bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Corinthians 13
2 Corinthians 13
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
1
Aka kava kechitatu ndichiuya kwamuri. Nyaya yose inofanira kutsigirwa nezvapupu zviviri kana zvitatu.
2
Ndakayambira avo vakambotadza navamwe vose uye ndiri kuvayambira, iye zvino, ndisipo sezvandakamboita ndiripo, pandakakushanyirai rwechipiri, kuti kana ndouyazve handivaregi vasina kurangwa.
3
Zvamunoda chinhu chinoratidza nacho kuti Kristu anotaura mandiri, iye ndiye achaonana nemi, haasi dera ane simba pakati penyu.
4
Iye akarovererwa pamuchinjikwa muutera asi mupenyu nesimba raMwari. Nokudaro muchaona kuti isu tine utera pamwechete naye asi tichararama pamwechete naye nesimba raMwari.
5
Zviongororei muone kuti muchiri pachokwadi nechitendero chenyu here? Zvionei pamumire. Hamuoni here kuti Jesu Kristu ari mamuri kusatoti makundika mukuzviongorora kwenyu!
6
Ndinotarisira kuti imi muchaona kuti isu hatina kukundika.
7
Tinonamata Mwari kuti murege kukanganisa, kwete kuti zvioneke kuti isu takabudirira asi kuti muite zvakarurama kunyange isu tichiita sokunge takakundika.
8
Hatigoni kuita chii zvacho kurwisana nechokwadi asi kutorwira chokwadi chacho.
9
Tinotofara kana tine utera imi muine simba. Chatinonamatira ndechokuti imi mururamiswe.
10
Ndiri kunyora izvi ndiri kure nemi kuti kana ndouyako, ndirege kuva munhu akaomarara pandinoshandisa simba randakapiwa naTenzi rokuvaka kwete kupaza.
11
Pokupedzisira, hama dzangu, ndinoti chisarai. Gadziridzai nzira dzenyu. Teererai zvandinotaura, wiriranai, garisanai zvakanaka. Mwari werudo norugare achava nemi.
12
Kwazisanai nokutsvodana kunoera.
13
Vatsvene vose vanokukwazisai. Chikomborero chokutirwa nyasha naTenzi wedu Jesu Kristu norudo rwaMwari nokuwadzanisa kwaMweya Mutsvene ngachive nemi.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13