bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Leviticus 23
Leviticus 23
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 24 →
1
Tenzi akati kuna Mosesi,
2
“Taurira vaIsiraeri kuti, ‘Mazuva makuru aTenzi andakasarudza amunofanira kuti ave mazuva emusangano mutsvene ezvokunamata ndeaya.
3
Basa ngariitwe mumazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe iSabata, zuva guru rokuzorora romusangano mutsvene wezvokunamata musaite basa pazuva iroro iSabata naTenzi kwose kwose kwamunenge mugere.
4
Aya ndiwo mazuva makuru akasarudzwa naTenzi nemisangano mitsvene yezvokunamata amunofanira kuudza vanhu kana nguva yawo yasvika.’
5
“Zuva rechigumi nemana romwedzi wokutanga zuva rodoka, ndiro zuva rePasika yaTenzi.
6
Zuva rechigumi nemashanu remwedzi wakarewo izuva guru raTenzi reChingwa chisina mbiriso. Munofanira kudya chingwa chisina mbiriso kwamazuva manomwe.
7
Pazuva rechiposhi munofanira kuita musangano mutsvene wezvokunamata, musaite basa rinorema.
8
Asi kwamazuva manomwe pirai Tenzi mupiro unoita zvokupiswa nomoto. Pazuva rechinomwe itai musangano mutsvene wezvokunamata, murege kuita basa rinorema.
9
Tenzi akati kuna Mosesi,
10
Taurira vaIsiraeri kuti, ‘Kana masvika kunyika yandiri kukupai mukakohwa mbesa dzayo torai chisumbu chembesa dzamunotanga kukohwa mupe mupristi.’
11
Ngaapire chisumbu ichocho aite mupiro unovheyeswa uchipirwa kuna Tenzi kuti akugamuchirei. Pazuva rinotevera Sabata, mupristi ndipo paanosimudza achiupira kuna Tenzi.
12
Pazuva ramunoita mupiro unosimudzirwa uchipirwa Mwari, munofanira kupira Tenzi hwayana hono, ine gore rimwechete, isina chinoshoreka yomupiro wokupisa.
13
Toraiwo makirogiramu maviri eupfu muhukanye namafuta eorivhi mupire kuna Tenzi mupiro unoita zvokupiswa nomoto, unonhuhwirira zvinofadza, pamwechete nawo pirai mupiro wezvokunwa wewaini inokwana rita rimwechete.
14
Musambodya zvenyu chingwa kana mbesanwa dzakakangwa kana kudya zvomumunda zvinyoro, kusvikira pazuva rakarero kusvikira matounza mupiro waTenzi iwoyu. Murao iwoyu uchagara uripo pazvizvarwa zvenyu zvose kwose kwose kwamunenge mugere narini wose.
15
“Kubvira pazuva rinotevera Sabata rechinomwe pamunounza chisumbu chembesanwa chinosimudzirwa chichipirwa verengai mavhiki manomwe azere.
16
Kana kwapera maSabata manomwe, zuva ramangwana racho rinobva rakwanisa mazuva makumi mashanu ipapo pirai Tenzi mumwe mupiro wembesanwa itsva.
17
Muchaunza kubva kudzimba dzenyu zvingwa zviviri zvinosimudzirwa zvichipirwa kuna Mwari. Chingwa choga choga ngachibikwe noupfu hunorema makirogiramu maviri, huri hwekoroni hwakanyatsokuyiwa, chibikwe chiine mbiriso sembesa dzokutanga kuibva dzinopirwa Tenzi.
18
Pamwechete nechingwa ichocho munofanira kupira hwayana nomwe dzine gore rimwechete dzisina chinoshoreka padziri, nehandira imwechete nembudzi mbiri. Ngazvive zvomupiro wokupisa pamwechete nemupiro wazvo wembesanwa nemupiro yazvo yezvokunwa. Iwoyu mupiro unoita zvokupiswa nomoto unonhuhwirira zvinofadza Tenzi.
19
Munofanira kupira mbudzi hono imwechete, yomupiro wokupfupira zvitadzo nehwayana mbiri, hono, dzine gore rimwechete sechibayiro chomupiro wekuwadzana.
20
Mupristi ngaazvisimudze achizvipira nechingwa chiya chembesanwa dzinotanga kukohwiwa somupiro unosimudzwa uchipirwa kuna Tenzi nehwayana mbiri. Zvinhu izvozvi zvinenge zvapirwa kuna Tenzi, zvinoera, zvinozopihwa vapristi.
