bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Corinthians 12
2 Corinthians 12
Shona 2009?
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 13 →
1
Ndinofanira hangu kuzvirumbidza, kunyange zvisina kunaka, asi ndichasvika pazviratidzo nezvakazarurwa zvaShe.
2
Ndinoziva munhu uri munaKristu, ave makore anegumi namana apfuvura, (kana zvakaitwa mumuviri, kana kunze komuviri, handizivi; Mwari unoziva), munhu wakadai wakakwidzwa kudenga rechitatu.
3
uye ndinoziva munhu wakadai (kana zvakaitwa mumuviri kana kunze komuviri, handizivi; Mwari unoziva)
4
kuti wakakwidzwa muparadhiso, akanzwa mashoko asingagoni kutaurwa, asina kutenderwa munhu kuti areve.
5
Pamusoro pomunhu wakadai ndichazvirumbidza; asi pamusoro pangu handizvirumbidzi; asi pamusoro povutera bwangu bedzi.
6
Nokuti kana ndichida kuzvirumbidza, handingavi benzi; nokuti ndichareva zvechokwadi; asi ndinorega hangu, kuti kurege kuva nomunhu, ungati ndiri mukuru kunezvaakavona kana zvaakanzwa kwandiri;
7
zvino, kuti ini ndirege kunyanya kuzvikudza nokuda kovukuru kwazvo bwezvakandizarurirwa, ndakapiwa munzwa munyama yangu, nhume yaSatani, andirove, kuti ndirege kunyanya kuzvikudza.
8
Pamusoro pechinhu ichi ndakakumbira Ishe zvikuru katatu, kuti chibve kwandiri.
9
Iye akati kwandiri: Nyasha dzangu dzinokuringana; nokuti simba rangu rinozadziswa pavutera bwako. Naizvozvo zvirinani kuti ndizvirumbidze nomufaro mukuru novutera bwangu, kuti simba raKristu rigare pamusoro pangu.
10
Naizvozvo ndinofara novutera, nokuzvidzwa, nokushaiwa, nokutambudzika, nenhamo nokuda kwaKristu; nokuti kana ndinovutera, ipapo ndinesimba.
11
Ndava benzi; pakuzvirumbidza. Nokuti ini ndaifanira kurumbidzwa nemi; nokuti handizi muduku napaduku kuvapositora vanopfuvura vose, kunyange ndisi chinhu.
12
Zvirokwazvo, zviratidzo zvomuapositora zvakaitwa pakati penyu nokutsungirira kukuru, nezviratidzo, nezvishamiso, namabasa esimba.
13
Nokuti makapfuvurwa neiko nedzimwe kereke, asi pakuti ini handina kukuremedzai? Ndikangamwirei henyu kusarurama uku.
14
Tarirai, ino ndiyo nguva yechitatu yandakazvigadzira kuvuya kwamuri; handingakuremedziyi; nokuti handitsvaki zvenyu, asi ndinokutsvakai imi; nokuti vana havafaniri kuchengetera vabereki, asi vabereki vanofanira kuchengetera vana.
15
Nokuti ndingafara zvikuru kupedza zvose zvangu, nokupedzwa ini ndichikudai zvikuru, ini ndodikamwa zvishoma here?
16
Zvino, ngazvive saizvozvo hazvo, ini handina kukuremedzai; asi zvandakanga ndinenjere, ndakakubatai namano.
17
Ndakakutorerai chinhu here nomumwe waivo vandakatuma kwamuri?
18
Ndakaraira Tito, ndakatuma hama iya naye; ko Tito wakakutorerai chinhu here? Hatina kufamba nomweya mumwe here? uye namakwara mamwe here?
19
Nguva yose makanga muchiti tinozvidavirira kwamuri here? Tinotaura pamberi paMwari munaKristu; asi tinotaura izvi zvose, vadikamwa, kuti musimbiswe.
20
Nokuti ndinotya kuti zvimwe kana ndichisvika, ndingakuwanai musina kuita sezvandinoda, neni ndingawanikwa nemwi ndakaita sezvamusingadi; zvimwe kungavapo gakava, negodo, nokutsamwa, nokupesana, nokuchera, namakuhwa, namanyawi, nenyonganiso;
21
kuti kana ndichisvika zve, Mwari wangu arege kundininipisa pamberi penyu, ndicheme pamusoro pavazhinji vavo vatotadza, vakasatendevuka patsvina yavo, novupombwe, novutera bwavakaita.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13