bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Leviticus 10
Leviticus 10
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 11 →
1
Nadhabhu naAbhihu vanakomana vaAroni vakatora mabisiro avo vakaisa maari moto, vakamwaya rusenzi pamusoro pawo vakapira kuna Tenzi, moto usiri pamutemo, usiriwo wakanga wanzi naTenzi upirwe.
2
Pakarepo moto wakabva kuna Tenzi ukavaparadza, vakafira pana Tenzi ipapo.
3
Mosesi akataurira Aroni achiti, “Hezvoka! Handiti ndizvo zvakamboreva Mwari achiti, ‘Ndicharatidza vanhu vose vanouya kwandiri kuti ini ndinoera uyewo vanhu vose vachandiremekedza.’ ” Asi Aroni akadumbirwa nazvo akapererwa neromuromo.
4
Mosesi akadaidza Mishaeri naErizafani vanakomana vaUzieri babamudiki waAroni akati, “Uyai kuno mubvise vakoma venyu munzvimbo inoera muende kunze kwematendhe.”
5
Naizvozvo vakauya vakavatakura vakapfeka hanzu dzavo dzinenge dzoda kusvika mumabvi, vakaenda navo kunze kwematendhe.
6
Mosesi akarayira Aroni navanakomana vake Ereaza naItama achiti, “Musarege vhudzi renyu richiti bvuru-bvuru, kana kubvarura zvako hanzu dzenyu mungadaro mukafa, uyewo gungano rose ringavirukirwe nehasha dzaMwari. Kana zviri zvehama dzenyu idzi, gungano rose ravaIsiraeri, ngaricheme zvaro kuparadzwa kwavakaitwa nomoto wakapiswa naTenzi.
7
Musambobva pamusuo wetendhe rokusanganira mungadaro mukafa nokuti imi makagadzwa pamakazodzwa mafuta aTenzi.” Naizvozvo vakaita sokuudzwa kwavakaitwa naMosesi.
8
Tenzi akataurira Aroni achiti,
9
“Iwe navanakomana vako musanwe waini kana doro kana mopinda mutendhe rokusanganira, mungadaro mukafa. Iwoyu murao uchagara uripo pazvizvarwa zvenyu zvose.
10
Munofanira kusiyanisa zvinhu zvinoera nezvinhu zvisingaeri, zvinhu zvakan'ora nezvinhu zvisina kun'ora.
11
Dzidzisai vaIsiraeri mirao yose yandakataura kwavari nomuromo waMosesi.”
12
Mosesi akataurira Aroni navanakomana vake vaviri vakanga vasara vainzi Ereaza naItamaru achiti, “Torai zvokudya zvomupiro wembesanwa zvinenge zvasara pamupiro unoita zvokupiswa nomoto kuna Tenzi, muzvidyire pedyo neatari zvisina mbiriso nokuti zvinoera kwazvo.
13
Udyirei panzvimbo inoera, nokuti ndiwo mugove wako, navanakomana vako wakatorwa pamupiro unoita zvokupiswa nomoto kuna Tenzi, nokuti ndizvo zvandakaudzwa naMwari.
14
Asi chityu chomupiro unosimudzirwa uchipirwa kuna Tenzi, nechidya chinenge chapirwa, iwe navana vako vakomana navasikana unogona zvako, kuzvidyira panzvimbo inoera, nokuti izvozvi zvakapiwa iwe navanakomana vako somugove wenyu, zvichibva pamipiro yokuwadzana yavaIsiraeri.
15
Chidya chinopirwa Mwari, nechityu chemupiro unosimudzwa mudenga uchipirwa kuna Tenzi, ngavauye nazvo pamwechete nomupiro wamafuta unoita zvokupiswa nomoto kuna Tenzi kuzopira mupiro unosimudzirwa kuna Tenzi. Ndozvinozova mugove wako pamwechete navanakomana vako, uchagara uripo narinhi wose sezvakarehwa naTenzi.”
16
Mosesi akafeya-feya nezvembudzi yomupiro wokupfupira zvitadzo, wanei kuti yakanga yatopiswa kare, akabva ashatirirwa Ereaza naItamaru akati,
17
“Seiko musina kudyira mupiro wokupfupira zvitadzo panzvimbo inoera? Inga iwoyu mupiro unoera kwazvo. Handiti makaupirwa kuti mubvise zvakaipa zvegungano irori muchizvipfupira pana Tenzi.
18
Hamuonewo here kuti ropa rayo harina kunge raunzwa mukati munzvimbo inoera, mungadai matodyira munzvimbo inoera, sezvandakareva.”
19
Aroni ndokuti kana Mosesi, “Inga nhasi uno chaiye vanhu vapira kuna Tenzi mupiro wavo wokupfupira zvitadzo nomupiro wavo wokupisa kunyange zvavo vadaro, hezvika izvi zvandiwira izvi. Zvino dai ndadya mupiro iwoyo wokupirira zvitadzo nhasi, ndopazvaizogamuchirwawo naTenzi here?”
20
Mosesi akazvinzwa akagutsikana nazvo.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27