bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Leviticus 11
Leviticus 11
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 12 →
1
Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti kwavari,
2
“Taurirai vaIsiraeri kuti, ‘Idzi ndidzo mhuka dzamungadye zvenyu pamhuka dzose dziri panyika.’
3
Mungadye zvenyu mhuka ine tsimba rakanyatsopararana, dzinenge dziri mhuka dzinozeya.
4
Asi dzinongozeya chete kana dzinongova netsimba rakapararana chete musadzidye sengamera inozeya asi haina matsimba akapararana.
5
Musadye nembirawo kunyange zvayo ichizeya haina tsimba rakapararana, yakan'ora kwamuri,
6
netsuro, kunyange zvayo ichizeya haina tsimba rakapararana, yakan'ora kwamuri,
7
nenguruve kunyange zvayo iine tsimba rakanyatsopararana haizeye, yakan'ora kwamuri.
8
Musadye mhuka idzodzi kana kubata zvitunha zvadzo nokuti dzakan'ora kwamuri.
9
“Pana zvose zvomumvura zvine zvimbi namakwande zvingave zvomugungwa kana murwizi mungadye zvenyu.
10
Asi zvose zvisina zvimbi namakwande zvomugungwa nomurwizi zvose zvazvo zvinoita bvakanyira mumvura nezvipenyu zvose zviri mumvura musadye zvose izvozvo, zvakaipa kwazvo kwamuri.
11
Kwamuri, zvakaipa kwazvo, musadye nyama yazvo kana kubata zvako zvitunha zvazvo.
12
Zvose zvomumvura zvisina zvimbi namakwande zvakaipa kwazvo kwamuri.
13
“Pashiri dzose, idzi ndidzo shiri dzakan'ora kwamuri, hadzifanire kudyiwa, dzakaipa kwazvo kwamuri, kunoti: gondo negora nechapungu
14
nenjerere nakarukodzi nemhando dzako
15
nemhando dzose dzemakunguo,
16
jichidza, nemazizi neshiri yegungwa namarudzi ose oruvangu,
17
kouya zizi nekondo, nejambwa
18
nenhapata nesvorenyama nehungwe,
19
neshuramurove nemhando dzose dzeshirichena nemhupupu nomuremwaremwa.
20
Tupukanana twose tunobhururuka, tunogara turi gurusvusvu tuine makumbo mana twakan'ora kwamuri.
21
Asi tunhu twose tunobhururuka tuine makumbo mana tune mamwe makumbo eshure okusvetukisa idyai zvenyu.
22
Mungadye zvenyu mhando dzose dzehwiza, nemhando dzose dzemhashumapfunde nedzemakurwe nedzezvitaunhau.
23
Asi tumwewo tupukanana twose tunenge tuchingova namakumbo mana chete twakan'ora kwamuri.
24
“Zvinhu zvinon'oresa munhu ndeizvi: munhu anenge agunzva zvitunha zvazvo achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke.
25
Ani naani zvake anenge atakura kai zvako kechitunha chazvo ngaasuke hanzu dzake; achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke.
26
Mhuka yose zvayo inenge iine tsimba rakapararana asi asina kubva anyatsopararana kana kuti isingazeyi yakan'ora kwamuri. Asi ani naani anobata chitunha chayo achava munhu akan'ora.
27
Mhuka dzose dzina makumbo mana, dzina matsimba akapfava dzakan'ora kwamuri. Munhu anenge abata zvitunha zvadzo, achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke.
28
Ani naani anotakura chitunha chadzo, anofanira kusuka hanzu dzake, achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Izvozvo zvakan'ora kwamuri.
29
“Utwu nditwo tupuka twakan'ora kwamuri pakati petupuka twose tunoita bvakanyira panyika, kunoti nhuta nembeva nomupurwa nemarudzi awo ose nechipotanemadziro,
30
gwavava, nedzvinyu, chipfira nerwaivhi.
31
Izvozvi zvakan'ora kwamuri pakati pezvose zvinoita bvakanyira. Ani zvake anenge abata zvitunha zvazvo, achava akan'ora kudzamara zuva ridoke.
32
Kana chitunha chazvo chikaputsikira pane chinhu chipi nechipi zvacho, chinhu ichocho chaton'ora chingave chakaitwa mudziyo upi noupi wokuitisa basa. Ngachinyikwe mumvura, chichava chakan'ora kudzamara manheru chazova chachenurwa.
33
Mumudziyo wevhu upi noupi zvawo machinenge chadonhera, zvose zvinenge zvirimo zvaton'ora, putsai mudziyo iwoyo.
34
Zvokudya zvinenge zvadirwa mvura yabva mumudziyo iwoyo zvaton'ora chero chokunwa chinenge chirimo chaton'orawo.
35
Chinhu chipi nechipi zvacho chinenge chinowirwa nekai zvako kechitunha chazvo chaton'ora, kunyange ikava hari kana choto ngachiputswe-putswe, chan'ora, ngachive chinhu chakan'ora kwamuri.
36
Asi chitubu kana tsime rine mvura harin'ore, asi chipi nechipi zvacho chinobatana nechitunha chacho chichava chinhu chakan'ora.
37
Kana kai zvako kechitunha chazvo kakadonhera pambeu dzokudyara dzipi nedzipi zvadzo dzinodyarwa hadzin'ore.
38
Asi kana kai zvako kechitunha chazvo kakadonhera pambeu dzakaiswa mvura dzichava dzakan'ora.
39
“Kana mhuka inodyiwa ikafa, ani naani anoibata chitunha chayo, achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke,
40
Munhu anodya nyama yayo, ngaasuke hanzu dzake, achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Munhu anotakura chitunha chayo ngaasuke hanzu dzake, achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke,
41
tupuka twose tunomomana panyika twakaipa kwazvo, ngaturege kudyiwa.
42
Zvose zvinozvova napasi, nezvose zvinofamba namakumbo mana kana zvina makumbo akawanda, zvose zvazvo zvinomomana panyika, musadye nokuti zvakaipa kwazvo.
43
Musazviipise nezvinhu zvakawanda-wanda izvi zvinomomana. Musazvisvibise nazvo nokuti mungadaro mukazvin'oresa.
44
Ndinodaro nokuti ini Tenzi, ndini Mwari wenyu zvisarudzei kuva vangu, muve vatsvene nokuti ini ndiri mutsvene. Musazvin'orese nezvipi nezvipi zvazvo zvakawanda-wanda zvinomomana panyika.
45
Ndinodaro nokuti ndini Tenzi ndakakuuyisai kuno, kubva kunyika yeIjipiti, kuti ndive Mwari wenyu. Saka ivai vatsvene nokuti ini ndiri mutsvene.
46
“Iwoyu ndiwo mutemo wezvemhuka neshiri nezvose zvipenyu zvinofamba mumvura nezvose zvinoita gurusvusvu panyika,
47
wokuti mugone kusiyanisa nawo zvakan'ora nezvisina kun'ora nokusiyanisawo zvinhu zvipenyu zvingadyiwe nezvinhu zvipenyu zvisingadyiwi.”
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27