bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Leviticus 13
Leviticus 13
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 14 →
1
Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti,
2
“Kana paganda romunhu paine pakazvimba kana kuti paine pakatushuka kana kuti paine vara zvigozobvapo zvoita zvisasa pamuviri wake, ngaaunzwe kune mupristi wemhuri yekwaAroni.
3
Mupristi ngaaongorore pakazvimba ipapo. Kana aona mvere dzakachenuruka chirwere chacho chakadzika kupfuura ganda rake, chirwere chamapere. Kana mupristi apedza kuongorora ganda romunhu iyeyo, ngaachimuti ava munhu akan'ora.
4
Asi kana pakazvimba ipapo pakangochenuruka, pachingova muganda rake chete pasina kupinda munyama, uyewo mvere dzapo dzisina kuchenuruka, mupristi ngaise munhu iyeyo ane chirwere pake oga kwemazuva manomwe.
5
Pazuva rechinomwe mupristi ngaamuongororezve, mumaonero ake kana akaona kuti chirwere chiya chichiripo hachinawo kupararira neganda rake, mupristi ngaaise murwere iyeyo pake oga kwemamwe mazuva manomwe.
6
Pazuva rechinomwe mupristi ngaamuongorore zvakare. Kana paiva nechirwere pacho pasviba-sviba, chirwere chisina kupararira neganda, mupristi ngaachimuti wachenurwa, kwanga kuri kuzvimbawo zvako. Munhu iyeyo ngaasuke hanzu dzake ave munhu akachenurwa.
7
Asi kana matuzu acho apararira neganda iye akambozvirakidza kumupristi kuti achenurwe, ngaazviratidze zvakare kumupristi.
8
Mupristi ngaongororezve kana akaona kuti matuzu acho apararira neganda, ngaataure pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akan'ora, chinenge chiri chirwere chamapere.
9
“Kana munhu aine chirwere chamapere ngaaunzwe kumupristi,
10
mupristi aongorore. Kana paganda rake paine pakazvimba pakachenuruka, uyewo mvere dzepo dzakachenuruka paine urwa,
11
chinenge chiri chirwere chamapere chendambirira. Mupristi ngaataure pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akan'ora. Ngaachirega zvake kumuisa pake oga achida kuzomuongorora nokuti atova munhu akan'ora.
12
Kana chirwere chamapere ichocho chapararira neganda rake, muviri wake wose kubvira kumakumbo kusvika kumusoro, somuonero omupristi,
13
mupristi ngaaongorore. Kana mupristi akaona kuti chirwere ichocho chezvisasa chapararira nomuviri wose ngaataure pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akachenurwa pachirwere ichocho. Mapere acho ose anenge achena, saka ava munhu akachenurwa.
14
Asi paanoonekwa aine ronda rakati nyechu, munhu iyeyo munhu akan'ora.
15
Mupristi ngaaongorore ronda rakanyechuka iroro, ngaataure pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akan'ora. Ronda rinenge ranyechuka rakan'ora nokuti chirwere chamapere.
16
Asi kana ronda racho rikazosanduka zvakare, rochenuruka, ngaauye kumupristi.
17
Mupristi ngaamuongorore, kana pane chirwere pacho pakachenuruka mupristi ngaataure pachena kuti murwere iyeyo achenurwa ava munhu akachenurwa.
18
“Kana paganda romunhu pakamboita mota, rikapora zvaro,
19
asi paiva nemota ipapo pakazochenuruka nokuzvimba, kana kuti pakava nevara rakatsvukuruka nokuchenuruka, izvozvo ngazviratidzwe kumupristi.
20
Mupristi ngaaongorore. Kana akaona kuti rakadzika kupfuura ganda mvere dzepo dzachenuruka, mupristi ngaataure pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akan'ora. Ichocho chirwere chamapere chinenge chanyuka nepamota.
21
Asi kana mupristi akaongorora akaona mvere dzepo dzisina kuchenuruka, pasinawo kudzika kupfuura ganda pakangosvibasviba kuchenuruka, mupristi ngaamugarise kwake oga kwamazuva monomwe.
