bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Corinthians 3
2 Corinthians 3
Shona 2009?
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 4 →
1
Tinotangazve kuzvirumbidza kwamuri here? Tinotsvaka here savamwe mwadhi dzinoenda kwamuri, kana dzinobva kwamuri, dzingatirumbidza?
2
imwi muri mwadhi yedu yakanyorwa mumoyo medu, inozikamwa nokuverengwa navanhu vose;
3
makavonekwa kuti muri mwadhi yaKristu, yakagadzirwa nesu, isina kunyorwa neinki, asi noMweya waMwari mupenyu; isina kunyorwa pamabwendefa amabwe, asi pamahwandefa enyama omoyo.
4
Kutenda kwakadai tinako naKristu, kunaMwari;
5
hatiti takakwana isu timene, kuti titeme chinhu timene; asi kukwana kwedu kunobva kunaMwari;
6
iye wakati kwanisa kuti tive vashumiri vesungano itsva, isati iri yezvakanyorwa asi yoMweya; nokuti zvakanyorwa zvinovuraya, asi Mweya unopa vupenyu.
7
Zvino kana kushumira, kwakavuyisa rufu, kwanga kwakatemwa namaretere pamabwe, kwakavuya nokubwinya, kwakanga kwakadaro kuti vana vaIsraeri vakakoniwa kutarisisa chiso chaMozisi nokuda kokubwinya kwechiso chake kwakanga kuchipfuvura hako
8
ko kushumira koMweya hakungavi nokubwinya kukuru here?
9
Nokuti kana kushumira,kokutongeswa kwakavuyisa kubwinya zvikuru sei kushumira kokururama kuchakunda pakubwinya.
10
Nokuti naicho chakabwinyiswa, hachina kubwinyiswa, kana pachinhu ichi tichichifananidza nokubwinya kuno kunda.
11
Nokuti kana icho chinopfuvura chaiva nokubwinya, zvikuru sei icho chinogara ndicho chiri pakubwinya.
12
Naizvozvo, zvatinetariro yakadai, tinotaura tisingatyi napaduku,
13
tisingaiti saMozisi, waiisa chifukidziro pachiso chake, kuti vana vaIsraeri varege kutarisisa kuguma kwezvinopfuvura.
14
Asi ndangariro dzavo dzakapofumadzwa nokuti kusvikira nhasi chidzitiro ichi chichiripo pakuverengwa kwe tesitamende yekare changa chichifanira kubviswa muna Kristu.
15
Asi kusvikira nhasi, kana Mozisi achirahwa, chifukidziro chiripo pamoyo yavo.
16
Zvino kana munhu achitendevukira kunaShe, chifukidziro chinobviswa.
17
Ishe ndiMweya; zvino panoMweya waShe, pane sununguko.
18
Zvino isu tose tinoti tichitarira nechiso chisina kufukidzirwa kubwinya kwaShe sapachivoni-voni, tinoshandurwa tichifanana nomufananidzo iwoyo, tichibva pakubwinya kumwe tichienda kuno kumwe kubwinya, sezvinobva kuMweya waShe
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
Recommended Reading
Commentary
2 Corinthians Commentaries
→
Devotional
2 Corinthians Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona ? Study Bible
→