bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Leviticus 3
Leviticus 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 4 →
1
Kana munhu achida kupira Tenzi chibayiro chake kuti chive mupiro wokuwadzana, ingave mombe yomukono kana hadzi, asi ngaive isina chinoshoreka.
2
Munhu iyeyo ngaaise ruoko rwake pamusoro wayo, aiurayire kumusuwo wetendhe rokusanganira. Vana vaAroni ngavasase ropa rayo pamativi ose eatari.
3
Pachibayiro chomupiro wokuwadzana unopirwa kuna Tenzi uchiitwa zvokupiswa ngaabvise mafuta ose anoputira zvomukati namafuta ari pazviri,
4
neitsvo mbiri namafuta ari pakatinginika petsvo nedivi rechiropa rakareba nechinyama chepachiropa chaachabvisa pamwechete netsvo.
5
Vanakomana vaAroni ngavapisire zvose izvozvo paatari pamwechete nomupiro wokupisa, pahuni dziri kubvira moto, iwoyu mupiro unoitwa zvokupisa, unonhuhwirira zvinofadza Tenzi.
6
Kana mupiro wake wokuwadzana kuna Tenzi uri wehwai kana mbudzi, hono kana hadzi, ngaive isina chinoshoreka.
7
Kana munhu achida kupira hwai, ngaauye nayo kuna Tenzi,
8
aise ruoko rwake pamusoro pechibayiro chake aiurayire kumusuwo wetendhe rokusanganira. Vanakomana vaAroni ngavasase ropa rayo pamativi ose eatari.
9
Pachibayiro chomupiro wokuwadzana, unopirwa kuna Tenzi uchiita zvokupiswa, ngaapire mafuta acho, neemuswe wacho wose, wakakora, wakachekwa nepaunosangana nomusana, namafuta ose anoputira zvomukati, neari pazviri,
10
neitsvo mbiri, namafuta ari pakatinginika petsvo, nedivi rechiropa rakareba.
11
Mupristi ngaapisire Tenzi nyama idzodzo dzose paatari, somupiro wezvokudya unoitwa zvokupiswa.
12
Kana chibayiro chake kuna Tenzi chiri chembudzi,
13
ngaauye nayo kuna Tenzi aise ruoko rwake pamusoro wayo, aiurayire kumusuwo wetendhe rokusanganira. Vanakomana vaAroni ngavasase ropa rayo pamativi ose eatari.
14
Pachibayiro ichocho, ngaabvise mafuta anoputira zvomukati neari pazviri, apire kuna Tenzi mupiro unoitwa zvokupisa,
15
neitsvo namafuta ari padziri nechinyama chepachiropa.
16
Mupristi ngaapisire nyama idzodzo dzose paatari, achipira Tenzi mupiro wezvokudya unoitwa zvokupiswa unonhuhwirira zvinomufadza. Mafuta ose ndeaTenzi.
17
Uyu murao uchagara uripo pazvizvarwa zvenyu zvose wokuti: kose kwamuchagara musadye mafuta kana ropa.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27