bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Corinthians 5
2 Corinthians 5
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 6 →
1
Isu tinoziva wani kuti kana muviri uno womusasa wapasi pano watigere wapazwa, tinowana imba inobva kuna Mwari isina kuvakwa namaoko avanhu inogara nokusingaperi kudenga.
2
Zvino imomu tinotura befu tichisuwira kuti imba yedu yokudenga itifukidze
3
kuti taifuka, tirege kuonekwa tisina kufuka.
4
Nokuti patinenge tichiri mumusasa uyu tinotura befu takaremerwa, kwete kuti tipfekenurwe, asi kuti titopfekedzwa, kuti chinofa chinyatsosandurwa noupenyu.
5
Iye akatigadzirira izvi ndiMwari akatipa Mweya sorubatso.
6
Naizvozvo takatsunga mwoyo nguva dzose. Tinoziva kuti patinenge takaita musha mumuviri wedu, tinenge tichitova kure naTenzi
7
nokuti pakufamba kwedu tinotungamirirwa nechitendero, kwete nezvatinoona.
8
Takatsunga mwoyo kwazvo zvokuti tinoona zviri nani kuti titosiya musha womumuviri tichindoita musha wedu naTenzi.
9
Naizvozvo kunyange tiri pamusha kana kure nawo chatinovavarira kumufadza
10
nokuti tose zvedu tinofanira kuuya pamberi pechigaro chokutonga chaKristu kuti munhu wose atambire zvakanaka kana zvakaipa maererano nezvaakaita ari mumuviri.
11
Saizvozvo, sokuziva kwatinoita kuti kutya Mwari kunorevei, tinokurudzira vanhu; asi zvatiri zvinozivikanwa naMwari uye tinotarisira kuti zvinozivikanwawo nehana dzenyu.
12
Uku hakusi kuda kukutaurirai zvatiri zvakare asi kuti muwane chikonzero chokuti mudade nesu kuti mukwanise kupindura avo vanozvikudza pamusana pechimiro chomunhu panze pokuzvikudza nounhu hwomunhu.
13
Kana tichiita setinorasa njere, tinozviitira Mwari uye kana tichiita savanhu kwavo tinoitira imi.
14
Chikonzero chacho ndechokuti rudo rwaKristu ndirwo runotimanikidza kuita zvinhu nokuti zvatakatoona ndezvokuti, munhu mumwechete akafira vanhu vose, naizvozvo vanhu vose vakafawo.
15
Iye akafira vanhu vose kuti vanorarama varege kuzviraramira asi kuti vararamire iye akavafira akamutswa.
16
Saizvozvo kubvira zvino hatichaona munhu sokuonekwa kwaanoitwa navanhu; kunyange zvazvo takamboona Kristu sokuonekwa kwaanoitwa navanhu, hatichamuona saizvozvo.
17
Saizvozvo kana munhu ari muna Kristu ava chisikwa chitsva. Zvakare zvakapera, zvitsva zvakauya.
18
Zvose izvi zvinobva kuna Mwari akatiwadzanisa naye nokuna Kristu akatipawo basa rokuwadzanisa
19
zvinoreva kuti muna Kristu, Mwari akaita kuti pasi pawadzane naye, achirega kuvapa mhosva uye achitipawo shoko rokuwadzanisa.
20
Naizvozvo tiri vamiririri vaKristu. Mwari anoisa chikumbiro chake nokwatiri. Tinokutetererai, takamirira Kristu tichiti, wadzanai naMwari.
21
Pamusana pedu akaita kuti iye ave chitadzo uyo akanga asingazivi chinonzi chitadzo kuti maari tive noururami hwaMwari.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13