bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Leviticus 27
Leviticus 27
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
1
Tenzi akataurira Mosesi achiti,
2
“Taurira vaIsiraeri kuti, ‘Kana munhu akanyatsotsidza kuna Tenzi zvakaenzana nomutengo womunhu kana achida kuzadzisa zvaakatsidza imi ndimi mungaone kutema muripo ungabviswe.’
3
Matemero amuchaita muripo wacho ndeaya kana ari murume ana makore makumi maviri kusvikira ane makumi matanhatu emakore ngaabvisirwe makumi mashanu emari yesirivha, maererano nemari iri pamwero, yomunzvimbo inoera,
4
kana ari mukadzi makumi matatu emari yesirivha.
5
Mukomana wemakore mashanu kusvikira ave namakore makumi maviri, anobvisirwa makumi maviri emari yesirivha yemashekeri, kana ari musikana gumi remari yesirivha yemashekeri.
6
Pwere yechikomana yegore rimwechete kusvikira ine makore mashanu inobvisirwa mari yesirivha yemashekeri mashanu, kana iri pwere yechisikana mari dzesirivha nhatu.
7
“Kuvanhu vanenge vave namakumi matanhatu emakore kana anopfuura ipapo, murume anobvisirwa gumi remari yesirivha namasirivha mashanu, kana ari mukadzi gumi remari yesirivha.
8
“Kana munhu akaita mhiko ari munhu murombo asingakwanisi kubvisa mari iri pamurao, ngaaende kumupristi nomunhu iyeyo waakapira kuna Tenzi. Mupristi ndiye anofanira kutema muripo achionawo kuti munhu akapira munhu kuna Mwari angabvise muripo wakadii.
9
“Kana mhiko yacho iri yechipfuwo chinobvumirwa kupira kuna Tenzi, chipfuwo chipi nechipi zvacho chinenge chichikodzera chinenge chapirwa kuna Tenzi chava chinhu chinotoera.
10
Munhu akaita mhiko iyoyo haabvumirwi kuunza chimwe chipfuwo chokudzikinura kana kuchitsivanisa nacho kana kutsinhanisa. Hazvinei kuti chakanaka nechakaipa kana chakaipa nechakanaka chokuchitsinhanisa nacho, zvose zviri zviviri zvava zvaTenzi zvavakuera.
11
Asi kana chipfuwo chaakatsidza kupira kuna Mwari chiri chipfuwo chakan'ora, nyakutsidza ngaaende nechipfuwo ichocho kumupristi.
12
Mupristi ngaaone kuti chakaipa here kana kuti chakanaka. Mutengo waanenge atema ndiwoyo.
13
Kana muridzi wacho ada kuchinunura ngaabvise mutengo wacho achiwedzera makumi maviri pazana roga roga rawo.
14
“Kana munhu achiturira imba yake kuna Tenzi, mupristi ngaandoona imba yacho kuti yakanaka here kana kuti kwete ateme mutengo wayo. Mutengo waanenge atema ndiwoyo.
15
Kana nyakumboiturira kuna Mwari oda kudzikinura, ngaabvise mutengo wacho wemari achiwedzera makumi maviri pazana roga roga, igobva yava yake zvakare.
16
“Kana munhu akaturira chidimbu chomunda wake wenhaka kuna Tenzi, mutengo wacho ngautemwe maererano nouwandi hwembeu dzinogona kudyarwamo, ngaabvise gumi remari yesirivha yamashekeri pakoroni inorema makirogiramu makumi maviri.
17
Kana aturira Mwari munda iwoyo gore rehwamanda richangopera, ngaabvise mutengo wawo wose.
18
Asi kana munhu akazoturira Mwari munda wake kwapera makore akati kuti, gore rehwamanda rapfuura, mupristi ngaateme mutengo wawo unokwanirana namakore asara kusvika pagore rehwamanda achibvisa mari yawo yamakore akapfuura.
19
Munhu anenge aturira Mwari munda wake, kana oda kuudzikinura ngaabvise mutengo wawo achiwedzera makumi maviri pazana roga roga ucharamba uri wake.
20
Asi kana asisadi kuudzikinura outengesa asina kutanga aununura kuna Tenzi akazoutengesera mumwe munhu, munhu wakadaro haazobvumirwi kuununurazve.
21
Pagore rehwamanda paunofanira kudzoserwa muridzi wawo, unenge wava munda unoera wakakumikidzwa kuna Tenzi, uchava wavapristi.
22
“Kana munhu akaturira Tenzi munda waakatenga, usiri wake wenhaka,
23
mupristi ngaateme mutengo wawo unoenderana namakore asara kusvika kugore rehwamanda. Ngaabvise mari iyoyo pazuva rakarero, sechinhu chinoera chakatsaurirwa Tenzi.
24
Pagore rehwamanda munda iwoyo ngaudzoserwe kumunhu uya kwawakatengwa, kumuridzi wawo wenhaka.
25
“Mutengo upi noupi zvawo ngautemwe maererano nemari yesirivha yemashekeri iri pamurao yomunzvimbo inoera. Magera makumi maviri anoita shekeri rimwechete.
26
“Pamusana pokuti chipfuwo choga choga chinotanga kuberekwa ndechaTenzi, hakuna munhu anofanira kupira dangwe rechipfuwo, chingave mombe kana hwai nokuti ndechaTenzi nakare.
27
Asi dangwe rechipfuwo chakan'ora rinofanira kudzikinurwa. Ngaaridzikinure nomutengo waunenge watema. Ngaaubvise achiwedzera mukumi maviri pazana roga roga rawo. Kana dangwe iroro rechipfuwo risina kudzikinurwa, ngaritengeswe nomutengo waunenge watema.
28
“Hakuna munhu angatengese kana angadzikinure chinhu chanyatsotsidzwa kupiwa kuna Tenzi pazvinhu zvose zvaanazvo angave munhu, kana chipfuwo kana munda wenhaka. Chinhu ichocho ndechaTenzi, chinhu chinenge chanyatsotsidzirwa Tenzi chinhu chinoera kwazvo.
29
Kana zvatemwa chaizvo kuti munhu apirwa kuna Tenzi haanunurwe anofanira kutourayiwa.
30
“Chegumi chembesa kana chemichero yamunorima chinoera chakatsaurirwa Tenzi.
31
Kana munhu akada kununura chegumi chake, ngaabvise mutengo wacho achiwedzera makumi maviri pazana roga roga.
32
Chegumi chose zvacho chemombe nechezvimwe zvipfuwo zvichireva kuti kana muchiverenga zvipfuwo, chipfuwo chipi nechipi chechigumi chinoera, chakatsaurirwa Tenzi.
33
Muridzi wacho ngaarege kutinha zvipfuwo zvake achizvironga nomutoo wokuti zvipfuwo zvisina maturo zvisarudzirwe Tenzi. Ngaaregewo kuzvitsinhanisa nezvimwe zvipfuwo. Kana akatsinhanisa chipfuwo ichocho nechimwe chipfuwo zvose zviri zviviri nechatsinhaniswa nacho zvatova zvinoera. Hazvifaniri kana kumbodzikinurwa.”
34
Iyi ndomirao yakatemerwa vaIsiraeri naTenzi, ikapiwa Mosesi pagomo reSinai.
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27