bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Corinthians 7
2 Corinthians 7
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 8 →
1
Zvatiine zvitsidzo izvi hama dzangu ngatizvichenesei kune zvose zvinon'oresa muviri kana mweya uye hutsvene hwedu huve hwakaruramisisa mukutya Mwari.
2
Tigamuchireiwo nomwoyo wose, inga hapana watakatadzira wani. Hatina watakarunzira kuti atiitire zvechioko muhomwe. Hapana watakabiridzira.
3
Handisi kutaura izvi kuti ndikupei mhosva. Sezvandambokutaurirai, ndimi vapamwoyo, zvokuti tinofa tose uye ticharamba tigere tose.
4
Ndinovimba nemi zvikuru. Ndinodada nemi kwazvo. Munondipa manyawi. Tine matambudziko edu akawanda zvawo kudai asi tinonzwa kufara zvikuru kwazvo.
5
Kunyange patakasvika kuMasedhonia, isu nyama yedu haina kuwana zororo, takapoteredzwa nenhamo kumativi ose, kunze yakanga iri hondo yokurwiswa, mukati iri hondo yokutya.
6
Asi, Mwari anonyaradza vanenge varasa mwoyo, akatinyaradza nokuuya kwaTitosi;
7
kwete nokuuya kwake chete asi nokunyaradzwa kwaakawana mamuri sokutitaurira kwaakaita nezvekundisuwa kwenyu nokundirwadzirwa mwoyo kwenyu neshungu dzenyu neni zvokuti ndakatofarisisa kwazvo.
8
Chiripo ndechokuti kunyange zvangu ndakakurwadzisai netsamba yangu, handina urombo nazvo; (kunyange zvangu ndakave nourombo nazvo.) Ndinozviziva zvangu kuti tsamba iyoyo yakakurwadzai kunyange zvazvo kwaiva kwechinguvana chete.
9
Sezvazviri ndinofara, kwete, nokuti makarwadziwa, asi pamusana pokuti makarwadziwa zvakakuitai kuti mupinduke nokuti kurwadziwa kwenyu kwaiva nohumwari makuri zvokuti hapana chatakaita kuti murasikirwe nacho.
10
Kurwadzirwa mwoyo zvaMwari kunoita kuti munhu apinduke zvinosvitsa kuruponeso uye hazvirwadzise mwoyo; asi kurwadzirwa zvenyika kunounza rufu.
11
Tarisai muone kuti shungu dzokurwadzirwa zvaMwari dzakakuberekerai chii mamuri, kuti makaita shungu dzakaita sei kuzvisasamura mhaka, kuti zvakakugumburai sei uye kuti zvakakutyisai zvakadii. Ndoda kudisisa kwenyu neshungu dzenyu uyezve chirango chacho! Aiwa, makaratidza, muna zvose, kuti hamuna mhosva panyaya iyi.
12
Naizvozvo, kunyange ndakakunyorerai zvangu, handina kukunyorerai pamusana pewakatadza uya kana kuti pamusana pouyo akatadzirwa asi kuti shungu dzenyu kwatiri dzibude pachena kwamuri pamberi paMwari.
13
Nokudaro isu zvinotinyaradza. Pamusoro pokunyaradzwa kwedu ikoko, takatofara zvikuru kwazvo nokufara kwaTitosi, nokuti imi mose makamugadzanisa hana.
14
Ndakakuzuwidzai kwaari, imi mukasandinyadzisa pamusana pokuti zvatakataura zvakanga zviri zvedi, naizvozvo kuzuwa kwedu kuna Titosi kwaiva kwechokwadi.
15
Anobva atorwa mwoyo chaizvo nemi kana oyeuka kuteerera kwenyu mose uye kumugamuchira kwamakaita muchimuremekedza nokumukudza zvakaperera.
16
Ndinofara kwazvo nokuti ndinovimba nemi.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13