bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Mark 10
Mark 10
Shona 2009?
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 11 →
1
Zvino wakati asimukapo, akasvika kumiganhu yeJudhiya, nemhiri kwaJoridhani, chaunga chikavunganirazve kwaari; zvino akavadzidzisa zvese zvaakanga ajaira.
2
VaFarisi vakavuya kwaari, vakamubvunza, \add vachiti\add*: Zviri pamutemo here kuti murume arambe mukadzi \add wake\add*? vachimuidza.
3
Akapindura, akati kwavari: Mozisi wakakurairai chiiko?
4
Zvino vakati: Mozisi wakatendera kunyora rugwaro rwokurambana, noku\add mu\add*ramba.
5
Jesu akapindura akati kwavari: Nokuda kovukukutu hwemoyo yenyu, wakakunyorerai murairo uyu.
6
Asi kubva pakutanga kokusikwa, Mwari wakavaita murume nomukadzi.
7
Nokuda kwaizvozvo murume uchasiya baba namai vake, anamatire mukadzi wake;
8
zvino avo vaviri vachava nyama imwe. Nokudaro havasichiri vaviri, asi nyama imwe.
9
Naizvozvo Mwari zvaakabatanidza pamwechete, ngapasava nomunhu unoparadzanisa.
10
Zvino \add vava\add* mumba vadzidzi vake vakamubvunzazve pamusoro paizvozvo.
11
Zvino akati kwavari: Ani nani unoramba mukadzi wake, akawana mumwe, unoita vupombwe kwaari.
12
Uye kana mukadzi wakaramba murume wake, akawanikwa nomumwe, unoita vupombwe.
13
Zvino vakavuya navana vaduku kwaari, kuti avanyangate; asi vadzidzi vakadzivisa avo vaivuya \add navo.\add*
14
Zvino Jesu wakati a\add zvi\add*vona, akatsamwa zvikuru, akati kwavari: Regai vana vaduku vauye kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndohwavakadai.
15
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani usingagamuchiri ushe hwaMwari somwana muduku, haangapindi mahwuri
16
Ipapo akavafungatira mumavoko, ndokuisa mavoko pamusoro pavo, akavaropafadza.
17
Zvino wakati achibudira kunzira, kwakavuya mumwe achimhanya, akamufugamira akamubvunza, \add achiti\add*: Mudzidzisi wakanaka, ndingaiteko kuti ndigare nhaka youpenyu hwusingaperi?
18
Jesu akati kwaari: Unondiidzireiko wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze komumwe, \add iye\add* Mwari.
19
Unoiziva mirairo \add inoti\add*: Usaita vupombwe, usavuraya, usaba, usapupura nhema, usanyengera, kudza baba namai vako.
20
Zvino akapindura akati kwaari: Mudzidzisi, izvi zvose ndakazvichengeta kubva pavuduku hwangu.
21
Ipapo Jesu akamutarira akamuda, akati kwaari: Chinhu chimwe chaunoshaiwa; enda, utengese zvose zvaunazvo upe varombo, ipapo uchava nefuma kudenga; ugovuya utakure muchinjikwa, unditevere.
22
Asi wakatsamwa neshoko iro, akaenda neshungu nokuti wakanga anefuma zhinji.
23
Ipapo Jesu akaringa-ringa, akati kuvadzidzi vake: Vacharemerwa sei vane fuma kupinda paushe hwaMwari!
24
Vadzidzi vakashamiswa namashoko ake. Asi Jesu wakapindurazve, akati kwavari: Vana, zvinorema sei kunavanovimba nefuma kupinda muushe hwaMwari;
25
zvingarerukira kamera kupinda nemuburi retsono, kumufumi kupinda muushe hwaMwari.
26
Ipapo vakashamiswa zvikurusa, vakataurirana \add vachiti\add*: Ndiani zvino ungagoponeswa?
