bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Leviticus 26
Leviticus 26
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 27 →
1
“Regai kuzvigadzirira zvifananidzo zvokunamata kana kumisa zvifananidzo zvokuveza, kana matombo okuyeuka nawo vamwe vamwari. Regai kumisa matombo munyika yenyu muchianamata nokuti ini Tenzi ndini Mwari wenyu.
2
Chengetai maSabata angu, muchiremekedza nzvimbo yangu inoera. Ndini Tenzi ndinodaro.
3
“Kana mukatevedza mitemo yangu mukateerera mirao yangu nokuichengeta,
4
ndichakunayisirai mvura nenguva yayo, nyika ichabereka zvibereko zvayo. Miti yemichero yomuminda yenyu ichabereka michero yayo.
5
Mbesa dzenyu dzichawanda zvokuti nguva yokutanha michero yamagirepisi ichasvika musati mapedza kupura mbesa. Munodzamara musvike pakudyara mbesa dzenyu musati mapedza kutanha magirepisi. Muchadya zvokudya zvenyu muchiguta mugere munyika yenyu makagarikana.
6
“Ndichakupai rugare munyika yenyu, muchanyatsovata musingavhundutswi nomunhu. Ndichabvisa zvikara munyika yenyu, hamuzovizve nehondo munyika imomo.
7
Muchadzingirira vavengi venyu, muchivarizha nebakatwa.
8
Vashanu venyu, vachadzingirira zana ravanhu. Zana ravanhu venyu, richadzingirira zviuru gumi zvavanhu. Vavengi venyu vachapera kuurayiwa nehondo yenyu.
9
Ndichakucheukai, ndikupei chikomborero chokuti muberekane muwande. Ndichachengeta chitendherano changu nemi.
10
Mbesanwa dzenyu dzichasaruka nokusarukazve mumatura enyu, muchidya, zvokutozodzirasa moisa dzimwe itsva.
11
Ndichaita musha wangu pakati penyu, Handizombofi ndakakufuratirai.
12
Ndichaenda nemi, ndichava Mwari wenyu imi muri vanhu vangu.
13
Ini Tenzi ndini Mwari wenyu akakuburitsai munyika yeIjipiti kuti murege kuva varanda vavo. Ndakatyora zvikei zvejoko rouranda hwenyu ndikaita kuti mufambe makasununguka.
14
“Kana mukarega kunditeerera, mukarega kuchengeta mitemo iyoyo,
15
kana mukaramba mirao yangu, imi nemwoyo yenyu mofuratira zvirevo zvangu, morega kuchengeta mitemo yangu, mochityora zvenyu chitenderano changu nemi,
16
zvandichaita kwamuri ndezvizvi: ndichakutsvatai nenhamo dzinodederesa, muchaperezeka muchipisa muviri nechirwere chinokupofomadzai muchizoondoroka zvokufa. Muchadyarira mbeu dzenyu pasina, nokuti vavengi venyu ndovachadzidya.
17
Ndichaonana nemi, vavengi venyu vachakurakashai; vanokuvengai ndivo vachakutongai muchatiza pasina anokutandanisai.
18
“Ngatiti maoneswa nhamo idzodzo, asi imi moramba musinganditeereri ini ndichakurangirai zvitadzo zvenyu kakapetwa kanomwe.
19
Chinokuinzvai chacho ndichachityora-tyora. Ndicharambidza denga kunaya, richaita serakadzivirirwa nesimbi, ivhu raunotsika richaomarara somundarira.
20
Simba renyu richaperera pasina nokuti hapana chamuchazokohwa muminda yenyu, miti yemichero yomunyika yenyu haina kana muchero wainozokupai.
21
“Kana mukaramba muchipikisana neni, muchirega kunditeerera, ndichakupinzai mune dzimwe njodzi, ndichikurangirai zvitadzo zvenyu kakapetwa kanomwe.
22
Ndichatupfunura zvikara zvesango zvigoonana nemi, zvichakuurayirai vana venyu, zvichaparadzawo zvipfuwo zvenyu. Zvichakusiyai mava vashomanana, nzira dzenyu dzisisina anofamba.
23
“Kana kuranga ikoku kukatadza kukudzorerai kwandiri asi motoramba zvenyu muchipikisana neni,
24
ini pachangu ndichapikisanawo nemi ndichikurangirai zvitadzo zvenyu kakapetwa kanomwe.
