bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Leviticus 24
Leviticus 24
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 25 →
1
Tenzi akataurira Mosesi achiti,
2
“Udza vaIsiraeri kuti, vakuigire mafuta akanakisisa, emaorivhi akadzvurwa, okuisa mumarambi, kuitira kuti mwenje ugare uchipfuta,
3
nechedivi rokunze kwejira rokudzikatirisa bhokisi rechitenderano, mutendhe rokusanganira. Manheru oga oga, Aroni ngaatungidze marambi iwayo ave pana Tenzi achipfuta kusvikira mangwana mangwanani. Iwoyu murao uchange uripo narini wose pazvizvarwa zvenyu zvose.
4
Nguva dzose ngaachengetedze marambi iwayo, epachigadzikiro chemwenje chendarama chaiyo chiya achivheneka pana Tenzi.
5
“Unofanira kutora upfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa ubike zvingwa gumi nezviviri, chingwa choga choga chibikwe noupfu hunorema makirogiramu maviri.
6
“Rongai zvingwa izvozvo patafura yakaputirwa nendarama chaiyo. Ngazvirongwe mumitsara miviri, mumwe uve nezvitanhatu.
7
Pamitsara iyoyo ngapave norusenzi rwakanakisisa runozova mupiro wechirango wezvokudya unoita zvokupiswa nomoto uchipirwa kuna Tenzi.
8
Pamusi weSabata woga woga, Aroni ngaarongere vaIsiraeri chingwa ichocho pana Tenzi. Ichochi, chitendherano chichagara chiripo narini wose.
9
Chingwa ichocho ndechaAroni navanakomana vemhuri yekwake. Kana vochidya ngavachidyire panzvimbo inoera nokuti ndomugove wake unoera kwazvo unotorwa pamipiro yaTenzi inoita zvokupiswa nomoto. Iwoyu murao uchagara uripo.”
10
Mumwe murume aiva naamai vechiIsiraeri, baba wake ari wechiIjipiti, akaenda mukati mavaIsiraeri akamutsana pamatendhe nomumwe murume aiva nababa naamai vechiIsiraeri.
11
Murume uya aingova naamai vechiIsiraeri, amai vake vainzi Sheromiti vaiva mwanasikana waDhibhiri vedzinza rokwaDhani akashonha Mwari nezita achinyomba. Vakaenda naye kuna Mosesi.
12
Vakamubata vakamuchengeta vachida kuti Tenzi avaudze zvokuita naye.
13
Tenzi ndokuti kuna Mosesi,
14
“Buritsai akanyomba Mwari uya kunze kwematendhe. Vanhu vose vakamunzwa achishonha Mwari ngavaise maoko avo pamusoro womurume iyeyo, gungano rose ravaIsiraeri ngarimutake namabwe afe.
15
Iwe ibva waudza vaIsiraeri kuti ani naani anonyomba Mwari anozviparira.
16
Munhu anoshonha Tenzi nezita anofanira kuuraiwa. Gungano rose ngarimutake nemabwe, chingave zvacho chizvarwa chomuIsiraeri kana kuti mutorwa ngaaurayiwe.
17
“Ani naani anouraya munhu ngaaurayiwewo.
18
Ani naani anouraya chipfuwo chomumwe ngaachiripe. Upenyu hunoripwa noupenyu.
19
“Kana munhu akakuvadza mumwe ngaakuvadzwewo sokukuvadza kwaakaita mumwe.
20
Kana akatyora bvupa romumwe, bvupa rake ngarityorwewo, ziso rinoripwa neziso, zino rinoripwa nezino. Munhu sokukuvadza kwaanenge aita mumwe ndiko kuvadzwa kwaanofanira kuitwa
21
Ani naani anouraya chipfuwo chomumwe ngaachiripe. Asi ani naani anouraya munhu ngaaurayiwewo.
22
Mutemo mumwechete iwoyu ndiwo unosunga zvimwechetezvo muIsiraeri nomutorwa nokuti ini Tenzi ndini Mwari wenyu.”
23
Saka Mosesi akataurira vaIsiraeri izvozvo. Vakatora murume uya akashonha Mwari vakaenda naye kunze kwematendhe vakamutaka namabwe ndokubva afa. Saka vaIsiraeri vakaita zvakataurirwa Mosesi naTenzi.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27