bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Corinthians 9
2 Corinthians 9
Shona 2009?
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 10 →
1
Nokuti kana kuri kushumira vatsvene, handifaniri kuti ndikunyorerei;
2
nokuti ndinoziva kuda komoyo yenyu, kwandinorumbidza pamusoro penyu kunavaMakedhonia, kuti vaAkaya vakanga vazvigadzira kubvira makei; nokushingaira kwenyu kwakamutsa vazhinji.
3
Zvino, ndakatuma hama idzi, kuti kuzvirumbidza kwedu pamusoro penyu kurege kuitwa pasina pachinhu ichi; kuti, sezvandakareva, mugare makazvigadzira;
4
kuti zvimwe kana vamwe veMakedhonia vachivuya neni, vakakuwanai musina kuzvigadzira, isu(hatirevi imi) tirege kunyadziswa pakutenda uku.
5
Naizvozvo ndakati zvakafanira kuti ndiraire hama idzi, kuti vatange kuenda kwamuri, vatange kumbogadzira chipo chokuvonga chamakapikira kare, kuti ichi chigare chakagadzirwa chiri chipo chokuvonga, chirege kuva chinhu chatorwa nesimba,
6
Zvino rangarirai chinhu ichi: Unodzvara zvishoma, unochekavo zvishoma; unodzvara zvizhinji, uchachekavo zvizhinji.
7
Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakafunga pamoyo; arege kuita nokuchema, kana nokurovererwa; nokuti Mwari unoda munhu unopa nomufaro.
8
Mwari unogona kukuwanzirai nyasha dzose kuti nguva dzose muve nokuringana kose pazvose, kuti muwanze mabasa ose akanaka;
9
sezvazvakanyorwa, zvichinzi; Iye wakaparadzira, iye wakapa varombo; Kururama kwake kunogara nokusingaperi.
10
Zvino iye, unopa mudzvari mbeu nechingwa, kuti zvive zvokudya, uchakupaivo mbeu dzokudzvara achidziwanza, nokuwedzera zvibereko zvokururama kwenyu;
11
muchifumiswa pazvose mugoziva kupa zvakawanda, zvinoti, kana zvichiitwa nesu, Mwari unovigirwa nazvo kuvonga.
12
Nokuti kushumira kokubatsira uku hakuzadzisi kushaiwa kwavatsvene bedzi, asi kunowanzisavo kuvonga kunaMwari;
13
nokuda kwezvinovonekwa pakushumira uku vanorumbidza Mwari, pamusoro pokupupura kwenyu kwakateerera evhangeri yaKristu, napamusoro pokupa kwenyu zvakawanda kwavari nokuna vose.
14
Naivo vamene vanokushuvai, vachikukumbirirai, nokuda kwenyasha huru-huru dzaMwari pamusoro penyu.
15
Mwari ngaavongwe pamusoro pechipo chake, chisingagoni kurondedzerwa.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
Recommended Reading
Commentary
2 Corinthians Commentaries
→
Devotional
2 Corinthians Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona ? Study Bible
→