bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Leviticus 18
Leviticus 18
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 19 →
1
Tenzi akataurira Mosesi achiti,
2
“Udza vaIsiraeri kuti, ‘Ini Tenzi ndini Mwari wavo.
3
Musatevedzere tsika dzinoitwa navanhu vokuIjipiti kwamaigara kunyange kutevedzera tsika dzinoitwa navanhu vokuKanani kwandiri kukuendesai. Musatevedzere maitiro avo.
4
Munofanira kuchengeta mitemo yangu nokuteerera mirao yangu, ive gwara renyu ramunofamba naro, Ini Tenzi ndini Mwari wenyu.
5
Saka chengetai mirao yangu nemitemo yangu nokuti munhu anoichengeta, inomupa upenyu, ndini Tenzi.’
6
“Hakuna munhu anobvumirwa kutorana nehama yepedyo achiifukura, ndini Tenzi.
7
Usazvidze baba wako uchitorana naamai vako, ndaamai, usatadze navo.
8
Usatorane nomukadzi wababa wako, kuzvidza baba ikoko.
9
Usatorane nahanzvadzi yako, angave mwana wababa wako nomumwe mukadzi kana mwana wamai vako nomwe murume, kunyange yakazvarirwa mumusha menyu kana kuti yakaberekerwa kumwewo.
10
Usatorane nomuzukuru wako angave mwana womwanakomana wako kana mwana womwanasikana wako kutozvifumura ikoko.
11
Usatorane nomwana akaberekwa nababa wako nomumwe mukadzi, ihanzvadzi yako.
12
Usatorane navatete vako, ihama yababa vako yomumba chaiyo.
13
Usatorane nomukoma kana munun'una waamai vako nokuti ihama yaamai vako yomumba chaiyo.
14
Usatorane nomudzimai womukoma kana wemunun'una wababa vako kuzvidza babamudiki kana kuti babamukuru wako ndimaiguru kana mainini vako.
15
Usatorane nomuroora wako, mudzimai womwana wako saka usatorane naye.
16
Usatorane nomudzimai wemukoma kana munun'una wako kuzvidza mukoma kana munun'una wako.
17
Usatorane nomukadzi pedzepo wozotoranazve nemwanamusikana wake, kana kutorona nemwana womwanakomana wake kana nemwana womwanasikana wake. Vane ukama newe zvakaipa izvozvo.
18
Kana mudzimai wako achiri mupenyu usatorane nomukoma kana munun'una wake chero mukadzi wako achiri mupenyu.
19
“Rega kutorana nomukadzi panguva yake yokutevera.
20
Usatorane nomudzimai wemumwe wako uchizvin'oresa naye.
21
Usape mwana wako kuti apisirwe Moreki mumoto uchiipisa zita raMwari wenyu, ndini Tenzi.
22
Rega kutorana nomumwe munhu wechirume sokutorana kwaungaite nomukadzi, chinhu chinosemesa kwazvo.
23
Murume ngaarege kuita chakaipa nemhuka achizvin'oresa nazvo. Mukadziwo ngaarege kuita chakaipa nemhuka, ndokurasika chaikoiko.
24
“Usazvin'orese nezviito zvakadaro nokuti ndudzi dzavanhu vomunyika yamuchandogara dzandichadzinga dzakazvin'oresa nezviito izvozvo.
25
Nyika yavo yakan'oreswa nezviito zvavo saka ndakairanga pamusana pouipi hwayo, nyika iyoyo ikaita zvokurutsa vanhu vemo.
26
Asi imi mose zvizvarwa zvemo navatorwa vagere nemi, chengetai mitemo nemirao yangu, murege kuita chii zvacho chakaipa chikadai.
27
Ndinodaro nokuti vanhu vakanga varimo, imi musati mavemo vakaita zvinhu zvakaipisisa izvozvi vakan'oresa nyika iyoyo.
28
Kana imi mukan'oresa nyika, ingadaro ikakurutsai somurutsiro wayakaita vanhu vaimbogaramo imi musati mavemo.
29
Ani naani anoita tsika dzakaipa dzikadai achachekwa ukama nevokwake.
30
“Naizvozvo, chengetai zvandinoreva musambofa zvenyu makaita tsika idzodzi dzakaipa dzikadaro dzaiitwa navanhu vaigaramo imi musati mavemo. Musambozvin'oresa netsika idzodzo. Ini Tenzi, ndini Mwari wenyu.”
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27