bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Corinthians 2
2 Corinthians 2
Shona 2009?
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 3 →
1
Asi ndakati mumoyo mangu, kuti handidi kuvuya zve kwamuri nokuchema.
2
Nokuti kana ndichikuchemedzai, ndianiko uchandifadza, kana asiri iye wakachemedzwa neni?
3
Zvino ndakanyora chinhu ichi kuti kana ndasvika, ndirege kuchemedzwa naivo vaifanira kundifadza; ndichikutendai mose, kuti kufara kwangu ndokwenyu mose.
4
Nokuti ndakunyorerai nemisodzi mizhinji pakutambudzika kukuru nenhamo yomoyo; ndisingati muchemedzwe, asi kuti muzive rudo rukuru rwandinokudai narwo.
5
Zvino kana mumwe akachemedza hake, haana kundichemedza ini, asi ndingati zvimwe ndirege kunyanyisaimi mose.
6
Kurova uku kwavanhu vazhinji kunoringana munhu wakadai.
7
Naizvozvo zvirinani kuti mumukangamwire nokumunyaradza, kuti arege kuvodzwa moyo kwazvo neshungu huru.
8
Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri kuti musimbise rudo rwenyu kwaari.
9
Nokuti ndakanyoravo izvi, kuti ndikuidzei, ndizive kana muchiteerera pazvinhu zvose.
10
Zvino iye wamunokangamwira, neni ndinomukangamwiravo; nokuti izvo zvandakangamwira ini, kana ndinenge ndakakangamwira chinhu, ndakazviita nokuda kwenyu pamberi paKristu;
11
kuti tirege kunyengerwa naSatani; nokuti hatizi vasingazivi mano ake.
12
Zvino, ndakati ndichisvika paTroasi kuparidza evhangeri yaKristu, ndichizarurirwa mukova munaKristu,
13
ndakanga ndisinezororo pamweya wangu, nokuti handina kuwanapo Tito, hama yangu; asi ndakawonekana navo, ndikaenda Makedhonia.
14
Asi Mwari ngaavongwe, unotikundisa nguva dzose munaKristu, unoratidza nesu kose-kose bwema bwokuziva kwake.
15
Nokuti isu tiri bwema bwakanaka bwaKristu kunaMwari, pakati paivo vanoponeswa navanoparara.
16
Kunavamwe tiri bwema bworufu bwunoisa kurufu; kuna vamwe bwema bwovupenyu bwunoisa kuvupenyu. Zvino ndianiko ungakwanisa zvinhu zvakadai?
17
Nokuti hatifanani navamwe vazhinji vanokanganisa shoko raMwari; asi tinotaura munaKristu nechokwadi, sezvinobva kunaMwari, pamberi paMwari.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13