bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Corinthians 1
2 Corinthians 1
Shona 2009?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 2 →
1
Pauro, muapositora waKristu Jesu, nokuda kwaMwari, naTimotio, hama yedu kukereke yaMwari iri paKorinde, pamwe chete navatsvene vose vari paAkaya yose:
2
Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kunaMwari, Baba vedu, naShe Jesu Kristu.
3
Mwari ngaavongwe, ivo Baba vaShe wedu Jesu Kristu, Baba vengoni, Mwari wokunyaradza kose;
4
iye unotinyaradza pakutambudzika kwedu kose, kuti isu tive nesimba rokunyaradza vari mukutambudzika kupi nokupi, nokunyaradzwa kwatinonyaradzwa nako naMwari.
5
Nokuti matambudziko aKristu se zvaakava mazhinji kwatiri, saizvozvovo kunyaradzwa kwedu kwakava kuzhinji naKristu.
6
Zvino kana tichitambudzika hedu isu, zvinoitwa nokuda kokunyaradzwa nokuponeswa kwenyu; kana tichinyaradzwa isu, zvinoitwa nokuda kokunyaradzwa kwenyu, kunokusimbisai kutsungirira pamatambudziko iwayo atinotambudzikavo nawo.
7
Tariro yedu pamusoro penyu yakasimba, nokuti tinoziva kuti sezvamunosongana nesu pamatambudziko, saizvozvovo pakunyaradzwa.
8
Nokuti hatidi, hama dzangu, kuti murege kuziva kutambudzika kwakatiwira paAsia, kuti takaremerwa kwazvo-kwazvo kukunda simba redu, nokudaro takarasha moyo tichiti hatingararami;
9
asi pamoyo pedu isu takanga tatozvitongera rufu, kuti tirege kuvimba nesimba redu, asi naMwari unomutsa vakafa;
10
iye wakatisunungura parufu rukuru rwakadai, uye uchatisunungura; Iye watinovimba kuti unotisunungura;
11
nemivo muchibatsirana pakutikumbirira kwenyu, kuti vanhu vazhinji vavonge pamusoro pedu nokuda kwechipo chedu chenyasha chatakapiwa nokunyengetera kwavazhinji.
12
Nokuti kuzvirumbidza kwedu ndikoku: Kupupura kwehana yedu, kuti takafamba panyika, zvikuru kwamuri, novutsvene nechokwadi chaMwari, tisingafambi novuchenjeri bwenyama, asi nenyasha dzaMwari.
13
Nokuti hatikunyoreriyi zvimwe zvinhu, asi izvo zvamunorava nezvamunotenda; ndinoti dai muchizvitenda kusvikira pakuguma;
14
sezvamakatitendavo panezvimwe, kuti isu tiri kurumbidzwa kwenyu, semivo muchava kurumbidzwa kwedu nezuva raShe Jesu.
15
Ndichiziva izvozvi, ndakanga ndichida kutanga kuvuya kwamuri, kuti mukomborerwe rwechipiri;
16
ndipfuvure nokwenyu ndichienda Makedhonia, nokuvuya nokwenyu zve, ndichibva Makedhonia, ndiperekedzwe nemwi ndichienda Judhiya.
17
Zvino zvandakanga ndichida kuita izvozvo, ndakaita nokushanduka moyo here? Kana, zvandinoda kuita ndinozvida nenyama here, kuti ini pamwe nditi: Hongu, hongu, pamwe: Kwete, kwete?
18
NaMwari wakatendeka, shoko redu kwamuri harizi hongu nakwete.
19
Nokuti Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, uyo wakaparidzwa pakati penyu nesu neni naSirivhano naTimotio wakanga asiri hongu nakwete, asi wakanga ari hongu maari.
20
Nokuti zvipikirwa zvaMwari kunyange zviri zvizhinji sei, maari ndihongu; naizvozvo naiyevo ndiAmeni, kuti Mwari akudzwe nesu.
21
Zvino, uyo unotisimbisa munaKristu pamwe chete nemi, nokutizodza, ndiMwari;
22
uyo wakatiisiravo chisimbiso, akatipa rubatso rwoMweya mumoyo medu.
23
Asi ndinodana Mwari, ave chapupu pamoyo wangu, kuti handina kuzovuya Korinde, nokuti ndakakunzwirai tsitsi.
24
Hatiiti simba nokutenda kwenyu, asi tinokubatsirai kuti mufare; nokuti mumire nokutenda.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13