bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Corinthians 13
2 Corinthians 13
Shona 2009?
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
1
Iyi inguva yechitatu, yandinovuya kwamuri. Mumiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu mashoko ose achasimbiswa.
2
Ndakambokuvudzai, zvino ndokuvudzai sendakanga ndiripo, kechipiri sendakanga ndiripo, zvino ndisipo, ndinovanyorera avo vakatadza navamwe vose kuti kana ndavuya ikozvino handingavaregererizve.
3
Zvamunotsvaka chiratidzo chaKristu, unotaura mandiri, iye usingashaiwi simba kwamuri, asi unesimba mamuri.
4
Nokuti wakaroverwa pamuchinjikwa nokushaiwa simba, asi unoraramanesimba raMwari nesuvo hatina simba maari asi tichararama pamwe chete naye nesimba raMwari kwamuri.
5
Zviidzei imwi mumene, muvone kana muri pakutenda; muzvinzverei imwi mumene, Hamuzivi here imwi mumene kuti Jesu Kristu uri mukati menyu? Kana zvimwe mava vakarashwa henyu.
6
Asi ndinoti muchaziva henyu kuti isu hatina kuva vakarashwa.
7
Zvino tinonyengetera Mwari kuti murege kuita chinhu chimwe chakaipa; handidaro kuti isu tiwanikwe kuti takatendeka, asi kuti imwi muite zvakarurama, kunyange isu takaita savakarashwa.
8
Nokuti hatigoni kuita chinhu chinopesana nechokwadi, asi chinobatsira chokwadi.
9
Nokuti tinofara kana isu tichishaiwa simba, imwi muchiva nesimba; ndizvo zvatinokumbiravo, kuti mukwaniswe.
10
Saka ndinonyora izvi ndisipo, kuti kana ndavapo, ndirege kuita nehasha, sezvandakapiwa naShe simba rokusimbisa, risati riri rokuputsa.
11
Pakupedzisira, hama dzangu, farai, mukwaniswe, munyaradzwe, ivai nomoyo mumwe, garai norugare; Mwari worudo norugare uchava nemi.
12
Kwazisanai nokusveta kutsvene.
13
Vatsvene vose vanokukwazisai.
14
Nyasha dzaShe Jesu Kristu, norudo rwaMwari, nokuyanana koMweya Mutsvene, ngazvive nemwi mose. Ameni.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13