bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Leviticus 19
Leviticus 19
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 20 →
1
Tenzi akati kuna Mosesi,
2
“Udza vaIsiraeri kuti, ‘Ivai vatsvene nokuti ini Tenzi, Mwari wenyu ndiri mutsvene.
3
Mumwe nomumwe wenyu ngaaremekedze amai vake nababa vake, achengete maSabata angu. Ini Tenzi ndini Mwari wenyu.’
4
“Musapindukire kuzvifananidzo. Musagadzire vamwari vokuumba noutare. Ini Tenzi ndini Mwari wenyu.
5
“Kana mopira chibayiro chemipiro yokuwadzana kuna Tenzi chipirei nomutoo unoita kuti chive chinogamuchirwa.
6
Ngachidyiwe musi wakarewo wachinenge chapirwa, kana mangwana acho. Zvose zvinenge zvasara zvichiripo kusvikira pazuva retatu ngazvipiswe nomoto.
7
Kana chikazodyiwa pazuva retatu kunenge kwava kuita chinhu chakaipa kwazvo, hachizogamuchirwa.
8
Ani naani anochidya imhosva yake nokuti anenge an'oresa chinhu chaTenzi chinoera, munhu iyeyo ngaachekwe ukama nevokwake.
9
“Kana mokohwa minda yenyu regai kukohwa kusvikira kumichetocheto, kana kufuhwa muchitora mbesanwa dzinosaririra muminda yenyu pakukohwa.
10
Musabva mafuhwiridza munda wamagirepisi kana kubva manhongerera magirepesi anenge adonhera pasi. Ngazvisiyirwe varombo navatorwa. Ini Tenzi Mwari wenyu ndini ndinodaro.
11
“Musabe kana kunyengedzana kana kureva nhema.
12
Musapike nhema nezita rangu muchiipisa zita raMwari wenyu, ndini Tenzi ndinodaro.
13
“Musabate mumwe wenyu zvakaipa kana kupamba zvinhu zvake. Regai kurara muine mubayiro womushandi usiku hwose kusvikira mangwanani.
14
Musati kune matsi dai ukawana chinokuwana. Usaisire bofu chinhu chokuripingirisha, unofanira kutya Mwari wako, ndini Tenzi ndinodaro.
15
“Pakutonga mhosva tonga usingatsaudzire, usinganyari murombo kana kuremekedza mupfumi, asi unofanira kutonga mhosva nomazvo.
16
Usafambe-fambe uchiita makuhwa pakati pevekwako. Usapupurire mumwe zvenhema kuti aurayiwe, ndini Tenzi ndinodaro.
17
Usaite daka uchivenga hama yako mumwoyo mako, asi gara pasi unyatsotaurirana naye urege kuita chitadzo pamusana pake.
18
Usatsive kana kuita daka uchivenga vamwe vako. Asi ida mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako, ndini Tenzi ndinodaro.
19
“Chengetai mirao yangu. Zvipfuwo zvenyu ngazvirege kuberekeswa nerumwe rudzi rwezvipfuwo. Musadyare mhando mbiri dzembeu mumunda mumwechete. Musapfeke chipfeko chakagadzirwa pachisanganisirwa machira emhando mbiri.
20
“Kana murume akaita chakaipa nomuranda wechikadzi iye achangobva mukuroorwa nomumwe murume, asi asati abvisirwa mari yokumutenga kana kumusunungura muuranda, ngavapiwe chirango, asi ngaarege kuurayiwa nokuti mukadzi iyeyo anga achiri muranda.
21
Murume iyeyo ngaaunze hondohwe yomupiro wake wokuripa mhosva yake kuna Tenzi kumusuo wetendhe rokusanganira, hondohwe yokubvuma mhosva.
22
Nehondohwe iyoyo yomupiro wokuripa mhosva mupristi ngaaripire kuna Tenzi chitadzo chomunhu iyeyo chaakaita. Chitadzo chaakaita chinobva charegererwa.
23
“Kana mazosvika kunyika iyoyo mukasima miti yemichero inodyiwa michero iyoyo ichava inorambidzwa kwamuri, hamubvumirwe kuidya kwemakore matatu, ngairege kudyiwa.
24
Michero yose yainobereka mugore rechina inenge yava michero inoera inenge yava yomupiro wokurumbidza nawo Tenzi.
25
Asi mugore rechishanu mungadye zvenyu michero yayo. Izvozvi zvose zvinoitirwa kuti michero yenyu iwe. Ndini Tenzi Mwari wenyu ndinodaro.
26
“Musadye nyama isina kusinzwa. Musaite un'anga hwokududzira mashura kana kubvunza anosvikirwa.
27
Musachekerere vhudzi renyu reparushaya kana kugera mativi endebvu dzenyu.
28
Kana mafirwa, musazvichekechekere kana kuzvitaratadzira miviri yenyu izvozvo. Ndini Tenzi ndinodaro.
29
“Usabvisise mwana wako musikana chimiro uchimuita kuti ave pfambi, nyika ingadaro ikapindwa nomweya woufeve, ikazara kuti kabu nouipi.
30
Chengetai maSabata angu, muremekedze nzvimbo yangu inoera. Ndini Tenzi ndinodaro.
31
“Musaende kundobvunza vanosvikirwa kana kundoshopera. Musavatsvake kuti murege kun'oreswa navo. Ndini Tenzi, Mwari wenyu ndinodaro.
32
“Unofanira kuremekedza vachena musoro, ukudze harahwa nechembere, uchitya Mwari wako, ndini Tenzi ndinodaro.
33
Musabata zvakaipa mutorwa agere munyika yenyu.
34
Zvaunoita kune chizvarwa chomunyika yenyu ndozvamunofanira kuita kune mutorwa. Unofanira kumuda sokuda kwaunozviita iwe pachako nokuti imiwo maiva vatorwa munyika yeIjipiti. Ndini Tenzi, Mwari wenyu ndinodaro.
35
“Musambotsaudzira zvenyu pakutonga kana pakuera ukuru hwechinhu, kana kurema kwacho, kana uwandi hwezvinhu.
36
Munofanira kuva nezvokueresa zviri pamwero, zvingave zvokueresa kurema kwechinhu, kana bhagidhi rokueresa musvo, kana zvokuera zvinhu zvakaita mvura mvura. Ndini Tenzi, Mwari wenyu ndakakuburitsai kunyika yeIjipiti ndinodaro.
37
Munofanira kuchengeta mirao yangu yose nezvirevo zvangu zvose muzviite. Ndini Tenzi ndinodaro.”
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27