22
Asi kana zvapararira neganda, mupristi ngaataure pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akan'ora, chirwere ichocho.
23
Asi kana zvikaramba zviri panzvimbo imwechete zvisingapararire zvinenge zviri vanga rakasiyiwa nemota chete. Mupristi ngaataure pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akachenurwa.
24
“Kana muviri une ronda rokutsva paganda kana ronda rokutsva iroro rikazova duzu rakachenuruka kana rakatsvukuruka,
25
mupristi ngaariongorore. Kana mvere dzepo dzakachenuruka richiratidza kuti rakadzika kupfuura ganda chinenge chava chirwere chamapere chanyuka nomuronda routsva. Mupristi ngaataure pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akan'ora chirwere chamapere ichocho.
26
Asi kana mupristi akariongorora akaona mvere dzepo dzisina kuchenuruka pasina kudzika kupfuura ganda asi pakangosvibasviba, mupristi ngaamugarise pake onga kwamazuva manomwe.
27
Pazuva rechinomwe mupristi ngaadzokorore kumuongorora. Kana zvichipararira neganda, mupristi ngaataure pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akan'ora; chirwere chamapere ichocho.
28
Asi kana vara iroro rakachenuruka rikaramba riri panzvimbo imwechete risina kupararira neganda rakangozvibasviba, kunenge kuchingova zvako kuzviiba kwakasiyiwa neronda routsva. Mupristi ngaataure pachena kuti munhu iyeyo haana kun'ora nokuti rinongova vanga rakasiyiwa neronda rokutsva.
29
“Kana munhurume kana munhukadzi aine chironda mumusoro kana pachirebvu,
30
mupristi ngaaongorore chironda ichocho. Kana chichinge chakadzika kupfuura ganda, vhudzi repo rakachenuruka rakaserekana chisasa chacho chirwere chamapere, chomumusoro kana kuti chapachirebvu. Mupristi ngaataure pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akan'ora.
31
Kana mupristi akaongorora chisasa ichocho akaona kuti hachina kudzika kupfuura ganda vhudzi repo risina kuserekana, ngaamugarise pake oga kwamazuva manomwe.
32
Pazuva rechinomwe mupristi ngaadzokorore kuongorora chisasa ichocho. Kana akaona chisina kupararira, vhudzi repo risina kutsvukuruka, chisina kudzika kupfuura ganda,
33
munhu iyeyo ngaazviveure kusiya riri pachisasa. Mupristi ngaamugarisezve kwake oga kwamazuva manomwe.
34
Pazuva rechinomwe mupristi ngaaongororezve chisasa chiya. Kana chichinge chisina kupararira, chisina kudzika kupfuura ganda ngaataure pachena kuti munhu iyeyo achenurwa. Munhu iyeyo ngaasuke hanzu dzake, achave munhu akachenurwa.
35
Asi kana akambonzi haana kun'ora chisasa chiya chikazopararira neganda,
36
mupristi ngaamuongororezve. Kana chisasa ichocho chapararira neganda, mupristi ngaarege zvake kuswerombotsvaka vhudzi rakatsvukuruka, munhu iyeyo akan'ora.
37
Asi pakuona kwake kana chisasa chiya chisina kupararira, paine vhudzi dema rakamerapo anobva aziva kuti chisasa ichocho chakapora. Mupristi ngaataure pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akachenurwa.
38
“Ngatitii murume kana mukadzi ana mavara akachenuruka paganda romuviri wake,
39
mupristi ngaaongorore. Kana mavara iwayo apaganda romuviri wake asina kunyatsochenuruka anongova mavara zvawo anenge anyuka paganda. Munhu iyeyo haana kun'ora.
40
“Kana vhudzi romunhu richipera kudonha mumusoro wake ava nemhanza asi haana kun'ora.