27
Zvino Jesu wakati achivatarira, akati: Kuvanhu hazvibviri, asi kwete kuna Mwari nokuti kuna Mwari zvinhu zvose zvinobvira.
28
Petro akatanga kuti kwaari: Tarirai, isu takasiya zvose tikakuteverai.
29
Jesu akapindura akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakunomunhu wakasiya imba, kana vanun'una namadzikoma, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nokuda kwangu nokweevhangeri,
30
usingazopiwi zvinezana nenguva ino, dzimba navanun'una namadzikoma, nehanzvadzi, nanamai, navana, neminda, nokutambudzwa, noupenyu hwusingaperi munguva inovuya.
31
Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, novokupedzira vokutanga.
32
Zvino vakanga vari munzira, vachikwira Jerusarema; Jesu akavatungamirira; vakashamiswa; zvino pavaitevera, vaitya. Ipapo akatorazve vanegumi navaviri, akatanga kuvavudza zvinhu zvakanga zvoda kuitika kwaari, \add achiti\add*:
33
Tarirai, tinokwira Jerusarema, Mwanakomana womunhu uchakumikidzwa kuvaprista vakuru nokuvanyori, vachamutongera rufu, nokumukumikidza kuvahedheni.
34
Vachamusveveredza, vachamurovesa, nokumupfira mate, nokumuvuraya; zvino nezuva retatu uchamukazve.
35
Zvino Jakobho naJohwani, vanakomana vaZebhedhi, vakavuya kwaari vachiti: Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire chero chatinokumbira kwamuri.
36
Akati kwavari: Chii chamunoda kuti ndikuitirei?
37
Vakati kwaari: Tipei kuti tigare, mumwe kuruvoko rwenyu rworudyi, mumwe kuruboshwe mukubwinya kwenyu,
38
Asi Jesu wakati kwavari: Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kumwa zvomukombe wandinomwa here? nokubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo here?
39
Vakati kwaari: Tingagona, Jesu akati kwavari: Muchamwa zvirokwazvo zvomukombe wandinomwa ini, nokubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini;
40
asi kugara kuruvoko rwangu rworudyi, kana kuruboshwe, hazvisi zvangu kuti ndikupei, asi \add ndezva\add*vakazvigadzirirwa izvo.
41
Vanegumi vakati vachi\add zvi\add*nzwa, vakatanga kutsamwira zvikuru Jakobho naJohwani.
42
Asi Jesu akavadana akati kwavari: Munoziva kuti avo vanonzi machinda avahedheni vanovatonga, navakuru vavo vanobata nesimba pamusoro pavo.
43
Zvino hazvingadaro pakati penyu; asi ani nani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu;
44
aninani wenyu unoda kuva wokutanga, ngaave mushandi wavose.
45
Nokuti kunyange Mwanakomana womunhu haana kuvuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nokupa upenyu hwake \add ruve\add* rudzikinuro rwavazhinji.
46
Vakasvika Jeriko; zvino wakati achibuda Jeriko navadzidzi vake nechaunga chikuru, Bartimeo bofu, mwanakomana waTimeo, akanga agere padivi penzira achipemha.
47
Wakati anzwa, kuti ndiJesu weNazareta, akatanga kudanidzira, nokuti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!
48
Vazhinji vakamuraira kuti anyarare; asi iye wakanyanya kudanidzira kwazvo, \add achiti\add*; Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!
49
Ipapo Jesu akaramba amire, akaraira kuti adamwe; vakadana bofu vachiti kwariri: Tsunga moyo; simuka, unokudana.
50
Ipapo akarasha nguvo yake akasimuka, akaenda kunaJesu.
51
Jesu akapindura, akati kwaari: Unoda kuti ndikuitireiko? Bofu rikati kwaari: Raboni*, kuti ndivonezve.
52
Jesu akati kwaari: Enda hako; kutenda kwako kwakuponesa. Pakarepo akavonazve, akatevera Jesu munzira.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16