bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Corinthians 7
2 Corinthians 7
Shona 2009?
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 8 →
1
Zvino, vadikamwa, zvatine zvipikirwa izvi, ngatizvinatse pamatsvina ose enyama noomweya, tikwanise vutsvene pakutya Mwari.
2
Mutizarurirei moyo yenyu; hatina kuitira munhu zvisakarurama, hatina kutadzira munhu, hatina kunyengera munhu.
3
Handirevi izvi, kuti ndikupei mhosva; nokuti ndamboreva kuti imwi muri mumoyo medu, kuti tife nokurarama pamwe chete nemi.
4
Kusatya kwangu kukuru pakutaura kwamuri, nokuzvirumbidza kwangu kukuru pamusoro penyu; ndizere nokunyaradzwa, ndinofara kwazvo pakutambudzika kwedu kose.
5
Nokuti takati tasvika Makedhonia, nyama yedu haina kuzorora, asi takatambudzika pamativi ose; kunze kwaiva nokukakavara, mukati maiva nokutya.
6
Asi Mwari, unonyaradza vakavora moyo, wakatinyaradza nokusvika kwaTito;
7
handiti nokusvika kwake bedzi, asivo nokunyaradzwa, kwaakanyaradzwa nako pamusoro penyu, achitivudza zvechishuvo chenyu, nokuchema kwenyu, nokushingaira kwenyu pamusoro pangu; saka ndakanyanya kufara.
8
Nokuti kunyange ndakakuchemedzai nemwadhi yangu, handizvidyi moyo; kunyange ndakanga ndichizvidya moyo hangu, ndinovona kuti mwadhi iyo yakakuchemedzai, asi yakanga iri nguva duku hayo.
9
Zvino, handifari kuti makachemedzwa, asi nokuti makachemedzwa mukatendevuka nokuti makachemedzwa sezvinoda Mwari, kuti murege kurashikirwa nechinhu nokuda kwedu.
10
Nokuti kuchema sezvinoda Mwari kunovuyisa kutendevuka, kunoisa kukuponeswa kusingazvidyi moyo; asi kuchema kwenyika kunovuyisa rufu.
11
Nokuti tarirai kuti chinhu icho chokuti makachemedzwa sezvinoda Mwari, chakavuyisa mukati menyu kushingaira kukuru sei, nokuzvidavirira, nokutsamwa, nokutya, nechishuvo, nokurwadza moyo, nokutsiva. Pazvinhu zvose makazviratidza kuti makachena pachinhu ichi.
12
Zvino, kana ndakakunyorerai, handina kuzviita nokuda kwaiye wakaita zvisakarurama, kana nokuda kwaiye wakaitirwa zvisakarurama, asi kuti kushingaira kwenyu nokuda kwedu kuvonekwe nemwi mumene pamberi paMwari.
13
Nemhaka iyi isu tinonyaradzwa; zvino pakunyaradzwa kwedu takafara zvikuru kwazvo pamusoro pomufaro waTito, nokuti mweya wake wakasimbiswa nemwi mose.
14
Nokuti kana ndakazvirumbidza nechinhu kwaari pamusoro penyu, handina kunyadziswa; asi sezvatakataura kwamuri zvose nechokwadi, saizvozvovo kuzvirumbidza kwedu pamberi paTito kwakavonekwa kuti ndokwechokwadi.
15
Nehanya dzake dzawedzerwa kwamuri, achirangarira kuteerera kwenyu mose, pamakamugachira napo nokutya nokudedera.
16
Ndinofara kuti pazvinhu zvose ndingakutendai.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
Recommended Reading
Commentary
2 Corinthians Commentaries
→
Devotional
2 Corinthians Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona ? Study Bible
→