bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Leviticus 6
Leviticus 6
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 7 →
1
Tenzi akataurira Mosesi achiti,
2
“Ngatiti munhu atadzira Tenzi, akatadza kuve munhu anovimbika kwaari nokunyengedza kwaanoita mumwe wake panyaya dzokubatiswa zvinhu, kana dzokuchengeteswa zvinhu, kana dzokupamba zvinhu, kana dzokuwana zvinhu kune mumwe wako nomutoo usina kunaka,
3
kana kuti owana chinhu chomumwe chakarashika, onyepa achipika zvenhema zvake nezvacho, kana sezvinongoitwa navanhu mune zvimwe zvizhinji zvavanoita vachizotadza,
4
kana munhu akanganisa achipara mhosva mukudaro, ngaadzosere zvaakapamba, kana zvaawana nechisimba, kana zvaakanga abatiswa achichengeteswa, kana chakanga charasika chaakanhonga,
5
kunyange chiya chaakatopika nezvacho zvenhema. Ngaachidzosere chakanyatsokwana, anofanira kuwedzera chikamu cheshanu pachiri achipe kumuridzi wacho musi wokupira chibayiro chake chokupfupira zvitadzo.
6
Anofanira kuuya kumupristi nomupiro wake wokuripa mhosva kuna Tenzi wehondohwe yomudanga make, isina chinoshoreka uteme mutengo wayo womupiro wenhendamurandu.
7
Mupristi anofanira kumupirira mupiro wokupfupira zvitadzo pana Tenzi aregererwe.” Munhu iyeyo anoregererwa chaakakanganisa panyaya dzezvinhu zvingakanganiswe navanhu vachipara mhosva.
8
Tenzi akati kuna Mosesi,
9
“Udza Aroni navanakomana vake kuti, ‘Mutemo womupiro wokupisa ndouyu: Mupiro wokupisa unofanira kurara uri pamoto, paatari, usiku hwose kusvikira mangwanani. Moto wepaatari unofanira kugara uchipfuta nguva dzose.’
10
Mupristi anofanira kuzopfeka gemenzi rake rerineni, apfekewo bhurukwa rake romukati rerineni, ahworere dota remoto womupiro wokupisa rinenge riri paatari, ariise munyasi meatari.
11
Anozofanira kuzobvisa hanzu dzake idzodzo, apfeke dzimwe, atakure dota riya aende naro kunze kwaatendhe kunzvimbo yakachena.
12
Moto wapaatari ngaugare uchipfuta nguva dzose, musaurege uchidzima. Mupristi ngaaise huni pamoto iwoyo mangwanani oga oga, aronge nyama yomupiro wokupisa pauri, apisirepo mafuta emupiro wokuwadzana.
13
Moto wapaatari ngaurambe uchipfuta, haufanire kudzima.
14
“Mutemo womupiro wembesanwa ndouyu: vanakomana vemhuri yekwaAroni vanofanira kupira mupiro wembesanwa pana Tenzi pamberi peatari.
15
Mumwe wavo anofanira kunokora chanza chizere choupfu hwekoroni, hwakatsetseka, hwemupiro wembesanwa hwechirango, namafuta ahwo, norusenzi rwose rwuri pamupiro wembesanwa, apise paatari, kunhuhwirira kwawo kunofadza Tenzi.
16
Aroni navanakomana vemhuri yake ndovachadya zvinenge zvasara zvinofanira kudyiwa panzvimbo inoera zvisina mbiriso. Ngavadyire muruvanze rwetendhe rokusanganira.
17
Ngazvirege kubikwa nembiriso. Ndazvipa kwaari somugove wavo kubva pamipiro yangu inoitwa zvokupiswa nomoto, chinhu chinoera kwazvo sezvakaita mupiro wokupfupira zvitadzo, nomupiro wokuripa mhosva.
18
Varume vose vemhuri yekwaAroni ndovanobvumirwa kuzvidya, somurao unogara uripo pazvizvarwa zvenyu zvose chichibva pamipiro yaTenzi inoita zvokupiswa. Ani naani anenge azvibata anobva ava munhu anoera.”
19
Tenzi akati kuna Mosesi,
20
“Mupiro uchapirwa kuna Tenzi naAroni navanakomana vemhuri yake pazuva raanogadzwa ndouyu: ngaapire marita maviri eupfu hwekoroni, hwakatsetseka semupiro wembesanwa wezuva nezuva, ahukamure nepakati, apire humwe mangwanani humwe manheru.
21
Chingwa ichocho ngachive choupfu hwakakanyiwa pamwechete namafuta, chakabikwa mupani. Ngaachimedure-medure chisasikirwe Tenzi somupiro wembesanwa, unonhuhwirira zvinomufadza.
22
Mupristi pakati pavana vaAroni anenge azodzwa kuva mupristi kutsiva Aroni, ngaaupire kuna Tenzi sechinhu chakatemwa nokusingaperi, mupiro wose iwoyo ngaupiswe.
23
Mupiro wembesanwa iwoyo womupristi ngaupiswe wose, haufaniri kudyiwa.”
24
Tenzi akataurira Mosesi achiti,
25
“Udza Aroni navanakomana vake kuti, ‘Mutemo womupiro wokupfupira zvitadzo ndouyu: chibayiro chemupiro wokupfupira zvitadzo ngachiurayirwe panourayirwa zvibayiro zvokupisa pamberi paTenzi.’ Mupiro iwoyo unoera kwazvo.
26
Mupristi anenge apira chibayiro ichochi chokupfupira zvitadzo ngaachidye panzvimbo inoera, muruvanze rwetendhe rokusanganira.
27
Chii zvacho chinenge chagunzvana nenyama yechibayiro ichocho chichava chinoera. Kana ropa rechibayiro ichocho rikadonhera pahanzu ngaisukirwe panoera.
28
Hari yevhu inenge yabikirwa nyama iyoyo ngaiputswe. Asi kana yabikirwa mupoto yondarira kweshai poto iyoyo muisukurudze nemvura.
29
Vanhurume vose vemhuri dzavapristi vanobvumirwa kuidya, mupiro iwoyo unoera kwazvo.
30
Hapana chibayiro chemupiro wokupfupira zvitadzo chinofanira kudyiwa kana ropa racho rambounzwa mutendhe rokusanganira kuzopfupira zvitadzo. Chibayiro ichocho chose zvacho ngachipiswe.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
Recommended Reading
Commentary
Leviticus Commentaries
→
Devotional
Leviticus Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→