bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Corinthians 5
2 Corinthians 5
Shona 2009?
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 6 →
1
Nokuti tinoziva kuti kana imba yedu yenyika, tabhernakeri yedu, ichiputswa, tine chakavakwa chinobva kunaMwari, imba isina kuvakwa namavoko, isingaperi, iri kudenga.
2
Nokuti tinogomeravo mairi, tichishuva kuti tifukidzwe neimba yedu inobva kudenga;
3
kuti kana takafukidzwa hedu, hatingawanikwi tisina chatakafuka.
4
Nokuti nesu, tiri mutabhernakeri iyi tinogomera, tichiremerwa; tisingadi kuti tikutunurwe, asi kuti tifukidzwe, kuti chinofa chemedzwe novupenyu.
5
Zvino, uyo wakatigadzirira chinhu ichi ndiMwari, wakatipavo rubatso rwoMweya.
6
Naizvozvo tinotsunga moyo nguva dzose, tichiziva kuti kana tichigara mumuviri hatigari kunaShe;
7
nokuti tinofamba nokutenda, hatifambi nokuvona;
8
tinotsunga moyovo, tichiti zvirinani tirege kugara pamuviri, kuti tigare kunaShe.
9
Saka tinoshingaira kuti timufadze iye, kunyange tichigaramo, kunyange tisingagarimo.
10
Nokuti isu tose tinofanira kuratidzwa pamberi pechigaro chokutonga chaKristu;kuti mumwe nomumwe apiwe zvaakaita nomuviri, sezvaakaita, kana zvakanaka kana zvakaipa.
11
Naizvozvo zvatinoziva kutya kwaShe, tinogombedzera vanhu; asi tinoratidzwa hedu kunaMwari; uye zvino ndinoti dai tichiratidzwavo pahana dzenyu.
12
Hatizvirumbidzi zve kwamuri, asi tinokupai nzira yokurumbidza nokuda kwedu, kuti mugone kupindura avo vanovimba nezvinovonekwa, vasingavimbi nezvomoyo.
13
Nokuti kana tichipenga, takadaro nokuda kwaMwari; kana tiri vanhu kwavo, takadaro nokuda kwenyu.
14
Nokuti rudo rwaKristu runotimanikidza; zvatinoziva chinhu ichi kuti mumwe wakafira vose, zvino vose vakafa;
15
zvino iye wakafira vose, kuti avo vanorarama varege kuzozviraramira ivo, asi uyo wakafa nokumutswa nokuda kwavo.
16
Naizvozvo, kubvira zvino hatitongozivi munhu panyama; uye kunyange takaziva Kristu panyama, kubvira zvino hatichamuzivi saizvozvo.
17
Saka kana munhu ari munaKristu, wava chisikwa chitsva, zvinhu zvakare zvapfuvura; tarirai, zvose zvava zvitsva.
18
Asi zvinhu zvose zvakabva kunaMwari, wakatiyananisa naye naJesu Kristu, akatipa kushumira kokuyananisa;
19
ndiko kuti Mwari wakanga achiyananisa nyika naye munaKristu akasavaverengera kudarika kwavo, akatipa isu shoko rokuyananisa.
20
Naizvozvo tiri nhume nokuda kwaKristu, Mwari saanenge achikumbira zvikuru nesu; tinokumbira nokuda kwaKristu, tichiti: Yananiswai naMwari.
21
Uyo, wakanga asingazivi zvivi, wakamuita kuti ave zvivi nokuda kwedu; kuti isu tive kururama kwaMwari maari.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
Recommended Reading
Commentary
2 Corinthians Commentaries
→
Devotional
2 Corinthians Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona ? Study Bible
→