bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Corinthians 11
2 Corinthians 11
Shona 2009?
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 12 →
1
Dai muchindiitira moyo murefu zvishoma pavupenzi bwangu; asi munondiitira henyu moyo murefu.
2
Nokuti ndinegodo pamusoro penyu negodo raMwari; nokuti ndakakuwanisai nomurume mumwe, kuti ndikuisei kunaKristu semhandara yakachena.
3
Asi ndinotya kuti, senyoka yakanyengera Eva namano ayo zvimwe saizvozvo ndangariro dzenyu dzingasvibiswa, dzitsauke pakururama nokuchena komoyo kuri kunaKristu.
4
Nokuti kana mumwe achivuya unoparidza mumwe Jesu, watisina kumboparidza isu, kana zvimwe muchigamuchira mumwe mweya, wamusina kumbogamuchira kana imwe evhangeri, yamusinakumbogamuchira, kana imwe evhangeri, yamusina kumbotenda, zvino momuitira moyo murefu kwazvo.
5
Nokuti ndinoti handizi muduku napaduku-duku kuvapositora vanopfuvura vamwe vose.
6
Zvino kunyange ndisinganatsi pakutaura, handina kudaro pakuziva; asi pazvinhu zvose takaratidzwa izvozvo kwamuri pamberi pavose.
7
Ndakatadza here zvandakazvininipisa kuti imwi mukudzwe, zvandakakuparidzirai evhangeri yaMwari ndisingapiwi mubairo?
8
Dzimwe kereke ndakadzitorera, ndichireva mubairo, kuti ndikushumirei imi.
9
Vuye, panguva yandakanga ndiri kwamuri, ndichishaiwa, handina kuremedza munhu; nokuti zvandakashaiwa ndakapiwa nehama dzaibva Makedhonia; pazvinhu zvose ndakachenjera kuti ndirege kukuremedzai, uye ndicharamba ndichichenjera.
10
sezvo chokwadi chaKristu iri mandiri, hakuna munhu ungandikonesa kuzvirumbidza kunyika dzeAkaya.
11
Nemhaka yeiko? Nokuti handikudiyi here? Mwari unoziva.
12
Asi chinhu ichi chandinoita, ndinochiita, kuti ndishaise nzira ivo vanotsvaka nzira; kuti vawanikwe vakaita sesu pazvinhu izvozvo zvavanozvirumbidza nazvo.
13
Nokuti vakadaro vapositora venhema, vanobata nokunyengera, vano zvishandura vachizviita vapositora vaKristu.
14
Naizvozvo hazvishamisi; nokuti kunyange naSatanivo unozvishandura, achizviita somutumwa wechiedza.
15
Naizvozvo hachizi chinhu chikuru, kana vashumiri vake vachizvishanduravo, vachizviita savashumiri vokururama; kuguma kwavo kuchava sezvavakabata.
16
Ndinopamhidza, ndichiti: Ngakurege kuva nomunhu unoti ndiri benzi; asi kana muchidaro henyu, ndigamuchirei sebenzi, kuti ndizvirumbidze hangu zvishomavo.
17
Zvandinotaura, handizvitauri sezvinobva kunaShe, asi sapavupenzi bwangu, pakuzvitenda uku kwatino zvirumbidza nako.
18
Vazhinji zvava nozvirumbidza panyama, nenivo ndichazvirumbidza.
19
Nokuti munoitira mapenzi moyo murefu nomufaro, imwi muri vakachenjera;
20
nokuti munoita nomoyo murefu kana munhu achikuitai varanda, kana achikuparadzai,, kana achikutapai, kana achizvikudza, kana achikurovai kumeso.
21
Ndinoreva ndichizvishovora, ndichiti takanga tisinesimba kudaro. Zvino kana kunomunhu unotsunga, (ndinotaura sebenzi), neni ndinotsungavo.
22
Ivo vaHebheru here? Nenivo. Ivo vaIsraeri here? Nenivo. Ivo vana vaAbhurahamu here? nenivo.
23
Ivo vashumiri vaKristu here? (Ndinotaura somunhu unopenga), zvikuru ini; pamabasa ndinovapfuvura, pakusungwa patirongo ndinovapfuvura, pakurobwa zvikuru-kuru, parufu kazhinji.
24
Ndakarobwa navaJudha kashanu, shamhu dzinamakumi matatu nepfumbamwe.
25
Katatu ndakarobwa netsvimbo, kamwe ndakatakwa namabwe, katatu ndakaputsikirwa nechikepe vusiku bwumwe namasikati ndakanga ndiri mugungwa;
26
panzendo kazhinji, panjodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzovorudzi rwangu, panjodzi dzavahedheni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi mugungwa, panjodzi pakati pehama dzenhema;
27
pakubata napakutambura, pakuvata kazhinji takarindira, panzara nenyota, pakutsanya kazhinji, pachando napakushaiwa zvokufuka.
28
kunze kwaizvozvi, ndinoremedzwa zuva rimwe nerimwe nokurangarira kereke dzose.
29
Ndianiko usine simba, neni ndikasava nesimba? Ndianiko unogumburwa, neni ndikasatsva?
30
Kana ndikafanira kuzvirumbidza, ndichazvirumbidza nezvinhu zvovutera bwangu.
31
Mwari, Baba vaShe wedu Jesu Kristu, unokudzwa nokusingaperi, unoziva kuti handirevi nhema.
32
PaDhamasko mubati pasi pamambo Areta wakarinda guta raveDhamasko, achitsvaka kundibata;
33
ndikaburuswa ndiri mudengu napawindi parusvingo, ndikatiza pamavoko ake.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13