bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Corinthians 8
2 Corinthians 8
Shona 2009?
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 9 →
1
Zvino tinokuzivisai, hama dzangu, nyasha dzaMwari dzakapiwa pakereke dzeMakedhonia;
2
kuti pakati pokuidzwa kukuru kokutambudzika, mufaro wavo mukuru, pamwe chete novurombo bwavo bwukuru, zvakawanza zvikuru kusanyima kwavo.
3
Nokuti ndinopupura, kuti vakapa nokuda kwavo pavakagona napo, kunyange kupfuvura pavakagona napo;
4
vakakumbira nokunyengetera kukuru kwatiri kuti tivatendere kuita basa iri renyasha nokusongana pakushumira vatsvene;
5
havana kuita sezvatakafunga bedzi, asi ivo vakatanga kuzvipa kunaShe, nokwatiri, nokuda kwaMwari.
6
Naizvozvo takakumbira zvikuru kunaTito, kuti sezvaakanga atanga, apedzise basa iri renyasha pakati penyuvo.
7
Zvino se zvamakapfuvurira mberi pazvinhu zvose, pakutenda, napakutaura, napakuziva, napakushingaira kose, naparudo rwenyu kwatiri, tarirai kuti mupfuvurire mberi pabasa iri renyashavo.
8
Handirevi ndichiraira, asi kuti ndiidze ndizive nokushingaira kwavamwe kana rudo rwenyu ndorwechokwadivo.
9
Nokuti munoziva nyasha dzaShe wedu, Jesu Kristu, kuti kunyange akanga akafuma, wakava murombo nokuda kwenyu, kuti imwi novurombo bwake muve vafumi.
10
Pachinhu ichi ndinokuvudzai kufunga kwangu; nokuti zvichakubatsirai, nokuti ndimi makatangira vamwe makei, musingaiti bedzi, asi muchidavo.
11
Asi zvino pedzisai kuitavo; sezvamakanga munomoyo unoda, saizvozvo pedzisaivo pamunogona napo.
12
Nokuti kana moyo wokupa uripo, chipo chinofadza zvichiinda nokuwana komunhu, zvisingaindi nokushaiwa komunhu.
13
Nokuti handirevi kudaro ndichiti vamwe varerukirwe, imwi muremerwe; asi kuti muenzane;
14
kuti panguva ino kuwana kwenyu kubatsire kushaiwa kwavo, kuti kuwana kwavo kubatsire kushaiwa kwenyuvo; kuti kuve nokuenzana;
15
sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Wakavunganidza zvizhinji, haana kusarirwa nechinhu; naiye wakavunganidza zvishoma, haana kushaiwa.
16
Zvino Mwari ngaavongwe, wakaisa mumoyo maTito kushingaira kwakadaro kwamuri.
17
Nokuti wakanzwa hake kuraira kwedu, asi zvaakanga achishingaira zvikuru, wakaenda kwamuri, nokuda kwake hake.
18
Zvino takatuma pamwe chete naye hama iya, inorumbidzwa paevhangeri pakereke dzose;
19
zvisati zviri izvozvo bedzi, asi iye wakasanangurwavo nekereke kuti atiperekedze pabasa iri renyasha, rinoitwa nesu, kuti iye Mwari akudzwe; uye kuda komoyo wedu kuratidzwe;
20
tichizvichenjerera, kuti kurege kuva nomunhu ungatipa mhosva pamusoro pezvakawanda izvi, zvatinobata nazvo.
21
Nokuti hatitsvaki zvinhu zvakanaka pamberi paShe bedzi, asi pamberi pavanhuvo.
22
Takatumavo navo hama yedu, yatakaidza kazhinji tikavona kuti unoshingaira pazvinhu zvizhinji; asi zvino unonyanya kushingaira nokuda kokutenda kukuru kwaanako kwamuri.
23
Kana ari Tito, ndiye shamwari yangu, nomubatsiri wangu kwamuri, kana dziri hama dzedu, ndivo vapositora vekereke uye kukudzwa kwaKristu.
24
Naizvozvo muvaratidze napamberi pekereke chiratidzo chorudo rwenyu nechokurumbidza kwedu pamusoro penyu.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
Recommended Reading
Commentary
2 Corinthians Commentaries
→
Devotional
2 Corinthians Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona ? Study Bible
→