bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Corinthians 10
2 Corinthians 10
Shona 2009?
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 11 →
1
Zvino ini Pauro ndinokumbira zvikuru kwamuri novunyoro netsitsi dzaKristu ini muduku kana ndiri pakati penyu, asi ndinotsunga kwamuri kana ndisipo
2
Ndinokumbira kwamuri, kuti kana ndavapo, ndirege kuzotsunga, nokutenda kwandinoti zvino ndichatsunga nako kuna vamwe vanoti tinofamba nenzira yenyama.
3
Nokuti, kunyangwe tichifamba nenzira yenyama, hatirwi nemitovo yenyama;
4
nokuti nhumbi dzedu dzokurwa nadzo hadzizi dzenyama, asi dzine simba pamberi paMwari rokuputsa nhare;
5
isu tinowisira pasi mifungo yose isina maturo, nezvose zvino zvikwiridza zvichipesana neruzivo rwaMwari.
6
takazvigadzira kuranga kusateerera kose, kana kuteerera kwenyu kwazadziswa.
7
imwi munotarira zvinhu zviri pamberi penyu. Kana munhu achivimba nazvo achiti ndiri waKristu ngaarangarire zve chinhu ichi mumoyo make, kuti sezvaari waKristu iye, saizvozvo nesuvo tiri vaKristu..
8
Nokuti kunyange ndainyanya kuzvirumbidza pamusoro pesimba redu ratakapiwa naShe kukusimbisai, risati riri rokukuputsai, handinganyadziswi;
9
kuti ndirege kuita sendinokutyisai nemwadhi dzangu.
10
Nokuti vanoti, mwadhi dzake dzina mashoko makuru, dzinesimba, asi muviri wake kana aripo, unovutera nokutaura kwake kunozvidzwa.
11
Munhu wakadaro ngaarangarire chinhu ichi kuti sezvatinoreva pamwadhi kana tisipo ndizvo zvatakaitavo pakuita kwedu kana tiripo.
12
Nokuti tinotya kuzvienzanisa nokuzvifananidza navamwe vanozvikudza; asi ivo havanenjere, zvavanozvienzanisa naivo vamene, nokuzvifananidza naivo vamene.
13
Zvino isu hatingazvirumbidzi tichipfuvura chipimo, asi nechipimo chinosvika pachipimo chatakagoverwa naMwari, kuti chive chiyero, chisvikirevo kwamuri.
14
Nokuti hatinyanyi kuzvitambanudza, sezvatisingasvikiri kwamuri; nokuti tisu takatanga kusvikira kwamuri neevhangeri yaKristu;
15
hatizvirumbidzi tichipfuvura chipimo pamusoro pebasa ravamwe; asi tinetariro kuti, kana kutenda kwenyu kuchikura, isu tichakuriswa pakati penyu kusvikira pachipimo chedu nokupfuvurisa;
16
tigoparidza evhangeri panyika dziri mberi kwenyu, tirege kuzvirumbidza pachipimo chomumwe pamusoro pezvatoitwa hazvo.
17
Asi unozvirumbidza, ngaazvirumbidze munaShe.
18
Nokuti wakatendeka haazi iye unozvirumbidza, asi ndiye unorumbidzwa naShe.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13