25
Ndichakuunzirai hondo ichakurangirai kutadza kuchengeta chitenderano. Kana mukaunganidzana mumaguta enyu, ndichaunza denda pakati penyu, ndichakuisai mumaoko avavengi venyu vachakutongai.
26
Ndichashomekesa chokudya chenyu zvokuti madzimai gumi achatokwanisa kubikira chingwa chavo muhovhoni imwechete. Pachaerwa mwero wokupa munhu woga woga, muchadya zvenyu asi mucharara muine nzara.
27
“Kana izvozvi zvikatadza kuita kuti munditeerere, muchiramba muchingopikisana neni,
28
ini pachangu ndichapikisana nemi ndakashatirwa. Iyeni pachangu ndichakurangirai zvitadzo zvenyu kakapetwa kanomwe.
29
Muchadya vana venyu vakomana navasikana.
30
Ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakatunhumara dzokuteurira. Ndichapaza atari dzenyu dzokupisira rusenzi uye zvitunha zvenyu ndichazviti katakata pamusoro pezvifananidzo zvenyu izvozvo zvakafa zvokunamata. Ini pachangu ndichakusemai.
31
Maguta enyu ndichaaita kuti ave matongo, nzvimbo dzenyu dzinoera dzichisara dzisisina chinhu. Handizombofadzwa nomunhuhwi wemipiro yenyu.
32
Ndichasiya nyika yenyu yangova nyika, zvichakatyamadza vavengi venyu vageremo.
33
Ndichakumwararidzai mukati mendudzi dzavanhu, ndichakutumirai hondo yebakatwa ikoko. Nyika yenyu ichasara yangova nyika, maguta enyu achisara angova matongo.
34
Nyika yenyu ichafarawo kuwana zororo remaSabata, mazuva ose aichange isina vanhu. Imi muri kunyika yavavengi venyu, nyika ndopaichawanawo zororo ichifanirawo kuva namaSabata ayo.
35
Zororo raisina kuwana pamaSabata enyu muchigeremo, ichazoriwana pamazuva ose aichange yasara isina munhu.
36
“Chitsama chavanhu vanenge vasara ikoko kunyika dzevavengi venyu ndichachipa mwoyo woumbwende zvokuti kunyange mhepo ikapeperetsa shizha rikati shwakata vachati pfocho kutiza. Vachamhanya savanhu vari kutiza hondo yebakatwa. Vachaputsika pasina munhu ari kuvadzingirira.
37
Vachatsitsirirana kwazvo iko kusina ari kuvadzingirira. Hakuna mhandu yenyu yamuchagona kumirisana nayo.
38
Muchatsakatikira mukati medzimwe ndudzi. Nyika yavavengi venyu ichakupedzai.
39
Chitsama chenyu chinenge chasara sezvakangoita madzibaba avo, vacharamba vachipera vari munyika yavavengi venyu pamusana pouipi hwavo uyewo nouipi hwamadzibaba avo.
40
Asi kana vakarewurura zvakaipa zvavo nezvamadzibaba avo zvavakanditadzira nazvo vakandipandukira
41
zvokuti ini ndakazovapandukirawo, ndikavaendesa kunyika yevavengi vavo, kana vakapindura mwoyo yavo youmhandupandu, vakagamuchira chirango,
42
ndicharangarira chitenderano changu chandakaita naJakobho nechitenderano chandakaita naIsaki nechitenderano chandakaita naAbhurahamu, ndigorangarira nyika yavo.
43
Asi nyika yavo, vachaisiya ichimbofarirao maSabata ayo okuzorora paichasara isina munhu, vachimbondoripira zvakaipa zvavo nokuti mirao yangu vakaiona sechinhu chisina maturo, mwoyo yavo ikasema mitemo yangu.
44
Kunyange zvakadaro zvazvo, kana vava kunyika yevavengi vavo ini handizochekani ukama navo, kana kuvavenga zvokuvatsakatisa, ndichityora chitenderano changu navo nokuti ini Tenzi ndini Mwari wavo.
45
Ndipo pandichazoyeuka chitenderano changu chandakaita namadzitateguru avo andakaburitsa munyika yeIjipiti ndudzi dzose dzichiona, kuti ndive Mwari wavo, ndini Tenzi ndinodaro.”
46
Izvi ndozvirevo nemirao nemitemo yakaitwa naTenzi pakati pake navaIsiraeri ikapiwa nokuna Mosesi pagomo reSinai.
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 27 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27