi dzaibva kuhama dzenhema
27
mubasa rakaoma nomuzvinhu zvinotambudza nomukushaiswa hope kakawanda; munzara nenyota uye kazhinji ndisina chokudya; muchando nomukushaya chokufuka
28
tisingatauri zvedu nezvezvimwe izvi, mazuva ose ndinogara ndakaremerwa nokufunga masangano ose.
29
Ndiani anorukutika ndikasarukutikawo. Ndiani anopinzwa mukutadza ndikasagumbuka nazvo.
30
Dai kuri kuti ndinozvirova dundundu ndingatozvirovera dundundu utera hwangu,
31
Mwari naBaba waTenzi Jesu, iye anofanira kurumbidzwa nokusingaperi anoziva kuti handitauri nhema.
32
KuDhamasikosi mutongi aiva pasi paMambo Aretasi akagaririra guta reDhamasikosi kuti andibate
33
asi ndakaburutswa ndiri mutswanda napaburi raiva parusvingo ndikamupunyuka.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13