bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Leviticus 17
Leviticus 17
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 18 →
1
Tenzi akati kuna Mosesi,
2
“Taurira Aroni navanakomana vake navaIsiraeri vose uti, ‘Izvi ndizvo zvakatemwa naTenzi zvokuti:
3
muIsiraeri upi noupi zvake kana akabaya mombe kana hwai kana mbudzi pamatendhe kana kunze kwenharaunda yematendhe iyoyo,
4
asingachiunze kumusuo wetendhe rokusanganira kuzochipira kuna Tenzi pamberi petendhe raTenzi munhu iyeyo imhondi, ane mhosva yakudeura ropa naizvozvo atozvicheka ukama nevokwake.
5
Chakaisirwa mutemo uyu ndechokuti vaIsiraeri vose vagounza kuna Tenzi zvibayiro zvavo zvavari kungoitira zvavo kwose kwose, vazviunze kuna Tenzi kumupristi kumusuo wetendhe rokusanganira vazviuraye sezvibayiro zvemipiro yokuwadzana yokupira kuna Tenzi.
6
Mupristi ngaasase ropa pamativi ose eatari yaTenzi iri kumusuo wetendhe rokusanganira. Ngaapise mafuta paatari kuti anhuwirire zvinofadza Tenzi.
7
Saka havafanire kuramba vachipira zvibayiro kuna Mwari zvakaita sembudzi zvavari kuteveredza vachiita senzenza. Murao iwoyu uchagara uripo narini pazvizvarwa zvavo zvose.’
8
“Vaudze kuti munhu wose wemba yaIsiraeri kana nomutorwawo wose ari mukati mavo anopira mupiro kana chibayiro
9
asingauye nacho kumusuo wetendhe rokusanganira kuzochipira kuna Tenzi munhu iyeyo atochekwa ukama nevokwake.
10
“MuIsiraeri wose kana mutorwa upi zvake agere pakati pavo anodya ropa, ndichaonana nomunhu iyeyo anodya ropa ndichamuchekanisa ukama nevokwake.
11
Ndinodaro nokuti muropa rezvipenyu zvose ndimo mune upenyu hwazvo. Ndakaripa kwamuri kuti murishandise paatari kupfupira zvitadzo zvenyu. Ropa ndiro rinoripira zvitadzo pamusana poupenyu huri mariri.
12
Ndokusaka ndakataurira vaIsiraeri kuti hapana munhu pakati penyu anofanira kudya ropa kunyange mutorwa agere nemi haafaniri kudya ropa.
13
“MuIsiraeri wose nomutorwawo upi noupi zvake agere navo anoenda kundovhima mhuka kana shiri inodyiwa anofanira kusinza ropa rayo arifusire nevhu.
14
Chandinodariro ndechokuti muropa rezvipenyu zvose zvazvo ndimo mune upenyu hwazvo. Ndokusaka ndichiudza vaIsiraeri kuti, ‘Musambodya zvenyu ropa rechinhu chipi nechipi zvacho, nokuti muropa rezvipenyu zvose ndimo mune upenyu hwazvo. Ani naani anoridya ngaachekaniswe ukama naye.’
15
“Munhu wose zvake angave chizvarwa chomuno muIsiraeri kana mutorwa anodya nyama yakafa yoga kana yakaita zvokurumwa nezvikara atova munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Ngaasuke hanzu dzake ashambe muviri, achava munhu asisina kun'ora.
16
Asi kana akarega kudzisuka kana kushamba muviri, ane mhosva.”
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27