bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Corinthians 6
2 Corinthians 6
Shona 2009?
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 7 →
1
Zvino zvatinobatsirana naye, tinokumbira zvikuru kuti murege kugamuchira nyasha dzaMwari pasina.
2
(Nokuti iye unoti: Ndakakunzwa iwe nenguva yakafanira, Ndakakubatsira pazuva rokuponeswa; Tarirai, zvino inguva yakafanira; tarirai, zvino ndiro zuva rokuponeswa.)
3
Hatigumbusi vamwe nechinhu, kuti kushumira kwedu kurege kuzvidzwa;
4
asi pazvinhu zvose tinozviratidza savashumiri vaMwari, pakutsungirira kukuru, panhamo, pakushaiwa, pamatambudziko,
5
pakurobwa, pakusungwa, pakunyonganiswa, pamabasa, pakusavata, pakutsanya;
6
pakuchena komoyo pakuziva, pamoyo murefu, pavunyoro, paMweya Mutsvene, parudo rusinganyengeri;
7
pashoko rechokwadi, pasimba raMwari, nenhumbi dzokurwa dzokururama, kurudyi nokuruboswe,
8
nokukudzwa, nokusakudzwa, neguhu rakaipa, neguhu rakanaka; savanyengeri, asi tiri vechokwadi hedu;
9
savasingazikamwi, asi tichizikamwa hedu zvikuru; savanofa, asi, tarirai, tiri, vapenyu hedu; savanorobwa, asi tisingavurawi hedu;
10
savanochema, asi tichigara tichifara hedu; savarombo, asi tichifumisa vazhinji hedu; savasine chinhu, asi tinazvo zvose hedu.
11
Imi, vaKorinde, muromo wedu wakashama kwamuri, moyo wedu wakuriswa.
12
Hamumanikidzwi kwatiri, asi munomanikidzwa mumoyo menyu.
13
Zvino, mundidzosere saizvozvo (ndinotaura sokunavana vangu), imivo mukuriswe moyo.
14
Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe chete navasingatendi; nokuti kururama kungava novukama bweiko nokusarurama? Chiedza chingayanana seiko nerima?
15
Kristu unganzwana seiko naBeriari? Unotenda ungava nomugove weiko nousingatendi?
16
Tembere yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo? Nokuti isu tiri tembere yaMwari mupenyu; Mwari sezvaakareva; achiti: Ndichagara mukati mavo, nokufamba mukati mavo; ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.
17
Saka Budai pakati pavo, muzviravure, ndizvo zvinotaura Ishe, Musabata chinhu chine tsvina; Ini ndichakugamuchirai,
18
Ndichava Baba venyu, nemwi muchava vanakomana navanasikana vangu. Ndizvo zvinotaura Ishe unesimba rose.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
Recommended Reading
Commentary
2 Corinthians Commentaries
→
Devotional
2 Corinthians Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona ? Study Bible
→