bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Leviticus 21
Leviticus 21
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 22 →
1
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Udza vapristi vanakomana vemhuri yokwaAroni kuti, ‘Hapana anofanira kun'oreswa nezvitunha pakati pevekwake,
2
kunze kwokutoti chiri chitunha chehama yake yomumba. Vangave amai kana baba vake, kana kuti mwana wake mukomana kana musikana, kana mukoma kana munu'una vake,
3
kana hanzvadzi yake mhandara, womumba, asati aroorwa, pamusana pake angazvin'orese zvake.’
4
Iye somutungamuriri wavanhu ngaarege kuzvin'oresa.
5
Havafanire kuveura musoro yavo vachizviita mhanza kana kugera ndebvu dzaparushaya, kana kuzvicheka muviri.
6
Vachava vanhu vaMwari, vatsvene, havafanire kusvibisa zita raMwari wavo nokuti ndovanopira mupiro inoita zvokupiswa nomoto kuna Tenzi, nechokudya kuna Mwari saka vanofanira kuva vanhu vatsvene.
7
Ngavarege kuroora pfambi kana mukadzi akambokanganiswa kunyangwe mukadzi akarambwa nomurume wake, nokuti mupristi munhu mutsvene akatsaurirwa Mwari.
8
Mubatei somunhu akateketerwa kwandiri nokuti ndiye anopira chokudya chinopirwa kuna Mwari. Kwamuri ngaave munhu akateketerwa kuna Mwari nokuti ini Tenzi ndinokuitai kuti muve vatsvene ndiri mutsvene.
9
Kana mwanasikana womupristi upi noupi zvake akazviipisa achiita upfambi, atofumura baba vake ngaapiswe nomoto.
10
“Mupristi anenge akazodzwa musoro namafuta kuva mupristi mukuru pakati pevokwake, iye akagadzwa kuti apfeke hanzu dzoupristi, haafaniri kurega vhudzi rake rakaiita jakuchichi kana kubvarura hanzu dzake
11
kana kuzvin'oresa nokusvika pedyo nechitunha, chingave chitunha chababa kana chaamai vake.
12
Haafanire kumbosiya nzvimbo inoera kana kun'oresa nzvimbo yaMwari wake inoera nokuti kuteketerwa kwaakaitwa kuna Mwari achizodzwa mafuta kuri paari, ndini Tenzi ndinodaro.
13
Anofanira kuroora mhandara.
14
Ngaarege kuroora chirikadzi, kana mukadzi akarambwa kana mukadzi akakanganiswa kana pfambi. Asi ngaaroore musikana achiri mhandara kune vokwake,
15
kuti vana vake varege kuva vana vakan'ora pakati pevokwake. Ini Tenzi ndini ndinomuita kuti ave mutsvene.”
16
Tenzi akati kuna Mosesi,
17
“Taurira Aroni kuti, ‘Pazvizvarwa zvako zvose hapana munhu womhuri yekwako ane pakaremara anobvumirwa kuuya nechokudya kuzopira Mwari.’
18
Ndinodaro nokuti hakuna munhu ane pakaremara anobvumirwa kupirira vanhu mipiro angave bofu kana mhetamakumbo, kana ane chakaremara pauso kana pamuviri wake,
19
kwouya akatyoka ruoko kana gumbo,
20
kana ane nhutwa, kana mandionerepi, kana ane chirwere chamaziso kozoti ane chirwere chezvisasa kana chemhezi kana munhu akagadzirwa.
21
Hakuna munhu wemhuri yokumupristi Aroni ane pakaremara anobvumirwa kuuya kuzopirira vanhu mipiro inoita zvokupiswa nomoto kuna Tenzi. Ane pakaremara haabvumirwi kuzopirira vanhu chokudya chinopirwa kuna Mwari wake
22
Munhu akadaro anobvumirwa zvake kudya chingwa chaMwari wake chemipiro inoeresesa kana yezvinhu zvinoera.
23
Asi haabvumidzwe kuenda seri kwejira rokudzikatirisa kana kusvika pedyo neatari nokuti ane pakaremara angan'orese nzvimbo dzangu dzinoera. Ini Tenzi ndini ndinovaita kuti vave vanhu vatsvene.”
24
Ndizvo zvakataurwa naMosesi kuna Aroni navanakomana vake nokuvanhu vose veIsiraeri.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27