41
Kana vhudzi romunhu rikapera kudonha nechepahuma kana pamapfeka, munhu iyeyo anongova nemhanza chete, haana kun'ora.
42
Asi kana pamhanza iyoyo kana pamapfeka pakaita kavara kakatsvukuruka nokuchenuruka chirwere chamapere chiri kutangisa pamhanza yake kana kuti pamapfeka.
43
Mupristi ngaamuongorore kana akaona pakazvimba paine vara rakatsvukuruka nokuchenuruka pamhanza yake kana pamapfeka zvinenge zvakaita sechirwere chamapere paganda romuviri womunhu,
44
munhu iyeyo anenge ava nechirwere chamapere, ava munhu akan'ora. Mupristi ngaanyatsotaura pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akan'ora, chirwere chacho chiri mumusoro wake.
45
“Munhu ane chirwere chamapere ngaapfeke marengenya, arege vhudzi rake rakaita jakuchichi, afukidze chirebvu chake adaidzire achiti, ‘Ndakan'ora! Ndakan'ora!’
46
Achagara ari munhu akan'ora panguva yose yaanenge aine chirwere ichocho. Munhu akan'ora kwaanogara ngaagare ari oga, kwaanogara kunze kwematendhe.
47
“Kana pahanzu yomunhu paine mavara echiundudzi ingave hanzu yewuru kana yerineni,
48
kana pajira rakarukwa nerineni kana newuru kana padehwe, kana pachinhu chipi zvacho chakagadzirwa nedehwe,
49
kana mavara acho akasvibira kana kutsvukuruka achioneka pahanzu yakarukwa nerineni kana newuru, kana kutsvukuruka, chiundudzi. Mupristi ngaaratidzwe mavara iwayo.
50
Mupristi ngaaongorore chiundudzi ichocho agoisa chinhu ichocho chine chiundudzi pacho choga kwamazuva manomwe.
51
Pazuva rechinomwe ngaadzokorore kuongorora chiundudzi chiya. Kana mavara echiundudzi chiya apararira nehanzu yakarukwa nerineni kana newuru kana yedehwe kunyange richishandiswa basa rei zvaro, chiundudzi chendambirira chakan'ora.
52
Mupristi ngaapise hanzu iyoyo yakarukwa yewuru kana yejira nerineni kana chinhu chakagadzirwa nedehwe nokuti chine chiundudzi chakaipisisa kwazvo chinopararira. Ngachipiswe nomoto.
53
“Asi kana mupristi akaiongorora akaona kuti chiundudzi chiya hachina kupararira nehanzu iya yakarukwa nerineni kana newuru kana chii zvacho chedehwe
54
mupristi ngaati hanzu iyoyo isukwe imboiswa payo yoga kwamamwe mazuva manomwe.
55
Mupristi ngaaongorore hanzu iya yakambosukwa. Kana akaona chiundudzi chacho chisina kupararira, uye ruvara rwacho rusina kusanduka, hanzu iyoyo yakan'ora. Kunyange chiundudzi chacho chiri nechemberi kana seri kwehanzu iyoyo ngaipiswe nomoto.
56
“Asi kana mupristi paanochiongorora, akaona chiundudzi ichocho chakambosukwa chabhuruvara ngaabvarure abvise panga paine chiundudzi, pahanzu yakarukwa nerineni kana newuru, kana padehwe.
57
Asi kana chiundudzi ichocho chikamukirira pahanzu iyoyo, yakarukwa kana yedehwe chichipararira nehanzu iyoyo ipisei nomoto.
58
Asi hanzu iyoyo yakarukwa nerineni kana newuru kana chimwe chinhu zvacho chedehwe chamuchasuka chichisara chisisina chiundudzi ngachisukwe rwechipiri chichava chisina kun'ora.
59
“Uyu ndiwoyu murao wezvechiundudzi chinenge chava pahanzu yakarukwa yewuru kana yerineni, kana pane chii zvacho chakagadzirwa nedehwe kuti pagoonekwa kana chiri chakan'ora kana chisina kun'ora.”
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27