bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Corinthians 4
2 Corinthians 4
Shona 2009?
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 5 →
1
Saka, zvatinako kushumira uku, patakanzwirwa ngoni napo, hatineti;
2
asi takaramba zvinhu zvakavanzika zvinonyadza, tisingafambi nokunyengera, tisingashatisi shoko raMwari; asi pakuratidza kwedu chokwadi, tinozvitendisa kuhana dzavanhu vose pamberi paMwari.
3
Zvino kana evhangeri yedu yakafukidzwa, yakafukidzwa kuna vanorashika;
4
kuna vasingatendi vakapofumadzirwa ndangariro namwari wenyika ino, kuti varege kuvhenekerwa nechiedza cheevhangeri yokubwinya kwaKristu, uri mufananidzo waMwari.
5
Nokuti hatizviparidzi isu, asi Kristu Jesu kuti ndiye Ishe; nesu kuti tiri varanda venyu nokuda kwaJesu.
6
Nokuti Mwari, wakareva kuti chiedza chibude parima, ndiye wakavhenekera mumoyo yedu, kuti atipe chiedza chokuziva kubwinya kwaMwari kunovonekwa pachiso chaJesu Kristu.
7
Asi fuma iyi tinayo mumidziyo yevhu, kuti vukuru bwesimba bwuve bwaMwari, bwurege kuva bwedu.
8
Tinotambudzika pamativi ose, asi hatimanikidzwi; tinokanganiswa, asi hatina kurasha moyo;
9
tinotambudzwa, asi hatina kusiyiwa; takawisirwa pasi, asi hatina kuparadzwa;
10
tinoramba tichitakura nguva dzose mumuviri wedu kufa kwaShe Jesu, kuti novupenyuvo bwaJesu bwuratidzwe mumuviri wedu.
11
Nokuti isu vapenyu tinogara tichingoiswa pakufa nokuda kwaJesu, kuti novupenyuvo bwaJesu bwuratidzwe munyama yedu inofa.
12
Saizvozvo kufa kunobata matiri, asi vupenyu mamuri.
13
Zvino zvatinomweya iwoyu wokutenda, sezvazvakanyorwa; zvichinzi: Ndakatenda, saka ndakataura; nesuvo tinotenda saka tinotauravo;
14
tichiziva kuti iye wakamutsa Ishe Jesu, uchatimutsavo isu pamwe chete naJesu; agotiisa pamberi pake pamwe chete nemi.
15
Nokuti zvinhu zvose zvinoitwa nokuda kwenyu, kuti nyasha zvadzakawanzwa navazhinji, dziwanze kuvonga, kuti Mwari akudzwe.
16
Saka hatineti, asi kunyange munhu wedu wokunze achipera hake, munhu womukati unovandudzwa zuva rimwe nerimwe.
17
Nokuti kutambudzika kwedu, kwakareruka, kuripo chinguva chiduku, kunotiitira kubwinya kukuru kwakaisvo-naka kusingaperi;
18
tisingatariri zvinovonekwa, asi zvisingavonekwi; nokuti zvinovonekwa zvinopfuvura, asi zvisingavonekwi ndezvokusingaperi.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
Recommended Reading
Commentary
2 Corinthians Commentaries
→
Devotional
2 Corinthians Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona ? Study Bible
→