21
Pazuva rakarero daidzirai musangano mutsvene wezvokunamata. Musaite basa rinorema. Iwoyu, mutemo uchagara uripo, narini wose, kwose kwamunenge mugere, pazvizvarwa zvenyu zvose.
22
“Kana mokohwa minda yenyu regai kukohwa kumuchetocheto kana kufuhwa mbesanwa dzinosaririra muminda yenyu. Ngazvisiyirwe varombo navatorwa. Ndini Tenzi Mwari wenyu ndinodaro.”
23
Tenzi akataurira Mosesi achiti,
24
“Udza vaIsiraeri kuti ‘Zuva rokutanga romwedzi wechinomwe, izuva guru rokuzorora, zuva romusangano mutsvene wezvokunamata, rinopembererwa nokuridza mupururu.
25
Musamboita zvenyu basa rinorema, munofanira kupira mupiro unoita zvokupiswa nomoto kuna Tenzi.’ ”
26
Tenzi akataurira Mosesi achiti,
27
“Zuva rechigumi remwedzi iwoyu wechinomwe, izuva rokuripira zvitadzo nokuwadzana naTenzi. Kwamuri inguva yamunofanira kuita musangano mutsvene wezvokunamata. Munofanira kuzvinyima mupire Tenzi mupiro wokupisa nomoto.
28
Musamboita zvenyu basa pazuva iroro nokuti izuva rokuripira zvitadzo nokuwadzana naTenzi, Mwari wenyu.
29
Ani naani anorega kuzvinyima pazuva iroro achachekwa ukama novokwake.
30
Ani naani anotoita zvake basa pazuva iroro munhu iyeyo ndichamuparadza pakati pevokwake.
31
Musamboita zvenyu basa. Murao iwoyu uchagara uripo narini wose pazvizvarwa zvenyu zvose, kwose kwamunenge mugere.
32
Kwamuri, zuva iri, iSabata guru rokuzorora. Munofanira kuzvinyima kubvira manheru ezuva rechipfumbamwe romwedzi iwoyo. Chengetai Sabata kubvira manheru iwayo kusvikira mangwana manheru.”
33
Tenzi akati kuna Mosesi,
34
“Taurira vaIsiraeri kuti, ‘Kubvira pazuva rechigumi namashanu romwedzi wechinomwe chengetai mazuva makuru amatumba okupemberera Tenzi.’
35
Zuva rokutanga racho izuva romusangano mutsvene wezvokunamata, hamufaniri kuita basa rinorema.
36
Kwamazuva manomwe iwayo pirai Tenzi mipiro wokupisa nomoto. Pazuva rorusere ngapaitwe musangano mukuru mutsvene wezvokunamata, mupire kuna Tenzi mupiro wokupisa, musangano mukuru, musaite basa rinorema.
37
Iwaya ndomazuva makuru akasarudzwa naTenzi amunofanira kuita misangano mitsvene yezvokunamata, amunopira Tenzi mipiro yokupisa nomoto, nemipiro yokupisa nemipiro wembesanwa nezvibayiro nemipiro yezvokunwa, zuva nezuva riine mipiro yaro
38
tisingaverengeri maSabata aTenzi, kana zvipo zvenyu, kana mupiro yezvakambotsidzwa kana mipiro yokupa nechido chenyu, yamunopira kuna Tenzi.
39
“Kubvira pazuva rechigumi nemashanu romwedzi wechinomwe, pamunenge mapedza kukohwa minda yenyu, chengetai mazuva makuru iwayo okupemberera Tenzi, kwamazuva manomwe, Zuva rokutanga ngarive zuva guru rokuzorora.
40
Zuva rorusere ngarive zuva guru rokuzorora rokutanga, tanhai michero yakanaka yemiti yenyu yamakasima. Toraiwo mapazi omurara neemimwe miti ine mashizha mazhinji, neemushambangwena yomurwizi, mufare muchipemberera pamberi paTenzi Mwari wenyu kwamazuva manomwe.
41
Chengetai mazuva makuru iwaya okupemberera Tenzi kwamazuva manomwe pagore. Iwoyu, murao uchagara uripo narini wose, pazvizvarwa zvenyu zvose. Uchengetei mumwedzi wechinomwe.
42
Garai mumatumba kwamazuva manomwe. Munhu wose, muIsiraeri, ngaagare mumatumba,
43
kuitira kuti zvizvarwa zvenyu zvizive kuti ini ndakagarisa vaIsiraeri mumatumba, pandakavaburitsa munyika yeIjipiti. Ndini Tenzi, Mwari wenyu ndinodaro.”
44
Saizvozvo Mosesi akaudza vaIsiraeri mazuva makuru akasarudzwa okupemberera Tenzi.
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27